Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ekisodho 6:2-11

Ekisodho 6:2-11 SNA2002

Mwari akataurawo naMosesi, akati kwaari, “Ndini JEHOVHA. Ndakazviratidza kuna Abhurahamu, nokunaIsaka, nokunaJakobho, ndiri Mwari waMasimbaose, asi ndakanga ndisingazikanwi navo nezita rangu rinonzi JEHOVHA. Zvino ndakasimbisa sungano yangu navo kuti ndivape nyika yeKenani, nyika youtorwa hwavo, mavakanga vari vatorwa. Ndakanzwa kugomba kwavana vaIsiraeri vakasungwa navaIjipiti pauranda, ndikarangarira sungano yangu. Naizvozvo muti kuvana vaIsiraeri, ‘Ndini Jehovha, ini ndichakubudisai pamirimo yavaIjipiti, ndichakusunungurai pauranda hwenyu, ndichakudzikinurai noruoko rwakatambanudzwa, uye nokutonga kukuru.’ Ndichakutorai imi kuti muve vanhu vangu, ini ndichava Mwari wenyu, iye anokubudisai pamirimo yavaIjipiti. Ndichakuisai kunyika yandakasimudzira ruoko rwangu kuti ndiipe Abhurahamu, naIsaka, naJakobho, ndichakupai iyo ive nhaka yenyu; ndini Jehovha.” Mosesi akataura saizvozvo kuvana vaIsiraeri, asi havana kuteerera Mosesi nokuda kweshungu dzomweya nedzouranda hwakanga uchirema. Zvino Jehovha akataura naMosesi akati, “Pinda, undotaura naFarao mambo weIjipiti, kuti atendere vana vaIsiraeri kubuda munyika yake.”

Verenga chikamu Ekisodho 6