Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Eksodo 6

6
Jehova unoʋapikira ɀe kuti ucaʋaɓuɗisa panyika yeEgipita.
1Jehova akati kunaMosesi: Ɀino mucaʋona ɀandicaitira Farao, nokuti ucaʋatendera kuenda noruʋoko runesimba, ucaʋadziŋga munyika yake noruʋoko runesimba.
2Mŋari akataura ʋo naMosesi, akati kwaari: Ndini JEHOVA. 3Ndakaɀiratidza kunaAbrahama, nokunaIsaka, nokunaJakobo ndiri Mŋari wamasimba ose, asi ndakaŋga ndisiŋgazikanwi naʋo nezita raŋgu rinonzi JEHOVA. 4Ɀino ndakasimbisa suŋgano yaŋgu naʋo kuti ndiʋape nyika yeKanani, nyika yoʋutorwa bgaʋo, maʋakaŋga ʋari ʋatorwa. 5Ndakanzwa kugomba kwaʋana ʋaIsraeri ʋakasuŋgwa naʋaEgipita paʋuranda, ndikaraŋgarira suŋgano yaŋgu. 6Naiɀoɀo muti kuʋana ʋaIsraeri: Ndini Jehova, ini ndicakuɓuɗisai pamirimo yaʋaEgipita, ndicakusunuŋgurai paʋuranda bgenyu, ndicakudzikinurai noruʋoko rwakatambanudzwa, ʋuye nokutoŋga kukuru. 7Ndicakutorai imi kuti muʋe ʋanhu ʋaŋgu, ini ndicaʋa Mŋari wenyu; imi mucaziʋa kuti ndini Jehova, Mŋari wenyu, iye unokuɓuɗisai pamirimo yaʋaEgipita. 8Ndicakuisai kunyika, yandakasimudzira ruʋoko rwaŋgu kuti ndiipe Abrahama, naIsaka, naJakobo; ndicakupai iyo iʋe nhaka yenyu; ndini Jehova. 9Mosesi akataura saiɀoɀo kuʋana ʋaIsraeri, asi haʋana‐kuterera Mosesi nokuɗa kweshuŋgu dzomŋeya nedzoʋuranda bgakaŋga ʋucirema.
10Ɀino Jehova akataura naMosesi, akati: 11Pinda, undotaura naFarao mambo weEgipita, kuti atendere ʋana ʋaIsraeri kuɓuɗa munyika yake. 12Mosesi akataura pamberi paJehova, akati: Tarirai, ʋana ʋaIsraeri haʋana‐kunditerera; ɀino Farao uŋganditerera seiko, ini munhu unemiromo isina‐kudziŋgiswa? 13Ipapo Jehova akataura naMosesi naAroni, akaʋatuma neshoko kuʋana ʋaIsraeri nokunaFarao, mambo weEgipita, kuti ʋaɓuɗise ʋana ʋaIsraeri munyika yeEgipita.
Marudzi aMosesi naAroni.
14Ndiyo misoro yedzimba dzamadziɓaɓa aʋo: Ʋanakomana ʋaRubeni, ɗaŋgwe raIsraeri, ʋaiʋa Hanoki, naParu, naHezroni, naKarmi; ndiʋo ʋedzimba dzaRubeni. 15Ʋanakomana ʋaSimeoni ʋaiʋa Jemueri, naJamini, naOhadi, naJakini, naZohari, naShauri, mŋanakomana womukadzi muKanani; ndiʋo ʋedzimba dzaSimeoni. 16Ndiwo mazita aʋanakomana ʋaRevi namarudzi aʋo: Gershoni, naKohati, naMerari; makore oʋupenyu bgaRevi aiʋa makore anezana namakumi matanhatu namanomŋe. 17Ʋanakomana ʋaGershoni ʋaiʋa Ribni, naShimei, namarudzi aʋo. 18Ʋanakomana ʋaKohati ʋaiʋa Amrami, naIzari, naHebroni, naUzieri; makore oʋupenyu bgaKohati aiʋa makore anezana namakumi matatu namatatu. 19Ʋanakomana ʋaMerari ʋaiʋa Makri, naMushi. Ndiʋo ʋedzimba dzaʋaRevi pamarudzi aʋo. 20Amrami akawana Jokebedi, hanɀadzi yaɓaɓa ʋake, iye akamuɓerekera Aroni naMosesi; makore oʋupenyu bgaAmrami aiʋa makore anezana namakumi matatu namanomŋe. 21Ʋanakomana ʋaIzari ʋaiʋa Kora, naNefegi, naZikri. 22Ʋanakomana ʋaUzieri ʋaiʋa Mishaeri, naErzafani, naSitri. 23Aroni akawana Erisheba, mukunda waAminadabi, hanɀadzi yaNashoni, iye akamuɓerekera Nadabi naAbihu, naEreazari, naItamari. 24Ʋanakomana ʋaKora ʋaiʋa Asiri, naErikana, naAbiasafi; ndiʋo ʋedzimba dzaʋaKora. 25Ereazari, mŋanakomana waAroni, akawana mumŋe waʋakunda ʋaPutieri, iye akamuɓerekera Pinehasi. Ndiyo misoro yedzimba dzamadziɓaɓa aʋaRevi nemhuri dzaʋo. 26Ndiʋo ʋaya ʋanaAroni naMosesi ʋakanzi naJehova: Ƃuɗisai ʋana ʋaIsraeri munyika yeEgipita nehondo dzaʋo. 27Ndiʋo ʋakataura naFarao, mambo weEgipita, kuti ʋaɓuɗise ʋana ʋaIsraeri muEgipita; ndiʋo ʋaya ʋanaMosesi naAroni.
Mosesi naAroni ʋanoita ɀishamiso ɀaʋo pamberi paFarao.
28Nomusi iwoyo Jehova akataura naMosesi munyika yeEgipita, 29Jehova akataura naMosesi, akati: Ndini Jehova; ʋudza Farao, mambo weEgipita, ɀinhu ɀose ɀandakakuʋudza. 30Ipapo Mosesi akati pamberi paJehova: Tarirai, ndiri munhu unemiromo isina‐kudziŋgiswa, ɀino Farao ucanditerera seiko?

Zvasarudzwa nguva ino

Eksodo 6: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda