Dhuteronomi 8:1-10
Dhuteronomi 8:1-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Muchenjerere kutevera murayiro mumwe nomumwe, wandinokupai nhasi, kuitira kuti mugorarama, mugowanda, mugopinda mugotora nyika iyo Jehovha akavimbisa madzitateguru enyu nemhiko. Rangarirai matungamirirwo amakaitwa naJehovha Mwari wenyu munzira yose yomurenje makore ose aya makumi mana, achikuninipisai uye achikuedzai kuti azive zvaiva mumwoyo menyu, kana makanga muchida kuchengeta mirayiro yake kana kuti kwete. Akakuninipisai, akakuitai kuti muziye nenzara akakugutsai nemana, iyo yakanga isingazivikanwi nemi kunyange namadzibaba enyu, kuti akudzidzisei kuti munhu haararame nechingwa chete asi neshoko rimwe nerimwe rinobva mumuromo maJehovha. Nguo dzenyu hadzina kusakara uye tsoka dzenyu hadzina kuzvimba pamakore aya makumi mana. Naizvozvo zvizive mumwoyo wako kuti Jehovha Mwari wako anokuranga, somunhu anoranga mwanakomana wake. Chengeta mirayiro yaJehovha Mwari wako, ufambe munzira dzake uye umukudze. Nokuti Jehovha Mwari wako ari kukuuyisa kunyika yakanaka, nyika ine hova dzemvura namatsime, nezvitubu zvinoerera mumupata nomumakomo; nyika ine zviyo nebhari, mizambiringa nemiti yemionde, neyemitamba, namafuta emiorivhi nouchi; nyika isingashayikwi chingwa uye hamuchazoshayiwi chinhu; nyika ine mabwe endarira uye uchachera mhangura mumakomo ayo. Kana uchinge wadya waguta rumbidza Jehovha Mwari wako nokuda kwenyika yakanaka yaakakupa
Dhuteronomi 8:1-10 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Murayiro wose wandinokuraira nhasi munofanira kuchenjera kuti muuite, kuti mugorarama, nokuwanda, nokupinda munyika yakapikirwa madzibaba enyu naJehovha, muiite yenyu. Unofanira kurangarira nzira yose yawakafambiswa nayo naJehovha Mwari wako murenje makore awa makumi mana, kuti akuninipise, nokukuidza, kuti azive zvaiva mumwoyo mako, kana wakanga uchida kuchengeta mirairo yake, kana kwete. Akakuninipisa, akakuziyisa nenzara, akakugutsa nemana yawakanga usingazivi, kunyange madzibaba ako akanga asingaziviwo; kuti akuzivise kuti munhu haararami nezvokudya zvoga, asi kuti munhu unorarama nezvose zvinobuda mumuromo waJehovha. Nguo dzako hadzina kukusakarira, netsoka dzako hadzina kuzvimba makore awa makumi mana. Funga mumwoyo mako, kuti Jehovha Mwari wako unokuranga somunhu unoranga mwanakomana wake. Unofanira kuchengeta mirairo yaJehovha Mwari wako, kuti ufambe nenzira dzake nokumutya. Nokuti Jehovha Mwari wako unokupinza munyika yakanaka, nyika ine hova dzemvura, namatsime, namadziva akadzika, anobuda pamipata napamakomo; nyika ine zviyo, nebhari, nemizambiringa, nemionde, nemitamba; nyika yemiorivhi ina mafuta, nouchi; nyika kwauchadya chingwa, usingashaiwi, kwausingatongoshaiwi chinhu; nyika ina mabwe emhangura, napamakomo ayo uchachera ndarira. Uchadya ukaguta, ukavonga Jehovha Mwari wako nokuda kwenyika yakanaka yaakakupa.
Dhuteronomi 8:1-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Ngwarirai kunyatsochengeta mitemo yose yandiri kukupai nhasi uno, kuti murarame, muwande, muzokwanisa kuenda kunyika yakatsidzirwa madzitateguru enyu naTenzi, mundoitora kuti ive yenyu. Rangarira zvose zvawakaona murwendo rwawakatungamirirwa naTenzi Mwari wako nomurenje kwamakore makumi mana, akaitira kuti akuninipise. Akakuedza achida kuona paumire, kuti unochengeta here mitemo yake kana kuti kwete. Akakuninipisa, akaita kuti unzwe nzara. Akakupa mana yokudya, yawakanga usingazivi, yakanga isingazikanwi namadzitateguru ako kuti uzive kuti munhu haararame nechokudya chete, asi anorarama nezvose zvinotaurwa nomuromo waTenzi. Hanzu dzako dzaive dziri pauri hadzina kusakara, tsoka dzako hadzina kuzvimba pamakore makumi mana aya. Chiziva nomumwoyo mako kuti sokurayira kunoitwa munhu mwana wake, ndiko kurayira kunoita naTenzi Mwari wako. Naizvozvo chengeta mitemo yaTenzi Mwari wako, uite zvaanoda, umutye nokuti Tenzi Mwari wako ava kuzokuendesa kunyika yakanaka, nyika ine hova dzemvura nezvisipiti nezvitubu zvemvura inotubuka ichibva pasi pasi mumapani nomuzvikomo. Nyika yekoroni nebhari nemichero yamagirepisi nemionde nemipomogiraneti. Nyika yemiorivhi namafuta nouchi. Nyika yausingashaye chinhu, mauchadya chingwa usingaiti zvokupara. Simbi ndomabwe enyikayo, mumakomo ayo unozochera mhangura. Uchadya uchiguta, ucharumbidza Tenzi Mwari wako nokuti akakupa nyika yakanaka.
Dhuteronomi 8:1-10 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Murairo wose wandinokuraira nhasi munofanira kucenjera kuti muuite, kuti mugorarama, nokuwanda, nokupinda munyika yakapikirwa madziɓaɓa enyu naJehova, muiite yenyu. Unofanira kuraŋgarira nzira yose yawakafambiswa nayo naJehova Mŋari wako murenje makore awa makumi manna, kuti akuninipise, nokukuidza, kuti aziʋe ɀaiʋa mumŋoyo mako, kana wakaŋga uciɗa kuceŋgeta mirairo yake, kana kwete. Akakuninipisa, akakuziyisa nenzara, akakugutsa nemana, yawakaŋga usiŋgaziʋi, kunyaŋge madziɓaɓa ako akaŋga asiŋgaziʋi ʋo; kuti akuziʋise kuti munhu haararami neɀokudya ɀoga, asi kuti munhu unorarama neɀose ɀinoɓuɗa mumuromo waJehova. Ŋguʋo dzako hadzinakukusakarira, netsoka dzako hadzina‐kuɀimba makore awa makumi manna. Fuŋga mumŋoyo mako, kuti Jehova Mŋari wako unokuraŋga somunhu unoraŋga mŋanakomana wake. Unofanira kuceŋgeta mirairo yaJehova Mŋari wako, kuti ufambe nenzira dzake nokumutya. Nokuti Jehova Mŋari wako unokupinza munyika yakanaka, nyika inehoʋa dzemvura, namatsime, namadziʋa akadzika, anoɓuɗa pamipata napamakomo; nyika ineɀiyo, nabari, nemizambiriŋga, nemiʋonde, nemitamba; nyika yemiorivi inamafuta, noʋuci; nyika kwaucadya ciŋgwa, usiŋgashaiwi, kwausiŋgatoŋgoshaiwi cinhu; nyika inamabge emhaŋgura, napamakomo ayo ucacera ndarira. Ucadya ukaguta, ukaʋoŋga Jehova Mŋari wako nokuɗa kwenyika yakanaka yaakakupa.
Dhuteronomi 8:1-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)