Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Deuteronomio 8

8
Ʋanofanira kuraŋgarira ɀaʋakaitirwa ʋagoterera Jehova.
1Murairo wose wandinokuraira nhasi munofanira kucenjera kuti muuite, kuti mugorarama, nokuwanda, nokupinda munyika yakapikirwa madziɓaɓa enyu naJehova, muiite yenyu. 2Unofanira kuraŋgarira nzira yose yawakafambiswa nayo naJehova Mŋari wako murenje makore awa makumi manna, kuti akuninipise, nokukuidza, kuti aziʋe ɀaiʋa mumŋoyo mako, kana wakaŋga uciɗa kuceŋgeta mirairo yake, kana kwete. 3Akakuninipisa, akakuziyisa nenzara, akakugutsa nemana, yawakaŋga usiŋgaziʋi, kunyaŋge madziɓaɓa ako akaŋga asiŋgaziʋi ʋo; kuti akuziʋise kuti munhu haararami neɀokudya ɀoga, asi kuti munhu unorarama neɀose ɀinoɓuɗa mumuromo waJehova. 4Ŋguʋo dzako hadzinakukusakarira, netsoka dzako hadzina‐kuɀimba makore awa makumi manna. 5Fuŋga mumŋoyo mako, kuti Jehova Mŋari wako unokuraŋga somunhu unoraŋga mŋanakomana wake. 6Unofanira kuceŋgeta mirairo yaJehova Mŋari wako, kuti ufambe nenzira dzake nokumutya. 7Nokuti Jehova Mŋari wako unokupinza munyika yakanaka, nyika inehoʋa dzemvura, namatsime, namadziʋa akadzika, anoɓuɗa pamipata napamakomo; 8nyika ineɀiyo, nabari, nemizambiriŋga, nemiʋonde, nemitamba; nyika yemiorivi inamafuta, noʋuci; 9nyika kwaucadya ciŋgwa, usiŋgashaiwi, kwausiŋgatoŋgoshaiwi cinhu; nyika inamabge emhaŋgura, napamakomo ayo ucacera ndarira. 10Ucadya ukaguta, ukaʋoŋga Jehova Mŋari wako nokuɗa kwenyika yakanaka yaakakupa. 11Cenjera kuti urege kukaŋganwa Jehova Mŋari wako, ukasaceŋgeta mirairo yake, neɀaakatoŋga, neɀaakatema, ɀandinokuraira nhasi; 12kuti kana wadya ukaguta, ukaʋaka dzimba dzakanaka, ukagara madziri, 13neŋombe dzako namakwai ako akawanda, nesirveri yako nendarama yako ikawanda, neɀose ɀaunaɀo ɀikawanda, 14mŋoyo wako ukaɀikudza, ukakaŋganwa Jehova Mŋari wako, wakakuɓuɗisa panyika yeEgipita, paimba yoʋuranda; 15iye wakakufambisa murenje guru rinotyisa, makaŋga munenyoka dzinopeŋga neɀinyaʋaɗa, nevu rakawoma risinemvura; iye wakakuɓuɗisira mvura paɗombo romusarasara; 16wakakugutsa murenje nemana, yakaŋga isina‐kuzikanwa namadziɓaɓa ako, kuti akuninipise akuidze, kuti akuitire ɀakanaka pakupedzisira; 17kuti urege kuzoti mumŋoyo mako: Simba raŋgu nokugona kworuʋoko rwaŋgu ndiɀo ɀakandiwanisa fuma iyi. 18Asi unofanira kuraŋgarira Jehova Mŋari wako, nokuti ndiye unokupa simba rokufuma; kuti asimbise suŋgano yake, yaakapikira madziɓaɓa ako, seɀaanoita nhasi. 19Ɀino kana ukakaŋganwa Jehova Mŋari wako, ukateʋera ʋamŋe ʋamŋari, ukaʋashumira, ukanamata kwaʋari, ndinokupupurirai nhasi kuti mucaparadzwa ɀirokwaɀo. 20Imi mucaparadzwa sendudzi dzinoparadzwa naJehova pamberi penyu; nokuti makaramba kuterera inzwi raJehova Mŋari wenyu.

Zvasarudzwa nguva ino

Deuteronomio 8: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda