Ekisodho 6:2-11
Ekisodho 6:2-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mwari akatiwo kuna Mozisi, “Ndini Jehovha. Ndakazviratidza kuna Abhurahama, kuna Isaka, nokuna Jakobho saMwari Wamasimba Ose, asi nezita rangu, Jehovha, handina kuzvizivisa kwavari. Ndakasimbisawo sungano yangu navo kuti ndivape nyika yeKenani, nyika yavakagara savatorwa. Pamusoro paizvozvo, ndanzwa kugomera kwavaIsraeri, vakabatwa muutapwa navaIjipita, uye ndarangarira sungano yangu. “Naizvozvo, uti kuvaIsraeri, ‘Ndini Jehovha, uye ndichakubudisai kubva pasi pejoko ravaIjipita. Ndichakusunungurai kuti musava nhapwa kwavari, uye ndichakudzikinurai noruoko rwakatambanudzwa uye nokutonga kwamabasa makuru. Ndichakutorai savanhu vangu, uye ndichava Mwari wenyu. Ipapo muchaziva kuti ndini Jehovha Mwari wenyu, akakubvisai pasi pejoko ravaIjipita. Uye ndichakuuyisai kunyika yandakapika ndakasimudza ruoko kuna Abhurahama, kuna Isaka nokuna Jakobho. Ndichaipa kwamuri senhaka yenyu. Ndini Jehovha.’ ” Mozisi akazivisa izvi kuvaIsraeri, asi havana kumuteerera nokuda kwokuora mwoyo kwavo uye nousungwa hune utsinye. Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Enda undotaurira Faro mambo weIjipiti kuti arege vaIsraeri vabude munyika yake.”
Ekisodho 6:2-11 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Mwari akataurawo naMosesi, akati kwaari, “Ndini JEHOVHA. Ndakazviratidza kuna Abhurahamu, nokunaIsaka, nokunaJakobho, ndiri Mwari waMasimbaose, asi ndakanga ndisingazikanwi navo nezita rangu rinonzi JEHOVHA. Zvino ndakasimbisa sungano yangu navo kuti ndivape nyika yeKenani, nyika youtorwa hwavo, mavakanga vari vatorwa. Ndakanzwa kugomba kwavana vaIsiraeri vakasungwa navaIjipiti pauranda, ndikarangarira sungano yangu. Naizvozvo muti kuvana vaIsiraeri, ‘Ndini Jehovha, ini ndichakubudisai pamirimo yavaIjipiti, ndichakusunungurai pauranda hwenyu, ndichakudzikinurai noruoko rwakatambanudzwa, uye nokutonga kukuru.’ Ndichakutorai imi kuti muve vanhu vangu, ini ndichava Mwari wenyu, iye anokubudisai pamirimo yavaIjipiti. Ndichakuisai kunyika yandakasimudzira ruoko rwangu kuti ndiipe Abhurahamu, naIsaka, naJakobho, ndichakupai iyo ive nhaka yenyu; ndini Jehovha.” Mosesi akataura saizvozvo kuvana vaIsiraeri, asi havana kuteerera Mosesi nokuda kweshungu dzomweya nedzouranda hwakanga uchirema. Zvino Jehovha akataura naMosesi akati, “Pinda, undotaura naFarao mambo weIjipiti, kuti atendere vana vaIsiraeri kubuda munyika yake.”
Ekisodho 6:2-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mwari akazotaurirazve Mosesi achiti, “Ndini Tenzi, ndakazviratidza kuna Abhurahamu naIsaki naJakobho ndichizviti Aripagomo, asi handina kunge ndavaudza zita rangu rokuti Yahweh. Ini ndakaitawo chitenderano changu navo ndichiti, ‘Ndichavapa nyika yeKanani mavaimboita zvokugara vachiti apa garei, tamei apa garei tamei.’ Ndanzwawo kudandaura nenhamo kuri kuita vaIsiraeri vari kuitiswa uranda navaIjipiti ndokubva ndarangarira chitenderano changu. Naizvozvo udza vaIsiraeri kuti, ‘Ini ndini Tenzi uye ndini ndichakusunungurai pajoko rinorema ramuri kutakudzwa navaIjipiti.’ Ndichakununurai muuranda ihwohwo. Ndichakudzikinurai nesimba rangu guru, ndichiranga vaIjipiti zvinorwadza. Ndichakuitai vanhu vangu, ini ndichivawo Mwari wenyu. Kana ndakununurai muuranda muIjipiti, ndipo pamuchaziva kuti ndini Tenzi, Mwari wenyu. Ndichakuunzai kunyika yandakatsidzira Abhurahamu naIsaki naJakobho ndichiti ndichazovapa, naizvozvo ndichakupai nyika iyoyo kuti ive nhaka yenyu. Ndini Tenzi.” Mosesi akandoudza vaIsiraeri saizvozvo, asi havana kumuteerera nokuti mwoyo yavo yakanga yasviba pamusana penhamo yavaioneswa muuranda. Tenzi akataurira Mosesi kuti, “Enda undotaurazve namambo weIjipiti kuti ngaarege vaIsiraeri vabude munyika yake vaende zvavo.”
Ekisodho 6:2-11 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Mŋari akataura ʋo naMosesi, akati kwaari: Ndini JEHOVA. Ndakaɀiratidza kunaAbrahama, nokunaIsaka, nokunaJakobo ndiri Mŋari wamasimba ose, asi ndakaŋga ndisiŋgazikanwi naʋo nezita raŋgu rinonzi JEHOVA. Ɀino ndakasimbisa suŋgano yaŋgu naʋo kuti ndiʋape nyika yeKanani, nyika yoʋutorwa bgaʋo, maʋakaŋga ʋari ʋatorwa. Ndakanzwa kugomba kwaʋana ʋaIsraeri ʋakasuŋgwa naʋaEgipita paʋuranda, ndikaraŋgarira suŋgano yaŋgu. Naiɀoɀo muti kuʋana ʋaIsraeri: Ndini Jehova, ini ndicakuɓuɗisai pamirimo yaʋaEgipita, ndicakusunuŋgurai paʋuranda bgenyu, ndicakudzikinurai noruʋoko rwakatambanudzwa, ʋuye nokutoŋga kukuru. Ndicakutorai imi kuti muʋe ʋanhu ʋaŋgu, ini ndicaʋa Mŋari wenyu; imi mucaziʋa kuti ndini Jehova, Mŋari wenyu, iye unokuɓuɗisai pamirimo yaʋaEgipita. Ndicakuisai kunyika, yandakasimudzira ruʋoko rwaŋgu kuti ndiipe Abrahama, naIsaka, naJakobo; ndicakupai iyo iʋe nhaka yenyu; ndini Jehova. Mosesi akataura saiɀoɀo kuʋana ʋaIsraeri, asi haʋana‐kuterera Mosesi nokuɗa kweshuŋgu dzomŋeya nedzoʋuranda bgakaŋga ʋucirema. Ɀino Jehova akataura naMosesi, akati: Pinda, undotaura naFarao mambo weEgipita, kuti atendere ʋana ʋaIsraeri kuɓuɗa munyika yake.
Ekisodho 6:2-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)