Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Deuteronomio 33:1-12

Deuteronomio 33:1-12 SUB1949

Ɀino ndiko kuropafadza kwaMosesi, munhu waMŋari, kwaakaropafadza nako ʋana ʋaIsraeri, asati afa. Akati: Jehova wakabva Sinai, Akaʋaɓuɗira acibva Seiri; Akapenya ari pagomo reParani, Akaʋuya acibva paɀuru ɀinegumi ɀaʋatȿene; Paruʋoko rwake rworudyi pakaŋga panomurairo womŋoto kwaʋari. Ɀirokwaɀo unoɗa ndudzi; Ʋatȿene ʋake ʋose ʋari paruʋoko rwenyu; Ʋakagara pasi patsoka dzenyu; Mumŋe nomumŋe ucagamucira mashoko enyu. Mosesi wakatiraira murairo, Ndiyo nhaka yeʋuŋgano yaJakobo. Wakaŋga ari mambo paJeshuruni, Pakuʋuŋgana kwaʋakuru ʋaʋanhu, Marudzi ose aʋaIsraeri pamŋe cete. Rubeni ŋgaararame, arege kufa, Asi ʋanhu ʋake ŋgaʋaʋe ʋashoma haʋo. Kuropafadzwa kwaJuda ndiko: Akati: Inzwai Jehova inzwi raJuda, Mumuȿitse kuʋanhu ʋake; Wakaʋarwira namaʋoko ake; Imi mucamuɓatsira kurwa naʋaʋeŋgi ʋake. Pamsoro paRevi wakati: Tumimi yenyu neUrimi yenyu ndeɀa‐unoɗikanwa nemi, Iye wamakaidza paMasa, Wamakarwa naye pamvura yeMeriba; Iye wakati pamsoro paɓaɓa ʋake namai ʋake: Handina‐kumuʋona; Nehama dzake haana‐kudziraŋgarira, Kana kuziʋa ʋana ʋake, Nokuti ʋakaita shoko renyu, Nokuceŋgeta suŋgano yenyu. Ʋacadzidzisa Jakobo ɀamakatoŋga, NaIsraeri murairo wenyu; Ʋacaisa ɀinonhuwira pamberi penyu, Neɀipiriso ɀinopiswa ɀakakwana paartari dzenyu. Jehova, ropafadzai simba rake, Gamucirai ɓasa ramaʋoko ake; Gurai ɀiʋuno ɀaʋanomumukira, Neɀaʋanomuʋeŋga, kuti ʋarege kusimuka ɀe. Pamsoro paBenjamini wakati: Muɗikanwa waJehova ucagara kwaari akaceŋgetwa; Unomufukidza zuʋa rose, Unogara pakati pamafudzi ake.