Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Kubuda 18:17-27

Kubuda 18:17-27 SCLB

Vatezvara vake vakamuti, “Zvauri kuita izvozvi hazvina kunaka. Iwe uchazviuraya nebasa, uchitambudzisawo vanhu vanouya kudare. Basa irori ibasa guru kwazvo haungariiti uri oga oga. Zvino chirega ndikupe zano, dai Mwari akakubatsira. Iwe chiva mumiriri wavaIsiraeri kuna Mwari, wokuturira mhosva dzavo kwaari, uvewo wokuvatsanangurira mitemo nemirao, uchivadzidzisa mugariro wakanaka nezvavanosungirwa kuita. Zvaungaitewo kusarudza mukati mavanhu ava varume vanoziva basa, vanotya Mwari. Vanofanira kuva varume vari pachokwadi, vanovenga zvepfumbamuromo, uvape basa rokutungamirira mapoka akasiyana-siyana avanhu. Vamwe vave vatungamiriri vamapoka anenge aine chiuru chavanhu, mukati macho vamwe vave vatungamiriri vetumapoka tunenge tuine zana ravanhu, tumwe tuine makumi mashanu, tumwewo tuine gumi ravanhu. Vatungamiriri ivavo ndivo vova vokutonga mhosva dzavanhu mazuva ose. Kana pazoita mhosva huru ndidzo dzavangauye nadzo kwauri, asi mhosva nduku dzose vachidzitonga ivo pachavo. Naizvozvo iwe ucharerukirwa nebasa nokuti vanenge votakudzana newe mutoro iwoyu. Dai kuri kuti Mwari anotiwo uite zvandareva, uchakwanisa kuita basa rako, vanhuwo ava vose vachadzokera kwavo vasingagunun'uni mumwoyo.” Mosesi akabvuma zano raakapiwa navatezvara vake akaita zvose zvavakareva. Mosesi akasarudza mukati mavaIsiraeri vose varume vanoziva basa. Akavapa basa rokutungamirira mapoka akasiyana-siyana. Vamwe akaita vatungamiriri vamapoka aiva nechiuru chavanhu. Mukati macho vamwe vachitungamirira mapoka ezana ravanhu, vamwe makumi mashanu, vamwewo gumi ravanhu. Ndivo vakazenge vava vokutonga mhosva dzavanhu mazuva ose. Mhosva dzainge dzanetsa ndidzo dzavaipira kuna Mosesi. Nduku dzose vaingotongawo ivo pachavo. Mosesi akaonekana navatezvara vake. Vatezvara ava vakadzokera kunyika kwavo.

Verenga chikamu Kubuda 18