Eksodo 17
17
Ʋanopiwa mʋura paɗombo paRefidimi.
1Ɀino ʋuŋgano yose yaʋana ʋaIsraeri yakabva murenje reSini, ʋakafamba ʋaciita nzendonzendo, seɀaʋakaŋga ʋarairwa naJehova, ʋakaʋaka misasa yaʋo paRefidimi; ɀino ipapo pakaŋga pasinemvura iŋganwiwa naʋanhu. 2Ʋanhu ʋakarwa naMosesi, ʋakati: Tipe mvura tinwe. Mosesi akati kwaʋari: Munorwireiko neni? Munoidzireiko Jehova? 3Ʋanhu ɀino ʋakaŋga ʋanenyota yemvura ipapo, ʋanhu ʋakapopotera Mosesi, ʋakati: Watiɓuɗisireiko Egipita, kuti utiʋuraye nenyota, isu naʋana ʋeɗu, neɀipfuwo ɀeɗu? 4Mosesi akacema kunaJehova, akati: Ndicaiteiko naʋanhu aʋa? Ʋoɗa kunditaka namabge. 5Jehova akati kunaMosesi: Tuŋgamira pamberi paʋanhu, uende naʋakuru ʋaIsraeri, utore tȿimbo yako yawakamboroʋa rwizi nayo muruʋoko rwako uende. 6Tarira ndicamira pamberi pako paɗombo riri paHorebi, uroʋe ɗombo iro, mvura icaɓuɗa pariri, ʋanhu ʋagonwa. Mosesi akaita saiɀoɀo pamberi paʋakuru ʋaIsraeri. 7Akatumidza nɀimbo iyo zita rinonzi Masa neMeriba nokuɗa kwokurwa kwaʋana ʋaIsraeri; ʋuye nokuti ʋakaidza Jehova, ʋaciti: Jehova uri pakati peɗu here, kana kwete?
ƲaIsraeri ʋanokunda Amareki.
8Ɀino Amareki wakaʋuya kuzorwa naʋaIsraeri paRefidimi. 9Mosesi akati kunaJoshua: Utitsaurire ʋarume, ugondorwa naAmareki; maŋgwana ini ndicamira pamsoro pecikomo, ndakaɓata tȿimbo yaMŋari muruʋoko rwaŋgu. 10Joshua akaita seɀaakaŋga aʋudzwa naMosesi, akandorwa naAmareki; Mosesi naAroni naHuri ʋakakwira pamsoro pecikomo. 11Ɀino ɀakati kana Mosesi osimudza ruʋoko rwake, ʋaIsraeri ʋokunda, kana oregera ruʋoko rwake pasi, Amareki wokunda. 12Asi maʋoko aMosesi akazoneta, ɀino ʋakatora ibge, ʋakariisa pasi pake, akagara pamsoro paro, Aroni naHuri ʋakatsigira maʋoko ake, mumŋe kunorumŋe rutiʋi, mumŋe kunorumŋe rutiʋi; maʋoko ake akaʋa nesimba kuȿikira pakuʋira kwezuʋa. 13Joshua akakunda Amareki naʋanhu ʋake neminondo inopinza. 14Ɀino Jehova akati kunaMosesi: Nyora iɀi mubuku, ʋaɀiraŋgarire, uɀirondedzere ʋo munzeʋe dzaJoshua, kuti ini ndicabvisa cose pasi pokuɗeŋga ɀose ɀinoraŋgaridza Amareki. 15Ipapo Mosesi akaʋaka artari, akaitumidza zita rinonzi: Jehova‐nisi; 16akati: Noruʋoko pacigaro coʋushe caJehova, ndinopika ndiciti: Jehova ucarwa naAmareki kuȿikira kumarudzi namarudzi.
Zvasarudzwa nguva ino
Eksodo 17: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018