Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ekisodho 18:17-27

Ekisodho 18:17-27 BDSC

Tezvara waMozisi akapindura akati, “Zvauri kuita hazvina kunaka. Iwe navanhu ava vanouya kwauri muchangozvinetesa chete. Basa iri rinorema kwazvo kwauri; haungagoni kuriita uri woga. Nditeerere iye zvino ndigokupa zano, uye Mwari ngaave newe. Unofanira kuva mumiririri wavanhu pamberi paMwari uye ugouyisa magakava avo kwaari. Uvadzidzise mitemo nemirayiro, ugovaratidza nzira yokurarama namabasa avanofanira kuita. Asi sarudza varume vanokwanisa kubva pakati pavanhu vose, varume vanotya Mwari, varume vakatendeka vanovenga fufuro, ugovagadza samachinda pamusoro pezviuru, pamusoro pamazana, pamusoro pamakumi mashanu napamusoro pegumi. Uvaite kuti vashande savatongi vavanhu panguva dzose, asi uvaite kuti vauye kwauri nenyaya dzose dzakaoma; nyaya dzakareruka ngavatonge ivo pachavo. Izvozvo zvicharerutsa mutoro wako, nokuti vanenge vachigovana newe. Kana uchiita izvi uye Mwari achikurayira, uchagona kutakura mutoro uyu, uye vanhu vose ava vachaenda kudzimba vagutsikana.” Mozisi akateerera tezvara wake akaita zvinhu zvose zvaakareva. Akasarudza varume vaikwanisa kubva pakati pavaIsraeri vose akavaita vatungamiriri vavanhu, akavaita vabati vezviuru, vabati vamazana, vabati vamakumi mashanu, navabati vegumi. Vakashanda savatongi vavanhu nguva dzose. Mhaka dzakaoma ndidzo dzavakauya nadzo kuna Mozisi, asi dzakareruka ndivo vaitonga ivo pachavo. Ipapo Mozisi akatendera tezvara vake kuti vaende havo, uye Jeturo akadzokera kunyika yake.