Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Kubuda 6:2-11

Kubuda 6:2-11 SCLBD

Mwari akazotaurirazve Mosesi achiti, “Ndini Tenzi, ndakazviratidza kuna Abhurahamu naIsaki naJakobho ndichizviti Aripagomo, asi handina kunge ndavaudza zita rangu rokuti Yahweh. Ini ndakaitawo chitenderano changu navo ndichiti, ‘Ndichavapa nyika yeKanani mavaimboita zvokugara vachiti apa garei, tamei apa garei tamei.’ Ndanzwawo kudandaura nenhamo kuri kuita vaIsiraeri vari kuitiswa uranda navaIjipiti ndokubva ndarangarira chitenderano changu. Naizvozvo udza vaIsiraeri kuti, ‘Ini ndini Tenzi uye ndini ndichakusunungurai pajoko rinorema ramuri kutakudzwa navaIjipiti.’ Ndichakununurai muuranda ihwohwo. Ndichakudzikinurai nesimba rangu guru, ndichiranga vaIjipiti zvinorwadza. Ndichakuitai vanhu vangu, ini ndichivawo Mwari wenyu. Kana ndakununurai muuranda muIjipiti, ndipo pamuchaziva kuti ndini Tenzi, Mwari wenyu. Ndichakuunzai kunyika yandakatsidzira Abhurahamu naIsaki naJakobho ndichiti ndichazovapa, naizvozvo ndichakupai nyika iyoyo kuti ive nhaka yenyu. Ndini Tenzi.” Mosesi akandoudza vaIsiraeri saizvozvo, asi havana kumuteerera nokuti mwoyo yavo yakanga yasviba pamusana penhamo yavaioneswa muuranda. Tenzi akataurira Mosesi kuti, “Enda undotaurazve namambo weIjipiti kuti ngaarege vaIsiraeri vabude munyika yake vaende zvavo.”

Verenga chikamu Kubuda 6