Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Deuteronomio 34

34
Kufa nokuʋigwa kwaMosesi.
1Ɀino Mosesi wakabva pamapani okwaMoabi, akakwira kugomo reNebo, pamsoro pePisga, pakatarisana neJeriko. Jehova akamuratidza nyika yose yeGireadi, kuȿikira Dani; 2neNaftari yose, nenyika yaEfraimi naManase, nenyika yose yaJuda, kuȿikira paguŋgwa rokumaʋirazuʋa; 3nenyika yezasi, neƂani romupata weJeriko, guta remicindwe, kuȿikira Zoari. 4Ɀino Jehova akati kwaari: Ndiyo nyika yandakapikira Abrahama, naIsaka, naJakobo, ndiciti: Ndicaipa ʋana ʋako; ndikakuʋonesa iyo nameso ako, asi hauŋgapindi’mo. 5Ipapo Mosesi muranda waJehova akafira’po panyika yaMoabi, seɀakataurwa naJehova. 6Akamuʋiga pamupata panyika yaMoabi, pakatarisana neBeti‐peori; asi hapanomunhu unoziʋa rinda rake kuȿikira nhasi. 7Ɀino Mosesi wakaŋga anamakore anezana namakumi maʋiri pakufa kwake; meso ake akaŋga acigere kuʋonera madzerere, nesimba rake rakaŋga ricigere kuɗerera. 8Ʋana ʋaIsraeri ʋakacema Mosesi pamapani okwaMoabi mazuʋa anamakumi matatu; naiɀoɀo mazuʋa aʋakacema pakucema Mosesi akapera. 9Ɀino Joshua, mŋanakomana waNuni, wakaŋga azere nomŋeya wokucenjera; nokuti Mosesi wakaŋga aisa maʋoko ake pamsoro pake; ʋana ʋaIsraeri ʋakamuterera, ʋakaita seɀakarairwa Mosesi naJehova. 10Hakuna‐kuzomuka ɀe muprofita pakati paIsraeri wakafanana naMosesi, wakaŋga acizikanwa naJehova, ɀiso ɀakatarisana; 11paɀiratidzo ɀose neɀishamiso, paakatumŋa naJehova kundoɀiita panyika yeEgipita, kunaFarao, nokuʋaranda ʋake ʋose, nokunyika yake yose; 12napaɀose ɀakaitwa noruʋoko rwake runesimba, napakutyisa kukuru kwose, kwakaitwa naMosesi ʋaIsraeri ʋose ʋaciɀiʋona.

Zvasarudzwa nguva ino

Deuteronomio 34: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda