Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Kubuda 6

6
1Asi Tenzi akapindura Mosesi achiti, “Zvino chirega zvako uone zvandichaita kuna Farao iyeyu. Achavaburitsa aona simba roruoko rwangu. Pamusana pesimba rangu iroro achatoita zvokuvadzinga munyika yake.”
Mwari anodaidza Mosesi rwechipiri
2Mwari akazotaurirazve Mosesi achiti, “Ndini Tenzi, 3ndakazviratidza kuna Abhurahamu naIsaki naJakobho ndichizviti Aripagomo, asi handina kunge ndavaudza zita rangu rokuti Yahweh. 4Ini ndakaitawo chitenderano changu navo ndichiti, ‘Ndichavapa nyika yeKanani mavaimboita zvokugara vachiti apa garei, tamei apa garei tamei.’ 5Ndanzwawo kudandaura nenhamo kuri kuita vaIsiraeri vari kuitiswa uranda navaIjipiti ndokubva ndarangarira chitenderano changu. 6Naizvozvo udza vaIsiraeri kuti, ‘Ini ndini Tenzi uye ndini ndichakusunungurai pajoko rinorema ramuri kutakudzwa navaIjipiti.’ Ndichakununurai muuranda ihwohwo. Ndichakudzikinurai nesimba rangu guru, ndichiranga vaIjipiti zvinorwadza. 7Ndichakuitai vanhu vangu, ini ndichivawo Mwari wenyu. Kana ndakununurai muuranda muIjipiti, ndipo pamuchaziva kuti ndini Tenzi, Mwari wenyu. 8Ndichakuunzai kunyika yandakatsidzira Abhurahamu naIsaki naJakobho ndichiti ndichazovapa, naizvozvo ndichakupai nyika iyoyo kuti ive nhaka yenyu. Ndini Tenzi.”
9Mosesi akandoudza vaIsiraeri saizvozvo, asi havana kumuteerera nokuti mwoyo yavo yakanga yasviba pamusana penhamo yavaioneswa muuranda.
10Tenzi akataurira Mosesi kuti, 11“Enda undotaurazve namambo weIjipiti kuti ngaarege vaIsiraeri vabude munyika yake vaende zvavo.”
12Asi Mosesi akataura pana Tenzi achiti, “Ko inga vaIsiraeri chaivo havana kunditeerera wani? Zvino iye Farao ndopaangabva anditeererawo iyeniwo zvangu ndisingagoni kutaura!”
13Tenzi ndokutaurira Mosesi naAroni achiti, “Udzai vaIsiraeri namambo weIjipiti kuti ndini ndakakutumai kuzoburitsa vaIsiraeri muIjipiti.”
Dzinza raberekwa Mosesi naAroni
14Ava ndivo vakuru vakuru vedzimba dzamadzibaba avo, vanakomana vaRubheni dangwe raJakobho ndiHanoki naParu naHezironi naKarimi. Iwaya ndiwo madzitateguru omudzinza rokwaRubheni. 15Vanakomana vaSimeoni ndiJemueri naJamini naOhadhi naJakini naZohari naShauro mwanakomana womudzimai wake wechiKanani. Ndivo madzitateguru omudzinza rokwaSimeoni. 16Haanoi mazita avanakomana vaRevhi vakazova madzitateguru omudzinza ravo: Kunoti Gerishoni naKohati naMerari. Revhi akazofa ava namakore zana namakumi matatu ana manomwe. 17Vanakomana vaGerishoni ndiRibhini naShimei vari mhuri nemhuri. 18Vanakomana vaKohati ndiAmuramu naIzhari naHebhuroni naUzieri. Kohati akagara zana ramakore rina makore makumi matatu ana matatu. 19Vanakomana vaMerari ndiMahiri naMushi. Ivava ndivo madzitateguru omudzinza rokwaRevhi.
20Amuramu akaroora Jokebhedhi vatete vake. Ndivo vakamuberekera Aroni naMosesi. Amuramu akagara zana ramakore rina makore matatu ana manomwe. 21Vanakomana vaIzhari ndiKora naNefegi naZikiri. 22Vanakomana vaUzieri ndiMishaeri naErizafani naSitiri.
23Aroni akaroora Erishebha, hanzvadzi yaNahishoni mwana waAminadhabhu. Ndiye akamuberekera Nadhabhu naAbhihu naEreazari naItamaru. 24Vanakomana vaKora ndiAsiri naErikana naAbhiasafu. Ivava ndivo madzitateguru omumhuri yokwaKora. 25Ereazari mwanakomana waAroni akaroora mwana waPutieri ndokubereka Finehasi. Ivava ndivo madzitateguru omudzinza rokwaRevhi mhuri nemhuri.
26Ivava ndivo vanaAroni naMosesi vacho vakatumwa naTenzi kundoburitsa vaIsiraeri munyika yeIjipiti. 27Ivava, ndivo vanyakutaura naFarao, mambo weIjipiti kuti aregedze vaIsiraeri vaende, Mosesi iyeyu naAroni wakareyu.
Tenzi anotuma Mosesi rwechipiri
28Tenzi paakataura naMosesi munyika yeIjipiti, 29akati, “Ndini Tenzi! Enda undoudza Farao mambo weIjipiti zvinhu zvose zvandinokutaurira.” 30Asi Mosesi akataura ipapo pana Tenzi achiti, “Tarisaika muone kuti ini kutaura handinyatsogona. Zvino munoti Farao anganditeererewo here?”

Zvasarudzwa nguva ino

Kubuda 6: SCLBD

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda