Mŋari akataura ʋo naMosesi, akati kwaari: Ndini JEHOVA. Ndakaɀiratidza kunaAbrahama, nokunaIsaka, nokunaJakobo ndiri Mŋari wamasimba ose, asi ndakaŋga ndisiŋgazikanwi naʋo nezita raŋgu rinonzi JEHOVA. Ɀino ndakasimbisa suŋgano yaŋgu naʋo kuti ndiʋape nyika yeKanani, nyika yoʋutorwa bgaʋo, maʋakaŋga ʋari ʋatorwa. Ndakanzwa kugomba kwaʋana ʋaIsraeri ʋakasuŋgwa naʋaEgipita paʋuranda, ndikaraŋgarira suŋgano yaŋgu. Naiɀoɀo muti kuʋana ʋaIsraeri: Ndini Jehova, ini ndicakuɓuɗisai pamirimo yaʋaEgipita, ndicakusunuŋgurai paʋuranda bgenyu, ndicakudzikinurai noruʋoko rwakatambanudzwa, ʋuye nokutoŋga kukuru. Ndicakutorai imi kuti muʋe ʋanhu ʋaŋgu, ini ndicaʋa Mŋari wenyu; imi mucaziʋa kuti ndini Jehova, Mŋari wenyu, iye unokuɓuɗisai pamirimo yaʋaEgipita. Ndicakuisai kunyika, yandakasimudzira ruʋoko rwaŋgu kuti ndiipe Abrahama, naIsaka, naJakobo; ndicakupai iyo iʋe nhaka yenyu; ndini Jehova. Mosesi akataura saiɀoɀo kuʋana ʋaIsraeri, asi haʋana‐kuterera Mosesi nokuɗa kweshuŋgu dzomŋeya nedzoʋuranda bgakaŋga ʋucirema. Ɀino Jehova akataura naMosesi, akati: Pinda, undotaura naFarao mambo weEgipita, kuti atendere ʋana ʋaIsraeri kuɓuɗa munyika yake.
Verenga chikamu Eksodo 6
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Eksodo 6:2-11
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo