Ekisodho 18:17-27
Ekisodho 18:17-27 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Tezvara waMozisi akapindura akati, “Zvauri kuita hazvina kunaka. Iwe navanhu ava vanouya kwauri muchangozvinetesa chete. Basa iri rinorema kwazvo kwauri; haungagoni kuriita uri woga. Nditeerere iye zvino ndigokupa zano, uye Mwari ngaave newe. Unofanira kuva mumiririri wavanhu pamberi paMwari uye ugouyisa magakava avo kwaari. Uvadzidzise mitemo nemirayiro, ugovaratidza nzira yokurarama namabasa avanofanira kuita. Asi sarudza varume vanokwanisa kubva pakati pavanhu vose, varume vanotya Mwari, varume vakatendeka vanovenga fufuro, ugovagadza samachinda pamusoro pezviuru, pamusoro pamazana, pamusoro pamakumi mashanu napamusoro pegumi. Uvaite kuti vashande savatongi vavanhu panguva dzose, asi uvaite kuti vauye kwauri nenyaya dzose dzakaoma; nyaya dzakareruka ngavatonge ivo pachavo. Izvozvo zvicharerutsa mutoro wako, nokuti vanenge vachigovana newe. Kana uchiita izvi uye Mwari achikurayira, uchagona kutakura mutoro uyu, uye vanhu vose ava vachaenda kudzimba vagutsikana.” Mozisi akateerera tezvara wake akaita zvinhu zvose zvaakareva. Akasarudza varume vaikwanisa kubva pakati pavaIsraeri vose akavaita vatungamiriri vavanhu, akavaita vabati vezviuru, vabati vamazana, vabati vamakumi mashanu, navabati vegumi. Vakashanda savatongi vavanhu nguva dzose. Mhaka dzakaoma ndidzo dzavakauya nadzo kuna Mozisi, asi dzakareruka ndivo vaitonga ivo pachavo. Ipapo Mozisi akatendera tezvara vake kuti vaende havo, uye Jeturo akadzokera kunyika yake.
Ekisodho 18:17-27 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino mukarahwa waMosesi akati kwaari, “Chinhu ichi chaunoita hachina kunaka. Zvirokwazvo uchaneta kwazvo, iwe navanhu vaunavo; nokuti chinhu ichi chinokuremera; haungagoni kuchiita uri woga. Teerera zvino izwi rangu, ndikurairire, Mwari agova newe. Iwe umirire vanhu pamberi paMwari, uise mashoko avo kuna Mwari; uvadzidzise zvakatemwa nemirairo, uvaratidze nzira yavanofanira kufamba nayo, nebasa ravanofanira kuita. Asi utsvake pakati pavanhu vose varume vezvokwadi vanovenga kufufurwa; uvaite vabati vavo vezvuru, navabati vamazana, navabati vamakumi mashanu, navabati vamakumi; ivo ngavatambire vanhu mhaka dzavo nguva dzose; zvino kana pane shoko guru, ngavariise kwauri, asi kana ari mashoko maduku ngavaatambe vamene; naizvozvo iwe ucharerusirwa, naivo vachatakura mutoro pamwechete newe. Kana ukaita chinhu ichi, Mwari akakuraira saizvozvo, iwe uchagona kutsunga, navanhu ava vose vachaenda kudzimba dzavo norugare.” Mosesi akateerera izwi romukarahwa wake, akaita zvose zvaakanga audzwa naye. Mosesi akatsaura varume vakachenjera pakati pavaIsiraeri vose, akavaita vakuru vavanhu, vabati vezviuru, navabati vamazana, navabati vamakumi mashanu, navabati vamakumi. Ivo vakatamba mhaka dzavanhu nguva dzose; mashoko makuru vaisiuya nawo kuna Mosesi, asi mashoko ose maduku vaiatamba vamene. Zvino Mosesi akatendera mukarahwa wake kuenda hake; iye akaenda kunyika yake.
Ekisodho 18:17-27 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Vatezvara vake vakamuti, “Zvauri kuita izvozvi hazvina kunaka. Iwe uchazviuraya nebasa, uchitambudzisawo vanhu vanouya kudare. Basa irori ibasa guru kwazvo haungariiti uri oga oga. Zvino chirega ndikupe zano, dai Mwari akakubatsira. Iwe chiva mumiriri wavaIsiraeri kuna Mwari, wokuturira mhosva dzavo kwaari, uvewo wokuvatsanangurira mitemo nemirao, uchivadzidzisa mugariro wakanaka nezvavanosungirwa kuita. Zvaungaitewo kusarudza mukati mavanhu ava varume vanoziva basa, vanotya Mwari. Vanofanira kuva varume vari pachokwadi, vanovenga zvepfumbamuromo, uvape basa rokutungamirira mapoka akasiyana-siyana avanhu. Vamwe vave vatungamiriri vamapoka anenge aine chiuru chavanhu, mukati macho vamwe vave vatungamiriri vetumapoka tunenge tuine zana ravanhu, tumwe tuine makumi mashanu, tumwewo tuine gumi ravanhu. Vatungamiriri ivavo ndivo vova vokutonga mhosva dzavanhu mazuva ose. Kana pazoita mhosva huru ndidzo dzavangauye nadzo kwauri, asi mhosva nduku dzose vachidzitonga ivo pachavo. Naizvozvo iwe ucharerukirwa nebasa nokuti vanenge votakudzana newe mutoro iwoyu. Dai kuri kuti Mwari anotiwo uite zvandareva, uchakwanisa kuita basa rako, vanhuwo ava vose vachadzokera kwavo vasingagunun'uni mumwoyo.” Mosesi akabvuma zano raakapiwa navatezvara vake akaita zvose zvavakareva. Mosesi akasarudza mukati mavaIsiraeri vose varume vanoziva basa. Akavapa basa rokutungamirira mapoka akasiyana-siyana. Vamwe akaita vatungamiriri vamapoka aiva nechiuru chavanhu. Mukati macho vamwe vachitungamirira mapoka ezana ravanhu, vamwe makumi mashanu, vamwewo gumi ravanhu. Ndivo vakazenge vava vokutonga mhosva dzavanhu mazuva ose. Mhosva dzainge dzanetsa ndidzo dzavaipira kuna Mosesi. Nduku dzose vaingotongawo ivo pachavo. Mosesi akaonekana navatezvara vake. Vatezvara ava vakadzokera kunyika kwavo.
Ekisodho 18:17-27 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino mukarabga waMosesi akati kwaari: Cinhu ici caunoita hacina‐kunaka. Ɀirokwaɀo ucaneta kwaɀo, iwe naʋanhu ʋaunaʋo; nokuti cinhu ici cinokuremera; hauŋgagoni kuciita uri woga. Terera ɀino inzwi raŋgu, ndikurairire, Mŋari agoʋa newe. Iwe umirire ʋanhu pamberi paMŋari, uise mashoko aʋo kunaMŋari; uʋadzidzise ɀakatemŋa nemirairo, uʋaratidze nzira yaʋanofanira kufamba nayo, neɓasa raʋanofanira kuita. Asi utȿake pakati paʋanhu ʋose ʋarume ʋakacenjera, ʋanotya Mŋari, ʋarume ʋeɀokwaɗi, ʋanoʋeŋga kufufurwa; uʋaite ʋaɓati ʋaʋo ʋeɀuru, naʋaɓati ʋamazana, naʋaɓati ʋamakumi mashanu, naʋaɓati ʋamakumi; iʋo ŋgaʋatambire ʋanhu mhaka dzaʋo ŋguʋa dzose; ɀino kana paneshoko guru, ŋgaʋariise kwauri; asi kana ari mashoko maɗuku ŋgaʋaatambe ʋamene; naiɀoɀo iwe ucarerusirwa, naiʋo ʋacatakura mutoro pamŋe cete newe. Kana ukaita cinhu ici, Mŋari akakuraira saiɀoɀo, iwe ucagona kutsuŋga, naʋanhu aʋa ʋose ʋacaenda kudzimba dzaʋo norugare. Mosesi akaterera inzwi romukarabga wake, akaita ɀose ɀaakaŋga aʋudzwa naye. Mosesi akatsaura ʋarume ʋakacenjera pakati paʋaIsraeri ʋose, akaʋaita ʋakuru ʋaʋanhu, ʋaɓati ʋeɀuru, naʋaɓati ʋamazana, naʋaɓati ʋamakumi mashanu, naʋaɓati ʋamakumi. Iʋo ʋakatamba mhaka dzaʋanhu ŋguʋa dzose; mashoko makuru ʋaisiʋuya nawo kunaMosesi, asi mashoko ose maɗuku ʋaiatamba ʋamene. Ɀino Mosesi akatendera mukarabga wake kuenda hake; iye akaenda kunyika yake.
Ekisodho 18:17-27 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)