Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Eksodo 18

18
Jetero unoshanyira Mosesi.
1Ɀino Jetero, muprista weMidiani, mukarabga waMosesi, wakanzwa ɀose ɀakaitira Jehova Mosesi naʋaIsraeri, ʋanhu ʋake, kuti Jehova wakaɓuɗisa ʋaIsraeri muEgipita. 2Jetero, mukarabga waMosesi, akatora Zipora, mukadzi waMosesi, nokuti wakaŋga amudzosera kunaɓaɓa ʋake, 3naʋanakomana ʋake ʋaʋiri — zita romumŋe rainzi Gershomi, nokuti wakati: Ndakaŋga ndiri mŋeni panyika yaʋamŋe; 4nezita romumŋe rainzi Eriezeri, nokuti wakati: Mŋari waɓaɓa ʋaŋgu wakaŋga ari muɓatsiri waŋgu, akandirwira pamunondo waFarao — 5Jetero, mukarabga waMosesi, akaʋuya naʋanakomana ʋaMosesi nomukadzi wake kunaMosesi murenje, pagomo raMŋari, paakaŋga aʋaka misasa; 6akati kunaMosesi: Ini mukarabga wako, Jetero, ndaʋuya kwauri nomukadzi wako naʋanakomana ʋake ʋaʋiri ʋanaye. 7Mosesi akandosoŋgana nomukarabga wake, akakotamira pasi pamberi pake, akamuȿeta; ʋakabvunzana mufaro, ʋakapinda mutente. 8Ɀino Mosesi akaʋudza mukarabga wake ɀose ɀakaŋga ɀaitira Jehova Farao naʋaEgipita nokuɗa kwaʋaIsraeri, nokutambudzika kwose kwakaʋawira panzira nokurwirwa kwaʋo naJehova. 9Jetero akafara pamsoro peɀose ɀakanaka ɀakaŋga ɀaitirwa ʋaIsraeri naJehova, kuti wakaʋarwira pamaʋoko aʋaEgipita. 10Jetero akati: Jehova ŋgaakudzwe wakakurwirai pamaʋoko aʋaEgipita, napamaʋoko aFarao, iye wakarwira ʋanhu pamaʋoko aʋaEgipita. 11Ɀino ndinoziʋa kuti Jehova mukuru kuʋamŋari ʋose pacinhu ico caʋakaɀikudza naco kwaʋari. 12Ipapo Jetero, mukarabga waMosesi, wakaʋuya kunaMŋari necipiriso cokupisa neɀimŋe ɀiɓayiro; Aroni naʋakuru ʋose ʋaIsraeri ʋakaʋuya ʋakadya ɀokudya nomukarabga waMosesi pamberi paMŋari. 13Ɀino fume maŋgwana Mosesi wakagara acitambira ʋanhu mhaka dzaʋo, ʋanhu ʋakamira pamberi paMosesi kubva maŋgwanani kuȿikira maɗekwana. 14Ɀino mukarabga waMosesi wakati aciʋona ɀose ɀaakaŋga aciitira ʋanhu, akati: Unoitireiko ʋanhu ɀinhu iɀi? Unogarireiko uri woga, ʋanhu ʋacimira pamberi pako kubva maŋgwanani kuȿikira maɗekwana? 15Mosesi akati kumukarabga wake: Nokuti ʋanhu ʋanoʋuya kwandiri kuzobvunza Mŋari; 16kana ʋaneshoko ʋanosiʋuya kwandiri; ndinositamba mhaka dziri pakati pomunhu nowokwake, ndiciʋaziʋisa ɀakatemŋa naMŋari nemirairo yake. 17Ɀino mukarabga waMosesi akati kwaari: Cinhu ici caunoita hacina‐kunaka. 18Ɀirokwaɀo ucaneta kwaɀo, iwe naʋanhu ʋaunaʋo; nokuti cinhu ici cinokuremera; hauŋgagoni kuciita uri woga. 19Terera ɀino inzwi raŋgu, ndikurairire, Mŋari agoʋa newe. Iwe umirire ʋanhu pamberi paMŋari, uise mashoko aʋo kunaMŋari; 20uʋadzidzise ɀakatemŋa nemirairo, uʋaratidze nzira yaʋanofanira kufamba nayo, neɓasa raʋanofanira kuita. 21Asi utȿake pakati paʋanhu ʋose ʋarume ʋakacenjera, ʋanotya Mŋari, ʋarume ʋeɀokwaɗi, ʋanoʋeŋga kufufurwa; uʋaite ʋaɓati ʋaʋo ʋeɀuru, naʋaɓati ʋamazana, naʋaɓati ʋamakumi mashanu, naʋaɓati ʋamakumi; 22iʋo ŋgaʋatambire ʋanhu mhaka dzaʋo ŋguʋa dzose; ɀino kana paneshoko guru, ŋgaʋariise kwauri; asi kana ari mashoko maɗuku ŋgaʋaatambe ʋamene; naiɀoɀo iwe ucarerusirwa, naiʋo ʋacatakura mutoro pamŋe cete newe. 23Kana ukaita cinhu ici, Mŋari akakuraira saiɀoɀo, iwe ucagona kutsuŋga, naʋanhu aʋa ʋose ʋacaenda kudzimba dzaʋo norugare. 24Mosesi akaterera inzwi romukarabga wake, akaita ɀose ɀaakaŋga aʋudzwa naye. 25Mosesi akatsaura ʋarume ʋakacenjera pakati paʋaIsraeri ʋose, akaʋaita ʋakuru ʋaʋanhu, ʋaɓati ʋeɀuru, naʋaɓati ʋamazana, naʋaɓati ʋamakumi mashanu, naʋaɓati ʋamakumi. 26Iʋo ʋakatamba mhaka dzaʋanhu ŋguʋa dzose; mashoko makuru ʋaisiʋuya nawo kunaMosesi, asi mashoko ose maɗuku ʋaiatamba ʋamene. 27Ɀino Mosesi akatendera mukarabga wake kuenda hake; iye akaenda kunyika yake.

Zvasarudzwa nguva ino

Eksodo 18: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda