Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Dhuteronomi 33:1-12

Dhuteronomi 33:1-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)

Ichi ndicho chikomborero chakakumbirirwa vaIsiraeri naMosesi munhu waMwari asati afa. Akati; “Tenzi akabva kuSinai akanyuka patiri achibva Seiri. Akazviratidza ari paGomo reParani. Akanga ane zviuru nezviuru zvevatsvene, kurudyi kwake kuine rimi romoto. Honguka Tenzi anoda vanhu vake. Vose vatsvene vaiva muruoko rwake, saka vakatevera mutsoka dzake, zvokuita vachitozvitaurirwa nemi. Mosesi akatipa mutemo, ndiyo nhaka yemhuri yaJakobho. Naizvozvo Tenzi akava mambo muIsiraeri, muJeshuruni, paye pakaungana vatungamiriri vavanhu, pamwechete namadzinza aIsiraeri. “Rubheni ngaararame arege kufa, kunyange vanhu vake vachiverengeka zvavo.” Akakomborera Judha achiti, “Tenzi inzwai waro chichemo chaJudha. Mumuunze kwakare kuvanhu vokwake. Murwirei imi Tenzi noruoko rwenyu.” Revhi akamukomborera achiti, “Ipai Tumimu neUrimu kuvaRevhi, vanhu venyu vakatendeka vamakaedza paMasa vamakaita mapitse navo pamvura yepaMeribha. Pakuchengeta chirevo chenyu nechitenderano chenyu havana kumbokatara kuti ava ndiamai kana baba vavo kana zvokuti ava vakoma kana vanun'una vavo kunyange vana vavo chaivo. Vachadzidzisa mhuri yaJakobho mirao yenyu, vachidzidzisa mhuri yaIsiraeri mutemo wenyu. Vachapisira rusenzi imi Mwari, vachikupirai chibayiro chinopiswa chose zvacho paatari. Tenzi komborerai dzinza rake kuti risimbe, mufadzwe nebasa ramaoko ake; mutyore misana yavavengi vake, vavengi vake varege kumukazve.” Akakomborera Bhenjamini achiti, “Iri ndiro dzinza raTenzi repamwoyo, muswerandakaringa wake chaiye. Anomuchengeta sezai regondo, asingambosuduruki zvake pakati pavo.”

Dhuteronomi 33:1-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Uku ndiko kuropafadza kwaMozisi munhu waMwari kwaakataura kuvaIsraeri asati afa. Akati: “Jehovha akabva kuSinai akavabudira samambakwedza achibva kuSeiri; akapenya kubva paGomo reParani. Akauya nezviuru gumi zvavatsvene kubva rutivi rwezasi, kubva kumawere amakomo ake. Zvirokwazvo ndimi makada vanhu; vatsvene vose vari muruoko rwenyu. Patsoka dzenyu vose vanopfugama, uye kubva kwamuri vanogamuchira kurayirwa, murayiro watakapiwa naMozisi, nhaka yeungano yaJakobho. Akanga ari mambo weJeshuruni vatungamiriri vavanhu pavakanga vakaungana, pamwe chete namarudzi aIsraeri. “Rubheni ngaararame arege kufa, uye vanhu vake ngavarege kuva vashoma.” Uye izvi ndizvo zvaakataura pamusoro paJudha: “Inzwai, imi Jehovha, kuchema kwaJudha; muuyisei kuvanhu vake. Namaoko ake acharwira mhaka yake. Haiwa, ivai mubatsiri wake pavavengi vake!” Pamusoro paRevhi akati, “Tumimi yenyu neUrimi yenyu ndezvomunhu wamunoda. Makamuedza paMasa; makarwa naye pamvura dzeMeribha. Akati pamusoro pababa namai vake, ‘Handivakudzi.’ Haana kurangarira hama dzake kana kuziva vana vake, asi akava mutariri weshoko renyu akachengetedza sungano yenyu. Anodzidzisa mitemo yenyu kuna Jakobho uye nemirayiro kuna Israeri. Achapa zvinonhuhwira pamberi penyu nezvipiriso zvose zvinopiswa paaritari yenyu. Ropafadzai kubata kwake kwose, imi Jehovha, mugofadzwa namabasa amaoko ake. Paradzai zviuno zvaavo vanomumukira: rovai vavengi vake kusvikira vasisamukizve.” Pamusoro paBhenjamini akati: “Regai mudikanwa waJehovha agare norugare maari, nokuti anomudzivirira zuva rose, uye regai uyo anodikanwa naJehovha agare pakati pamapfudzi ake.”

