Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Vagaratiya 3:10-29

Vagaratiya 3:10-29 SNA2002

Nokuti vose vari vamabasa omurayiro, vari pakutukwa; nokuti kwakanyorwa, kuchinzi, “Vakatukwa vose vasingarambiri pazvinhu zvose zvakanyorwa mubhuku yomurayiro, kuti vazviite.” Zvino, zvinoonekwa kuti hakuna munhu anoruramiswa nomurayiro pamberi paMwari, nokuti, “Akarurama achararama nokutenda.” Zvino murayiro haubvi pakutenda; asi uyo akaita zvinhu izvozvi achararama nazvo. Kristu akatidzikinura pakutuka kwomurayiro, iye akaitwa chakatukwa nokuda kwedu, nokuti kwakanyorwa, kuchinzi, “Vakatukwa vose vanoturikwa pamuti!” Kuti kuropafadzwa kwaAbhurahamu kusvike kuvahedheni muna Jesu Kristu; kuti tipiwe nokutenda chipikirwa choMweya. Hama dzangu, ndinoreva nokureva kwavanhu, ndichiti: Kunyange iri sungano yavanhu hayo, kana yasimbiswa, hakuna munhu anoikonesa kana kuwedzera kwairi. Zvino, izvo zvipikirwa zvakarehwa kuna Abhurahamu nokumwana wake. Haarevi, achiti, “Kuvana vako,” savanenge vari vazhinji; asi saanenge ari mumwe, unoti, “Kumwana wako;” uyu ndiye Kristu. Zvino ndinoreva chinhu ichi, ndichiti, Sungano yakasimbiswa kare naMwari haitorerwi simba rayo nomurayiro wakazotevera makore mazana mana namakumi matatu apfuura, kuti chipikirwa chikoneswe. Nokuti kana nhaka ichibva kumurayiro, haichabvi kuchipikirwa; asi Mwari akaipa Abhurahamu nokupikira. Naizvozvo murayiro chinyiko? Wakazowedzerwa nokuda kwezvivi, kusvikira mwana akapikirwa izvozvo achizouya; iwo wakarayirwa navatumwa noruoko rwomurevereri. Zvino murevereri haazi womumwechete; asi Mwari ndomumwe. Naizvozvo asi murayiro unorwisa zvipikirwa zvaMwari here? Haisva! Nokuti dai vakanga vapiwa murayiro waigona kuraramisa, zvirokwazvo kururamiswa kwaibva kumurayiro. Asi Rugwaro rwakapfigira zvose pasi pezvivi, kuti chipikirwa chinobva pakutenda muna Jesu Kristu chipiwe vanotenda. Asi kutenda kusati kwasvika, taichengetwa pasi pomurayiro, takapfigirwa nokuda kwokutenda kwaizoratidzwa. Saizvozvo murayiro wakanga uri muperekedzi wedu, kutiisa kuna Kristu kuti tiruramiswe nokutenda. Zvino kutenda zvakwakasvika, hatichiri pasi pomuperekedzi. Nokuti imi mose muri vana vaMwari nokutenda muna Kristu Jesu; nokuti vose pakati penyu, vakabhabhatidzwa muna Kristu, makapfeka Kristu. Hakuchina muJudha kana muGiriki, hakuchina akasungwa kana akasununguka, hakuchina munhurume kana munhukadzi; nokuti imi mose muri vamwe muna Kristu Jesu. Zvino kana muri vaKristu, muri vana vaAbhurahamu, vadyi venhaka sezvamakapikirwa.