Muchenjerere kutevera murayiro mumwe nomumwe, wandinokupai nhasi, kuitira kuti mugorarama, mugowanda, mugopinda mugotora nyika iyo Jehovha akavimbisa madzitateguru enyu nemhiko. Rangarirai matungamirirwo amakaitwa naJehovha Mwari wenyu munzira yose yomurenje makore ose aya makumi mana, achikuninipisai uye achikuedzai kuti azive zvaiva mumwoyo menyu, kana makanga muchida kuchengeta mirayiro yake kana kuti kwete. Akakuninipisai, akakuitai kuti muziye nenzara akakugutsai nemana, iyo yakanga isingazivikanwi nemi kunyange namadzibaba enyu, kuti akudzidzisei kuti munhu haararame nechingwa chete asi neshoko rimwe nerimwe rinobva mumuromo maJehovha. Nguo dzenyu hadzina kusakara uye tsoka dzenyu hadzina kuzvimba pamakore aya makumi mana. Naizvozvo zvizive mumwoyo wako kuti Jehovha Mwari wako anokuranga, somunhu anoranga mwanakomana wake. Chengeta mirayiro yaJehovha Mwari wako, ufambe munzira dzake uye umukudze. Nokuti Jehovha Mwari wako ari kukuuyisa kunyika yakanaka, nyika ine hova dzemvura namatsime, nezvitubu zvinoerera mumupata nomumakomo; nyika ine zviyo nebhari, mizambiringa nemiti yemionde, neyemitamba, namafuta emiorivhi nouchi; nyika isingashayikwi chingwa uye hamuchazoshayiwi chinhu; nyika ine mabwe endarira uye uchachera mhangura mumakomo ayo. Kana uchinge wadya waguta rumbidza Jehovha Mwari wako nokuda kwenyika yakanaka yaakakupa
Verenga chikamu Dhuteronomi 8
Terera ku Dhuteronomi 8
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Dhuteronomi 8:1-10
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo