Murairo wose wandinokuraira nhasi munofanira kucenjera kuti muuite, kuti mugorarama, nokuwanda, nokupinda munyika yakapikirwa madziɓaɓa enyu naJehova, muiite yenyu. Unofanira kuraŋgarira nzira yose yawakafambiswa nayo naJehova Mŋari wako murenje makore awa makumi manna, kuti akuninipise, nokukuidza, kuti aziʋe ɀaiʋa mumŋoyo mako, kana wakaŋga uciɗa kuceŋgeta mirairo yake, kana kwete. Akakuninipisa, akakuziyisa nenzara, akakugutsa nemana, yawakaŋga usiŋgaziʋi, kunyaŋge madziɓaɓa ako akaŋga asiŋgaziʋi ʋo; kuti akuziʋise kuti munhu haararami neɀokudya ɀoga, asi kuti munhu unorarama neɀose ɀinoɓuɗa mumuromo waJehova. Ŋguʋo dzako hadzinakukusakarira, netsoka dzako hadzina‐kuɀimba makore awa makumi manna. Fuŋga mumŋoyo mako, kuti Jehova Mŋari wako unokuraŋga somunhu unoraŋga mŋanakomana wake. Unofanira kuceŋgeta mirairo yaJehova Mŋari wako, kuti ufambe nenzira dzake nokumutya. Nokuti Jehova Mŋari wako unokupinza munyika yakanaka, nyika inehoʋa dzemvura, namatsime, namadziʋa akadzika, anoɓuɗa pamipata napamakomo; nyika ineɀiyo, nabari, nemizambiriŋga, nemiʋonde, nemitamba; nyika yemiorivi inamafuta, noʋuci; nyika kwaucadya ciŋgwa, usiŋgashaiwi, kwausiŋgatoŋgoshaiwi cinhu; nyika inamabge emhaŋgura, napamakomo ayo ucacera ndarira. Ucadya ukaguta, ukaʋoŋga Jehova Mŋari wako nokuɗa kwenyika yakanaka yaakakupa.