Deuteronomio 33
33
Mosesi unoropafadza marudzi aʋaIsraeri.
1Ɀino ndiko kuropafadza kwaMosesi, munhu waMŋari, kwaakaropafadza nako ʋana ʋaIsraeri, asati afa. 2Akati:
Jehova wakabva Sinai,
Akaʋaɓuɗira acibva Seiri;
Akapenya ari pagomo reParani,
Akaʋuya acibva paɀuru ɀinegumi ɀaʋatȿene;
Paruʋoko rwake rworudyi pakaŋga panomurairo womŋoto kwaʋari.
3Ɀirokwaɀo unoɗa ndudzi;
Ʋatȿene ʋake ʋose ʋari paruʋoko rwenyu;
Ʋakagara pasi patsoka dzenyu;
Mumŋe nomumŋe ucagamucira mashoko enyu.
4Mosesi wakatiraira murairo,
Ndiyo nhaka yeʋuŋgano yaJakobo.
5Wakaŋga ari mambo paJeshuruni,
Pakuʋuŋgana kwaʋakuru ʋaʋanhu,
Marudzi ose aʋaIsraeri pamŋe cete.
6Rubeni ŋgaararame, arege kufa,
Asi ʋanhu ʋake ŋgaʋaʋe ʋashoma haʋo.
7Kuropafadzwa kwaJuda ndiko: Akati:
Inzwai Jehova inzwi raJuda,
Mumuȿitse kuʋanhu ʋake;
Wakaʋarwira namaʋoko ake;
Imi mucamuɓatsira kurwa naʋaʋeŋgi ʋake.
8Pamsoro paRevi wakati:
Tumimi yenyu neUrimi yenyu ndeɀa‐unoɗikanwa nemi,
Iye wamakaidza paMasa,
Wamakarwa naye pamvura yeMeriba;
9Iye wakati pamsoro paɓaɓa ʋake namai ʋake:
Handina‐kumuʋona;
Nehama dzake haana‐kudziraŋgarira,
Kana kuziʋa ʋana ʋake,
Nokuti ʋakaita shoko renyu,
Nokuceŋgeta suŋgano yenyu.
10Ʋacadzidzisa Jakobo ɀamakatoŋga,
NaIsraeri murairo wenyu;
Ʋacaisa ɀinonhuwira pamberi penyu,
Neɀipiriso ɀinopiswa ɀakakwana paartari dzenyu.
11Jehova, ropafadzai simba rake,
Gamucirai ɓasa ramaʋoko ake;
Gurai ɀiʋuno ɀaʋanomumukira,
Neɀaʋanomuʋeŋga, kuti ʋarege kusimuka ɀe.
12Pamsoro paBenjamini wakati:
Muɗikanwa waJehova ucagara kwaari akaceŋgetwa;
Unomufukidza zuʋa rose,
Unogara pakati pamafudzi ake.
13Pamsoro paJosefa wakati:
Nyika yake ŋgairopafadzwe naJehova;
Ipiwe ɀinhu ɀakanakisa ɀokuɗeŋga, neɗoʋa,
Nemʋura inogara makadzika;
14Neɀinhu ɀakanakisa ɀeɀiɓereko ɀezuʋa,
Neɀinhu ɀakanakisa ɀinomedzwa nomŋedzi;
15Neɀinhu ɀakanaka ɀamakomo ekare,
Neɀinhu ɀakanakisa ɀeɀikomo ɀisiŋgaperi,
16Neɀinhu ɀakanakisa ɀenyika nokuzara kwayo,
Nomŋoyo wakanaka waiye wakaŋga agere mugwenzi;
Kuropafadzwa ŋgakuʋuye pamusoro waJosefa,
Napamsoro pomusoro waiye wakatsaurwa pakati pehama dzake.
17Mŋana wemhoŋgora weŋombe dzake, ndibgo ʋumambo bgake;
Nyaŋga dzake inyaŋga dzenyati;
Nadzo ucaɓaya ndudzi dzose dzaʋo, namagumisiro enyika;
Ndiʋo ʋaneɀuru ɀamazana ɀinegumi ɀaEfraimi,
Ndiʋo ʋaneɀuru ɀaManase.
18Pamsoro paZeburuni wakati:
Cifara, Zeburuni, pakuɓuɗa kwako,
Newe Isakari, pamatente ako.
19Ʋacaɗanira ʋanhu kumakomo;
Ipapo ʋacaʋuya neɀiɓayiro ɀokururama;
Nokuti ʋacanwa fuma zhinji yamakuŋgwa,
Nefuma zhinji yakaʋanzwa nejeca.
20Pamsoro paGadi wakati:
Unokurisa Gadi ŋgaaropafadzwe;
Iye unogara seshumbakadzi,
Unobvambura ruʋoko, kunyaŋge nomusoro.
21Wakaɀitsaurira mugoʋe wokutaŋga;
Nokuti ndipapo pakaceŋgetwa mugoʋe womuɓati;
Wakaʋuya naʋakuru ʋaʋanhu;
Wakaita ɀakarurama ɀaJehova,
Neɀaakatoŋga pamsoro paIsraeri.
22Pamsoro paDani wakati:
Dani ndiye mŋana weshumba,
Unokwakuka acibva Bashani.
23Pamsoro paNaftari wakati:
Iwe Naftari, wakaguta nyasha,
Uzere nokuropafadzwa naJehova;
Tora maʋirazuʋa nenyasi ɀiʋe ɀako.
24Pamsoro paAsheri wakati:
Asheri ŋgaaropafadzwe apiwe ʋana;
Ŋgaaɗikanwe nehama dzake,
Ŋgaanyike rutsoka rwake mumafuta.
25Ɀipfigiso ɀako ɀicaʋa ɀamatare nendarira;
Nesimba rako ricaenzana namazuʋa ako.
26Iwe Jeshuruni, hakuna‐wakafanana naMŋari,
Iye unotaȿa ɗeŋga kuti akuɓatsire,
Napamsoro pamakore noʋukuru bgake.
27Mŋari usiŋgaperi ndibgo ʋugaro bgako,
Pasi pako kunamaʋoko asiŋgaperi;
Iye wakadziŋga ʋaʋeŋgi pamberi pako,
Akati: Paradzai.
28Israeri unogara akaceŋgetwa,
Tsime raJakobo riri roga,
Panyika yeɀiyo newaini;
Ƌeŋga rake rose rinonisa ɗoʋa.
29Israeri, iwe wakaropafadzwa;
Ndiani wakatodzana newe, rudzi rwakaceŋgetwa naJehova?
Ndiye nhoʋo inokuɓatsira,
Nomunondo waunokudzwa nawo!
Ʋaʋeŋgi ʋako ʋacaɀiisa pasi pako,
Newe ucatsika panɀimbo dzaʋo dzakakwirira.
Zvasarudzwa nguva ino
Deuteronomio 33: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018