Kubuda 18
18
Kushanyirwa kwaMosesi navatezvara vake, VaJetero
1Vatezvara vaMosesi vainzi Jetero, aiva mupristi wokuMidhiani akanzwa zvose zvakaitwa naTenzi kuna Mosesi navaIsiraeri paakavaburitsa muIjipiti. 2Vatezvara vaMosesi, vaJetero vakagamuchira zvavo Zipora mudzimai waMosesi akanga ambodzorerwa kumusha 3pamwechete navanakomana vake vaviri. Mumwe ainzi Gerishomu#18:3 Gerishomu: Zvinoreva kuti mutorwa. nokuti Mosesi aiti, “Ndiri mutorwa munyika yavamwe.” 4Mumwe ainzi Eriezero,#18:4 Eriezero: Zvinorevawo kuti Mwari wababa vangu ndiye akava mubatsiri wangu. nokuti aiti, “Mwari wababa vangu ndiye akava mubatsiri wangu, akandinunura kuna Farao akasandiuraya.” 5Vatezvara vaMosesi, vaJetero, nomudzimai waMosesi navana vake vaviri vakaenda kurenje kwaiva naMosesi kugomo raMwari pavakanga vakadzika matendhe. 6Jetero akanga afanotuma shoko kuna Mosesi rokuti, “Ini, vatezvara vako, ndiri kuuyako nomudzimai wako navanakomana vake vaviri.” 7Mosesi akandochingura vatezvara vake akavakwazisa achivaremekedza kwazvo akavatsvoda. Vakabvunzana mufaro vakapinda zvavo mutendhe. 8Mosesi akarondedzera vatezvara vake zvose zvakanga zvaitwa naTenzi achirwadzisa Farao navaIjipiti pamusana pevaIsiraeri. Akaudzawo vatezvara vake nezvamatambudziko ose avakaona murwendo rwavo nezvakaitwa naTenzi achivanunura. 9Jetero akafara kwazvo paakanzwa zvinhu zvose zvakanaka zvakaitirwa vaIsiraeri naTenzi paakavanunura mumaoko avaIjipiti. 10Jetero akati, “Tenzi ngaarumbidzwe akakununurai mumaoko avaIjipiti nomumaoko aFarao, akanunura vanhu mumaoko evaIjipiti. 11Zvino ndazoziva kuti Tenzi ndiye mukuru kudarika vamwari vose zvavo nokuti akanunura vanhu kuvaIjipiti pavaizvikudza zvikuru vachivatambudza.” 12Ipapo vatezvara vaMosesi vaJetero vakapira Mwari chibayiro chinopiswa vakapirawo mimwe mipiro. Aroni navakuru vakuru vose vavaIsiraeri vakauya kuzodya pamwechete navatezvara vaMosesi ipapo pana Mwari.
Kusarudzwa kwavatungamiriri vokutonga mhosva dzavanhu
(Kut 1:9–18)
13Ava mangwana Mosesi akagara padare achitonga mhosva dzevaIsiraeri. Vanhu vakaswera padare, kubvira mangwanani kudzamara manheru. 14Vatezvara vaMosesi vakaona mabatiro ose aaiita vanhu, vakati, “Ko ndicho chii chauri kuitira vanhu ichochi? Pamusana pei uriwe woga woga chete wokutonga mhosva dzavanhu uchiswedza vanhu vakangokumirira padare?”
15Mosesi akapindura vatezvara vake achiti, “Vanhu vanouya kwandiri vachida kuziva kuti Mwari anoti kudii pamhosva dzavo, 16kana vanhu vatadzirana, vakauya kwandiri ndinovatonganisa mhosva yavo ndichivaudza mitemo nemirao yaMwari.”
17Vatezvara vake vakamuti, “Zvauri kuita izvozvi hazvina kunaka. 18Iwe uchazviuraya nebasa, uchitambudzisawo vanhu vanouya kudare. Basa irori ibasa guru kwazvo haungariiti uri oga oga. 19Zvino chirega ndikupe zano, dai Mwari akakubatsira. Iwe chiva mumiriri wavaIsiraeri kuna Mwari, wokuturira mhosva dzavo kwaari, 20uvewo wokuvatsanangurira mitemo nemirao, uchivadzidzisa mugariro wakanaka nezvavanosungirwa kuita. 21Zvaungaitewo kusarudza mukati mavanhu ava varume vanoziva basa, vanotya Mwari. Vanofanira kuva varume vari pachokwadi, vanovenga zvepfumbamuromo, uvape basa rokutungamirira mapoka akasiyana-siyana avanhu. Vamwe vave vatungamiriri vamapoka anenge aine chiuru chavanhu, mukati macho vamwe vave vatungamiriri vetumapoka tunenge tuine zana ravanhu, tumwe tuine makumi mashanu, tumwewo tuine gumi ravanhu. 22Vatungamiriri ivavo ndivo vova vokutonga mhosva dzavanhu mazuva ose. Kana pazoita mhosva huru ndidzo dzavangauye nadzo kwauri, asi mhosva nduku dzose vachidzitonga ivo pachavo. Naizvozvo iwe ucharerukirwa nebasa nokuti vanenge votakudzana newe mutoro iwoyu. 23Dai kuri kuti Mwari anotiwo uite zvandareva, uchakwanisa kuita basa rako, vanhuwo ava vose vachadzokera kwavo vasingagunun'uni mumwoyo.”
24Mosesi akabvuma zano raakapiwa navatezvara vake akaita zvose zvavakareva. 25Mosesi akasarudza mukati mavaIsiraeri vose varume vanoziva basa. Akavapa basa rokutungamirira mapoka akasiyana-siyana. Vamwe akaita vatungamiriri vamapoka aiva nechiuru chavanhu. Mukati macho vamwe vachitungamirira mapoka ezana ravanhu, vamwe makumi mashanu, vamwewo gumi ravanhu. 26Ndivo vakazenge vava vokutonga mhosva dzavanhu mazuva ose. Mhosva dzainge dzanetsa ndidzo dzavaipira kuna Mosesi. Nduku dzose vaingotongawo ivo pachavo.
27Mosesi akaonekana navatezvara vake. Vatezvara ava vakadzokera kunyika kwavo.
Zvasarudzwa nguva ino
Kubuda 18: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.