Dhuteronomi 33:1-12 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino ndiko kuropafadza kwaMosesi, munhu waMwari, kwaakaropafadza nako vana vaIsiraeri, asati afa. Akati, “Jehovha wakabva Sinai, Akavabudira achibva Seiri; Akapenya ari pagomo reParani, Akauya achibva pazviuru zvine gumi zvavatsvene; Paruoko rwake rworudyi pakanga pano murayiro womoto kwavari. Zvirokwazvo unoda ndudzi; Vatsvene vake vose vari paruoko rwenyu; Vakagara pasi patsoka dzenyu; Mumwe nomumwe uchagamuchira mashoko enyu. Mosesi wakatiraira murayiro, Ndiyo nhaka yeungano yaJakobho. Wakanga ari mambo paJeshuruni, Pakuungana kwavakuru vavanhu, Marudzi ose avaIsiraeri pamwechete. Rubheni ngaararame, arege kufa, Asi vanhu vake ngavave vashoma hako. Kuropafadzwa kwaJudha ndiko”: Akati, “Inzwai Jehovha izwi raJudha, Mumusvitse kuvanhu vake; Wakavarwira namaoko ake; Imi muchamubatsira kurwa navavengi vake.” Pamusoro paRevhi wakati, “Tumimu yenyu neUrimi yenyu ndezva unodikanwa nemi, Iye wamakaidza paMasa, Wamakarwa naye pamvura yeMeribha”; Iye wakati pamusoro pababa vake namai vake, “Handina kumuona; Nehama dzake haana kudzirangarira, Kana kuziva vana vake, Nokuti vakaita shoko renyu, Nokuchengeta sungano yenyu. Vachadzidzisa Jakobho zvamakatonga, NaIsiraeri murayiro wenyu; Vachaisa zvinonhuwira pamberi penyu, Nezvipiriso zvinopiswa zvakakwana paatari dzenyu. Jehovha, ropafadzai simba rake, Gamuchirai basa ramaoko ake; Gurai zviuno zvavanomumukira, Nezvavanomuvenga, kuti varege kusimukazve.” Pamusoro paBhenjamini wakati, “Mudikanwa waJehovha uchagara kwaari akachengetwa; Unomufukidza zuva rose, Unogara pakati pamafudzi ake.”

Dhuteronomi 33:1-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Ichi ndicho chikomborero chakakumbirirwa vaIsiraeri naMosesi munhu waMwari asati afa. Akati; “Tenzi akabva kuSinai akanyuka patiri achibva Seiri. Akazviratidza ari paGomo reParani. Akanga ane zviuru nezviuru zvevatsvene, kurudyi kwake kuine rimi romoto. Honguka Tenzi anoda vanhu vake. Vose vatsvene vaiva muruoko rwake, saka vakatevera mutsoka dzake, zvokuita vachitozvitaurirwa nemi. Mosesi akatipa mutemo, ndiyo nhaka yemhuri yaJakobho. Naizvozvo Tenzi akava mambo muIsiraeri, muJeshuruni, paye pakaungana vatungamiriri vavanhu, pamwechete namadzinza aIsiraeri. “Rubheni ngaararame arege kufa, kunyange vanhu vake vachiverengeka zvavo.” Akakomborera Judha achiti, “Tenzi inzwai waro chichemo chaJudha. Mumuunze kwakare kuvanhu vokwake. Murwirei imi Tenzi noruoko rwenyu.” Revhi akamukomborera achiti, “Ipai Tumimu neUrimu kuvaRevhi, vanhu venyu vakatendeka vamakaedza paMasa vamakaita mapitse navo pamvura yepaMeribha. Pakuchengeta chirevo chenyu nechitenderano chenyu havana kumbokatara kuti ava ndiamai kana baba vavo kana zvokuti ava vakoma kana vanun'una vavo kunyange vana vavo chaivo. Vachadzidzisa mhuri yaJakobho mirao yenyu, vachidzidzisa mhuri yaIsiraeri mutemo wenyu. Vachapisira rusenzi imi Mwari, vachikupirai chibayiro chinopiswa chose zvacho paatari. Tenzi komborerai dzinza rake kuti risimbe, mufadzwe nebasa ramaoko ake; mutyore misana yavavengi vake, vavengi vake varege kumukazve.” Akakomborera Bhenjamini achiti, “Iri ndiro dzinza raTenzi repamwoyo, muswerandakaringa wake chaiye. Anomuchengeta sezai regondo, asingambosuduruki zvake pakati pavo.”

Dhuteronomi 33:1-12 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino ndiko kuropafadza kwaMosesi, munhu waMŋari, kwaakaropafadza nako ʋana ʋaIsraeri, asati afa. Akati: Jehova wakabva Sinai, Akaʋaɓuɗira acibva Seiri; Akapenya ari pagomo reParani, Akaʋuya acibva paɀuru ɀinegumi ɀaʋatȿene; Paruʋoko rwake rworudyi pakaŋga panomurairo womŋoto kwaʋari. Ɀirokwaɀo unoɗa ndudzi; Ʋatȿene ʋake ʋose ʋari paruʋoko rwenyu; Ʋakagara pasi patsoka dzenyu; Mumŋe nomumŋe ucagamucira mashoko enyu. Mosesi wakatiraira murairo, Ndiyo nhaka yeʋuŋgano yaJakobo. Wakaŋga ari mambo paJeshuruni, Pakuʋuŋgana kwaʋakuru ʋaʋanhu, Marudzi ose aʋaIsraeri pamŋe cete. Rubeni ŋgaararame, arege kufa, Asi ʋanhu ʋake ŋgaʋaʋe ʋashoma haʋo. Kuropafadzwa kwaJuda ndiko: Akati: Inzwai Jehova inzwi raJuda, Mumuȿitse kuʋanhu ʋake; Wakaʋarwira namaʋoko ake; Imi mucamuɓatsira kurwa naʋaʋeŋgi ʋake. Pamsoro paRevi wakati: Tumimi yenyu neUrimi yenyu ndeɀa‐unoɗikanwa nemi, Iye wamakaidza paMasa, Wamakarwa naye pamvura yeMeriba; Iye wakati pamsoro paɓaɓa ʋake namai ʋake: Handina‐kumuʋona; Nehama dzake haana‐kudziraŋgarira, Kana kuziʋa ʋana ʋake, Nokuti ʋakaita shoko renyu, Nokuceŋgeta suŋgano yenyu. Ʋacadzidzisa Jakobo ɀamakatoŋga, NaIsraeri murairo wenyu; Ʋacaisa ɀinonhuwira pamberi penyu, Neɀipiriso ɀinopiswa ɀakakwana paartari dzenyu. Jehova, ropafadzai simba rake, Gamucirai ɓasa ramaʋoko ake; Gurai ɀiʋuno ɀaʋanomumukira, Neɀaʋanomuʋeŋga, kuti ʋarege kusimuka ɀe. Pamsoro paBenjamini wakati: Muɗikanwa waJehova ucagara kwaari akaceŋgetwa; Unomufukidza zuʋa rose, Unogara pakati pamafudzi ake.