Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Vagaratia 2

2
Musangano wokuJerusaremu
1Shure kwamakore gumi namana ndakakwirazve kuJerusaremu naBhanabhasi. Ndakatorawo Titosi ndikaenda naye. 2Ndakakwirako ndatozviratidzwa, ndokundoturira kuna ivavo vainzi vakuru vakuru asi zviri zvepachedu toga Shoko Rakanaka randinoparidza mukati mevechirudzi, kuti zvimwe ndingadaro ndichishandira pasina kana kuti ndaishandira pasina. 3Kunyange Titosi akanga aneni haana kumanikidzwa kuti adzingiswe kunyange zvazvo aiva muGiriki. 4Asi nokuda kwehama dzechipameso dzakapinzwa muchivande kuzosora rusununguko rwedu rwatinarwo muna Kristu Jesu kuti dzitipinze muuranda. 5Hatina kubvuma zvavaida kunyange napaduku zvapo, tichiitira kuti chokwadi cheShoko Rakanaka chichengeterwe imi.
6Avo vainzi ndivo vakuru vakuru, zvavaiva zvakanga zvisina basa kwandiri nokuti Mwari haana rusaruro. Kwavari ndinoti ivavo vainzi ndivo vakuru vakuru hapana chavakandiwedzera, 7asi kuti pavakaona kuti ndakapiwa basa rokuparidza Shoko Rakanaka kuna vasina kudzingiswa sezvakangoitawo Pita akapiwa basa rokuparidza Shoko Rakanaka kuna vakadzingiswa; 8chikonzero chiri chokuti iye aishanda nomuna Pita basa rokuva mupositori akatumwa kuna vakadzingiswa akashandawo nemandiri basa iroro kune vechirudzi; 9Jemusi naKefasi naJohani vainzi vakuru vakuru vacho, vaona kuti ndakapiwa chikomborero chebasa iri, vakaratidza kuva vamwe neni naBhanabhasi nokukwazisana kwatakaita navo noruoko rworudyi; izvi zvikareva kuti isu ndisu toenda kunevechirudzi ivo vachienda kuna vakadzingiswa. 10Asi vaida kuti tiyeuke varombo, chiri icho chinhu chandaitodisisa kuita.
Pauro anotsiura Pita kuAntioku
11Asi Pita#2:11 Pita: MuchiGiriki munoti Kefasi. paakauya kuAntioku ndakamutsiura pachena nokuti akanga akanganisa. 12Zvaivapo ndezvokuti, vamwe varume vasati vauya kubva kuna Jemusi, aidya nevechirudzi. Asi pavakangouya akabva aregera avakuzvitsaura pamusana pokutya vebato rokudzingiswa. 13Vamwe vaJudha vakava nokusatendeka ikoko pamwe naPita. Kunyange Bhanabhasi akafurirwawo mukusatendeka kwavo ikoko. 14Asi pandakaona kuti vakanga vasingaiti zvinowirirana nechokwadi cheShoko Rakanaka, ndakataurira Pita navamwe vose vakanga varipo ndichiti,
“Zvino kana imi muJudha kudai
muchigara somunhu wechirudzi
musingaiti somuJudha,
mungagomanikidza sei vechirudzi
kuti vagare savaJudha?”
VaJudha kana vechirudzi vanoponeswa nechitendero
15Isu iyesu, zvizvarwa zvechiJudha, tisiri vechirudzi, vatadzi, 16tinoziva kuti munhu haaruramiswi nezvisungo zvomutemo, asi nechitendero muna Jesu Kristu. Kunyangewo isu takatenda wani muna Kristu Jesu kuti tiruramiswe nechitendero muna Kristu kwete nezvisungo zvomutemo nokuti hapana anoruramiswa nezvisungo zvomutemo. 17Zvino kana isu mukushingairira kuti tiruramiswe muna Kristu; kana iyesu pachedu towanikwa tava vatadzi, ko zvino Kristu ava honzeri yechitadzo here? Hazvisizvo, kwete. 18Zvino kana ndava kuvakazve zvinhu zvandambopaza ndinobva ndazviita mudariki womutemo. 19Kuno mutemo, ndakangoita somunhu akafa kwauri kuti ndiraramire Mwari.
Ndakarovererwa pamuchinjikwa pamwechete naKristu. 20Handichisiri ini ndiri mupenyu asi kuti Kristu ndiye avakugara mandiri. Upenyu hwandinahwo somunhu ndinohugara pamusana pechitendero chandinacho muMwanakomana waMwari akandida akapira upenyu hwake nokuda kwangu. 21Handisi kuramba nyasha dzaMwari nokuti kana kururamiswa kuchiitwa nomutemo Kristu akafira pasina.

Zvasarudzwa nguva ino

Vagaratia 2: SCLBD

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda