Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Dhuteronomi 8

8
Vanofanira kurangarira zvavakaitirwa vagoteerera Jehovha
1“Murayiro wose wandinokuraira nhasi munofanira kuchenjera kuti muuite, kuti mugorarama, nokuwanda, nokupinda munyika yakapikirwa madzibaba enyu naJehovha, muiite yenyu. 2Unofanira kurangarira nzira yose yawakafambiswa nayo naJehovha Mwari wako murenje makore awa makumi mana, kuti akuninipise, nokukuidza, kuti azive zvaiva mumwoyo mako, kana wakanga uchida kuchengeta mirairo yake, kana kwete. 3Akakuninipisa, akakuziyisa nenzara, akakugutsa nemana yawakanga usingazivi, kunyange madzibaba ako akanga asingaziviwo; kuti akuzivise kuti munhu haararami nezvokudya zvoga, asi kuti munhu unorarama nezvose zvinobuda mumuromo waJehovha. 4Nguo dzako hadzina kukusakarira, netsoka dzako hadzina kuzvimba makore awa makumi mana. 5Funga mumwoyo mako, kuti Jehovha Mwari wako unokuranga somunhu unoranga mwanakomana wake. 6Unofanira kuchengeta mirairo yaJehovha Mwari wako, kuti ufambe nenzira dzake nokumutya. 7Nokuti Jehovha Mwari wako unokupinza munyika yakanaka, nyika ine hova dzemvura, namatsime, namadziva akadzika, anobuda pamipata napamakomo; 8nyika ine zviyo, nebhari, nemizambiringa, nemionde, nemitamba; nyika yemiorivhi ina mafuta, nouchi; 9nyika kwauchadya chingwa, usingashaiwi, kwausingatongoshaiwi chinhu; nyika ina mabwe emhangura, napamakomo ayo uchachera ndarira. 10Uchadya ukaguta, ukavonga Jehovha Mwari wako nokuda kwenyika yakanaka yaakakupa.
11“Chenjera kuti urege kukanganwa Jehovha Mwari wako, ukasachengeta mirairo yake, nezvaakatonga, nezvaakatema, zvandinokuraira nhasi; 12kuti kana wadya ukaguta, ukavaka dzimba dzakanaka, ukagara madziri, 13nemombe dzako namakwai ako akawanda, nesirivha yako nendarama yako ikawanda, nezvose zvaunazvo zvikawanda, 14mwoyo wako ukazvikudza, ukakanganwa Jehovha Mwari wako, wakakubudisa panyika yeIjipiti paimba youranda; 15iye wakakufambisa murenje guru rinotyisa, makanga mune nyoka dzinopenga nezvinyavada, nevhu rakaoma risina mvura; iye wakakubudisira mvura padombo romusarasara; 16wakakugutsa murenje nemana, yakanga isina kuzikanwa namadzibaba ako, kuti akuninipise akuidze, kuti akuitire zvakanaka pakupedzisira; 17kuti urege kuzoti mumwoyo mako, ‘Simba rangu nokugona kworuoko rwangu ndizvo zvakandiwanisa pfuma iyi.’ 18Asi unofanira kurangarira Jehovha Mwari wako, nokuti ndiye unokupa simba rokupfuma; kuti asimbise sungano yake, yaakapikira madzibaba ako, sezvaanoita nhasi. 19Zvino kana ukakanganwa Jehovha Mwari wako, ukatevera vamwe vamwari, ukavashumira, ukanamata kwavari, ndinokupupurirai nhasi kuti muchaparadzwa zvirokwazvo. 20Imi muchaparadzwa sendudzi dzinoparadzwa naJehovha pamberi penyu; nokuti makaramba kuterera izwi raJehovha Mwari wenyu.

Zvasarudzwa nguva ino

Dhuteronomi 8: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda