Zvino ndiko kuropafadza kwaMosesi, munhu waMwari, kwaakaropafadza nako vana vaIsiraeri, asati afa. Akati,
“Jehovha wakabva Sinai,
Akavabudira achibva Seiri;
Akapenya ari pagomo reParani,
Akauya achibva pazviuru zvine gumi zvavatsvene;
Paruoko rwake rworudyi pakanga
pano murayiro womoto kwavari.
Zvirokwazvo unoda ndudzi;
Vatsvene vake vose vari paruoko rwenyu;
Vakagara pasi patsoka dzenyu;
Mumwe nomumwe uchagamuchira mashoko enyu.
Mosesi wakatiraira murayiro,
Ndiyo nhaka yeungano yaJakobho.
Wakanga ari mambo paJeshuruni,
Pakuungana kwavakuru vavanhu,
Marudzi ose avaIsiraeri pamwechete.
Rubheni ngaararame, arege kufa,
Asi vanhu vake ngavave vashoma hako.
Kuropafadzwa kwaJudha ndiko”:
Akati,
“Inzwai Jehovha izwi raJudha,
Mumusvitse kuvanhu vake;
Wakavarwira namaoko ake;
Imi muchamubatsira kurwa navavengi vake.”
Pamusoro paRevhi wakati,
“Tumimu yenyu neUrimi yenyu ndezva
unodikanwa nemi,
Iye wamakaidza paMasa,
Wamakarwa naye pamvura yeMeribha”;
Iye wakati pamusoro pababa vake namai vake,
“Handina kumuona;
Nehama dzake haana kudzirangarira,
Kana kuziva vana vake,
Nokuti vakaita shoko renyu,
Nokuchengeta sungano yenyu.
Vachadzidzisa Jakobho zvamakatonga,
NaIsiraeri murayiro wenyu;
Vachaisa zvinonhuwira pamberi penyu,
Nezvipiriso zvinopiswa
zvakakwana paatari dzenyu.
Jehovha, ropafadzai simba rake,
Gamuchirai basa ramaoko ake;
Gurai zviuno zvavanomumukira,
Nezvavanomuvenga, kuti varege kusimukazve.”
Pamusoro paBhenjamini wakati,
“Mudikanwa waJehovha uchagara
kwaari akachengetwa;
Unomufukidza zuva rose,
Unogara pakati pamafudzi ake.”