Kubuda 7
7
1Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Ini ndakuita saMwari kuna Farao. Mukoma wako Aroni achava somuporofita wako. 2Iwe uchange uchitaurira mukoma wako Aroni zvose zvandinokuudza, iye achitaurirawo Farao, kuti arege vaIsiraeri vabude muIjipiti. 3Ini ndichaita kuti Farao aomese mwoyo wake zvokuti kunyange ndikaita zviratidzo nezvishamiso zvakawanda zvikadii zvazvo munyika yeIjipiti, 4Farao acharamba kunzwa zvamunoreva. Ndipo pandicharova Ijipiti ndichiiranga neshamhu inorwadza kwazvo ndichizoburitsa muIjipiti hondo dzangu dzavanhu, vanhu vangu vaIsiraeri. 5Pandinorova Ijipiti ndichibvisa vaIsiraeri pakati pavo, vaIjipiti ndipo pavachazoziva kuti ndini Tenzi.” 6Mosesi naAroni vakaita sokuudzwa kwavakanga vaitwa naTenzi, vakaita naimomo chaimo. 7Mosesi akanga ava namakore makumi masere, Aroni aina makumi masere namatatu panguva yavakataura naFarao.
D. NJODZI DZAKAWIRA IJIPITI
Aroni nen'anga dzaFarao
8Tenzi akataurirazve Mosesi naAroni achiti, 9“Kana Farao akati, ‘Itai chishamiso chinoratidza kuti matumwa naMwari,’ iwe iti Aroni akande tsvimbo yake pasi, isanduke igova nyoka, ipapo pana Farao achizviona.” 10Naizvozvo Mosesi naAroni vakaenda kuna Farao vakaita zvavakanga varayirwa naTenzi. Aroni akakanda tsvimbo yake pasi, tsvimbo ikasanduka ikava nyoka, Farao namachinda ake vachizviona. 11Farao akadaidzawo magodobori ake, nyanzvi dzamapipi nen'anga. Magodobori omuIjipiti aya akabva aitawo izvozvo zvamapipi. 12Mumwe nomumwe akakanda tsvimbo yake pasi, ikasanduka ikava nyoka. Asi tsvimbo yaAroni yakamedza tsvimbo dzavo dzose. 13Kunyange zvakadaro, Farao akaomesa mwoyo wake akaramba kuteerera Mosesi naAroni sokutaura kwakanga kwamboita Tenzi.
Ropa
14Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Farao aomesa mwoyo ari kuramba kuti vaIsiraeri vaende. 15Iwe enda kuna Farao mangwanani undosangana naye paachaenda kurwizi kuna Nairi. Umumirire pamahombekombe arwo wakabata mumaoko tsvimbo yako iya yakambosanduka ikava nyoka. 16Undoti kwaari, ‘Tenzi, Mwari wavaHebheru, akandituma kwamuri neshoko rinoti rega vanhu vangu vaende kundondinamata murenje. Asika, kusvikira pari nhasi hauna kunditeerera.’ 17Zvino, zvanzi naTenzi, ‘Muchazoziva kuti ini ndini Tenzi nokuda kwezvandichaita zvino. Ndicharova mvura iri muna Nairi netsvimbo yandakabata, mvura ichasanduka ichiva ropa. 18Hove dzose dzirimo dzichafa, mvura yacho ichanhuhwa kuti kutu. Saka vaIjipiti vachasema kunwa mvura yomuna Nairi.’ ”
19Tenzi akatiwo kuna Mosesi, “Iti kuna Aroni, ‘Tora tsvimbo yako uitambanudzire pamusoro pemvura yose yeIjipiti, pamusoro penzizi dzavo nemigero yavo namadhamu avo namadziva avo ose isanduke ive ropa. Richava ropa chete munyika yose yeIjipiti, mumidziyo yakavezwa nomumidziyo yamabwe.’ ”
20Mosesi naAroni vakaita zvakanga zvataurwa naTenzi. Aroni akasimudza tsvimbo iya akarova mvura yomuna Nairi Farao namachinda ake vachiona, mvura yose yomurwizi ikasanduka ikava ropa. 21Hove dzaiva muna Nairi dzakafa, Nairi rukava gutukutu kunhuhwa vaIjipiti vakatadza kunwa mvura yacho. Munyika yose yeIjipiti rakanga rangove ropa chete. 22Asi n'anga dzeIjipiti dzakagonawo kuita izvozvo namashiripiti adzo. Naizvozvo Farao akaramba akaomesa mwoyo, achiramba kuteerera Mosesi naAroni, sokutaura kwakanga kwaita Tenzi. 23Farao akabva adzokera zvake kumba kwake asina hanya kunyange nezvizvi. 24VaIjipiti vose vakandochera matsime munhivi dzaNairi vachitsvaka mvura yokunwa. Mvura yomurwizi yakanga isisanwiki.
Matafi
25Kwakapera mazuva manomwe ose Tenzi arova mvura yomuna Nairi.
Zvasarudzwa nguva ino
Kubuda 7: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.