Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Vagaratia 3

3
II: CHIDZIDZISO CHOBHUKU RINO
Chitendero kana kuti kutevedza zvisungo zvomutemo
1Imi vaGaratia mava kupenga here imi? Asi makaroiwa? Inga wani makanyatsotsanangurirwa pachena nezvokurovererwa pamuchinjikwa kwaJesu. 2Ndingade kumbokubvunzai izvi chete zvokuti iyemi makagamuchira Mweya pamusana pezvisungo zvomitemo here kana kuti nokudavira zvamakanzwa? 3Kuzungairai kwakadai? Vanhu vakatangisa muMweya, ndimi mavakupedzesera munyama here? 4Kutambudzika kose uku makatambudzikira pasina here? Kana kunganzi chaizvoizvowo kutambudzikira pasina, 5ko iye anokupai Mweya Mutsvene achiita zvishamiso pakati penyu, anozviita pamusana pezvisungo zvomutemo here kana kuti nokunzwa nechitendero?
Uchapupu hwaMagwaro Matsvene mune zvechitendero nomutemo
6Abhurahamu akatenda muna Mwari zvikamupa kunzi akarurama. 7Naizvozvo munozvionawo kuti vanhu vechitendero ndivo vana vaAbhurahamu. 8Magwaro Matsvene paakaona kuti Mwari anoruramisa marudzi nechitendero akafanoparidza Abhurahamu Shoko Rakanaka achiti, “Ndudzi dzose dzichakomborerwa pamusana pako.” 9Saizvozvo vanhu vechitendero vanokomborerwa pamwechete naAbhurahamu aiva nechitendero.
Rushambwa runounzwa nezvisungo zvomutemo
10Zviripo ndezvokuti vose vanovimba nezvisungo zvomutemo, vakarengererwa rushambwa nokuti zvakanyorwa zvichinzi,
“Ngaawirwe norushambwa
munhu wose asingarambe achichengeta
zvose zvakanyorwa mubhuku romutemo achizviita.”
11Zvino zviri pachena kuti hapana munhu anoruramiswa nomutemo pamberi paMwari nokuti munhu anenge akaruramiswa pamusana pechitendero achararama. 12Asi mutemo haunei nechitendero nokuti munhu anotevedza mitemo anofanira kuraramiswa nayo. 13Asi Kristu nokuva anenge akarengererwa rushambwa akatinunura kurushambwa rwomutemo nokuti muMagwaro Matsvene makanyorwa kuti: “Akarengererwa anorushambwa munhu wose anoturikwa pamuti.” 14Izvi zvakaitirwa kuti muna Kristu Jesu, chikomborero chaAbhurahamu chiuyewo kune vechirudzi kuti tigamuchire chivimbiso chaMweya nechitendero.
Mutemo nechitsidzo
15Hama, houno muenzaniso wezvinongowanika muvanhu, hakuna munhu anopfudza chibvumirano chomunhu kana angawedzera pachiri kana chanyoreranwa pasi. 16Zvino zvitsidzo izvi zvakaitwa kuna Abhurahamu nokumwana wake. Chibvumirano ichocho hachisi kuti, “Kuvana vake” chichireva vana vazhinji asi kuti chinotaura nezvomumwechete chichiti, “NokuMwana wako,” zvichireva Kristu. 17Izvi ndizvo zvandinoreva, kuti mutemo wakazouya mushure memakore mazana mana anamakumi matatu haudzimi chitenderano chakambonyoreranwa naMwari zvinoita kuti chitenderano ichocho chishaye basa. 18Chandinodariro ndechokuti, kana nhaka iyoyo iri yokutevedza zvomumutemo haichisiri yechitsidzo. Asi Mwari akapa kuna Abhurahamu zviri zvechitsidzo. 19Ko mutemo ndowei? Wakapamhidzirwa pamusana pokukanganisa uchinzi uvepo kusvikira mwana uya akanga aitirwa chitsidzo ichocho auya. Mutemo iwoyo wakaziviswa nokuvatumwa uye pakanga paino munhu aiva munyai. 20Pano mumwechete asingadi munyai, Mwari chete.
Chinangwa chezvisungo zvomutemo
21Ko zvinoreva kuti mutemo unorwisana nezvitsidzo zvaMwari here? Hazvisizvo kwete. Dai kuri kuti pane mutemo wakatemwa unogona kupa upenyu, pakadaro ururami hungadai huchitounzwa nomutemo. 22Magwaro Matsvene anoti zvinhu zvose zviri pasi pechitadzo kuti zvinhu zvakatsidzirwa nokuda kwechitendero muna Jesu Kristu zvipiwe kuna vanotenda.
Kuuya kwechitendero
23Chitendero chisati chauya takanga takaiswa pasi pomutemo, tiri parumananzombe kusvikira chitendero chaburitswa pachena. 24Ipapo mutemo wakanga uri mureri wedu kusvikira Kristu auya kuti tiruramiswe nechitendero. 25Zvino chitendero pachakadai kuuya, hatichisiri pasi pomureri. 26Nokuti muna Kristu Jesu, imi mose muri vana vaMwari nokuda kwechitendero. 27Mose imi makaombekwa muna Kristu, makatopfeka Kristu. 28Hapachisina muJudha kana muGiriki, hapachisina muranda kana musununguki, hapachisina murume kana mukadzi nokuti mose mava chinhu chimwechete muna Kristu Jesu. 29Zvino kana muri vanhu vaKristu mava chizvarwa chaAbhurahamu vagari venhaka maererano nechitsidzo.

Zvasarudzwa nguva ino

Vagaratia 3: SCLBD

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda