Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Vagaratia 3:10-29

Vagaratia 3:10-29 SCLBD

Zviripo ndezvokuti vose vanovimba nezvisungo zvomutemo, vakarengererwa rushambwa nokuti zvakanyorwa zvichinzi, “Ngaawirwe norushambwa munhu wose asingarambe achichengeta zvose zvakanyorwa mubhuku romutemo achizviita.” Zvino zviri pachena kuti hapana munhu anoruramiswa nomutemo pamberi paMwari nokuti munhu anenge akaruramiswa pamusana pechitendero achararama. Asi mutemo haunei nechitendero nokuti munhu anotevedza mitemo anofanira kuraramiswa nayo. Asi Kristu nokuva anenge akarengererwa rushambwa akatinunura kurushambwa rwomutemo nokuti muMagwaro Matsvene makanyorwa kuti: “Akarengererwa anorushambwa munhu wose anoturikwa pamuti.” Izvi zvakaitirwa kuti muna Kristu Jesu, chikomborero chaAbhurahamu chiuyewo kune vechirudzi kuti tigamuchire chivimbiso chaMweya nechitendero. Hama, houno muenzaniso wezvinongowanika muvanhu, hakuna munhu anopfudza chibvumirano chomunhu kana angawedzera pachiri kana chanyoreranwa pasi. Zvino zvitsidzo izvi zvakaitwa kuna Abhurahamu nokumwana wake. Chibvumirano ichocho hachisi kuti, “Kuvana vake” chichireva vana vazhinji asi kuti chinotaura nezvomumwechete chichiti, “NokuMwana wako,” zvichireva Kristu. Izvi ndizvo zvandinoreva, kuti mutemo wakazouya mushure memakore mazana mana anamakumi matatu haudzimi chitenderano chakambonyoreranwa naMwari zvinoita kuti chitenderano ichocho chishaye basa. Chandinodariro ndechokuti, kana nhaka iyoyo iri yokutevedza zvomumutemo haichisiri yechitsidzo. Asi Mwari akapa kuna Abhurahamu zviri zvechitsidzo. Ko mutemo ndowei? Wakapamhidzirwa pamusana pokukanganisa uchinzi uvepo kusvikira mwana uya akanga aitirwa chitsidzo ichocho auya. Mutemo iwoyo wakaziviswa nokuvatumwa uye pakanga paino munhu aiva munyai. Pano mumwechete asingadi munyai, Mwari chete. Ko zvinoreva kuti mutemo unorwisana nezvitsidzo zvaMwari here? Hazvisizvo kwete. Dai kuri kuti pane mutemo wakatemwa unogona kupa upenyu, pakadaro ururami hungadai huchitounzwa nomutemo. Magwaro Matsvene anoti zvinhu zvose zviri pasi pechitadzo kuti zvinhu zvakatsidzirwa nokuda kwechitendero muna Jesu Kristu zvipiwe kuna vanotenda. Chitendero chisati chauya takanga takaiswa pasi pomutemo, tiri parumananzombe kusvikira chitendero chaburitswa pachena. Ipapo mutemo wakanga uri mureri wedu kusvikira Kristu auya kuti tiruramiswe nechitendero. Zvino chitendero pachakadai kuuya, hatichisiri pasi pomureri. Nokuti muna Kristu Jesu, imi mose muri vana vaMwari nokuda kwechitendero. Mose imi makaombekwa muna Kristu, makatopfeka Kristu. Hapachisina muJudha kana muGiriki, hapachisina muranda kana musununguki, hapachisina murume kana mukadzi nokuti mose mava chinhu chimwechete muna Kristu Jesu. Zvino kana muri vanhu vaKristu mava chizvarwa chaAbhurahamu vagari venhaka maererano nechitsidzo.

Verenga chikamu Vagaratia 3