“Ngwarirai kunyatsochengeta mitemo yose yandiri kukupai nhasi uno, kuti murarame, muwande, muzokwanisa kuenda kunyika yakatsidzirwa madzitateguru enyu naTenzi, mundoitora kuti ive yenyu. Rangarira zvose zvawakaona murwendo rwawakatungamirirwa naTenzi Mwari wako nomurenje kwamakore makumi mana, akaitira kuti akuninipise. Akakuedza achida kuona paumire, kuti unochengeta here mitemo yake kana kuti kwete. Akakuninipisa, akaita kuti unzwe nzara. Akakupa mana yokudya, yawakanga usingazivi, yakanga isingazikanwi namadzitateguru ako kuti uzive kuti munhu haararame nechokudya chete, asi anorarama nezvose zvinotaurwa nomuromo waTenzi. Hanzu dzako dzaive dziri pauri hadzina kusakara, tsoka dzako hadzina kuzvimba pamakore makumi mana aya. Chiziva nomumwoyo mako kuti sokurayira kunoitwa munhu mwana wake, ndiko kurayira kunoita naTenzi Mwari wako. Naizvozvo chengeta mitemo yaTenzi Mwari wako, uite zvaanoda, umutye nokuti Tenzi Mwari wako ava kuzokuendesa kunyika yakanaka, nyika ine hova dzemvura nezvisipiti nezvitubu zvemvura inotubuka ichibva pasi pasi mumapani nomuzvikomo. Nyika yekoroni nebhari nemichero yamagirepisi nemionde nemipomogiraneti. Nyika yemiorivhi namafuta nouchi. Nyika yausingashaye chinhu, mauchadya chingwa usingaiti zvokupara. Simbi ndomabwe enyikayo, mumakomo ayo unozochera mhangura. Uchadya uchiguta, ucharumbidza Tenzi Mwari wako nokuti akakupa nyika yakanaka.
Verenga chikamu Kutsinhira Mutemo 8
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Kutsinhira Mutemo 8:1-10
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo