Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Kutsinhira Mutemo 33:1-12

Kutsinhira Mutemo 33:1-12 SCLB

Ichi ndicho chikomborero chakakumbirirwa vaIsiraeri naMosesi munhu waMwari asati afa. Akati; “Tenzi akabva kuSinai akanyuka patiri achibva Seiri. Akazviratidza ari paGomo reParani. Akanga ane zviuru nezviuru zvevatsvene, kurudyi kwake kuine rimi romoto. Honguka Tenzi anoda vanhu vake. Vose vatsvene vaiva muruoko rwake, saka vakatevera mutsoka dzake, zvokuita vachitozvitaurirwa nemi. Mosesi akatipa mutemo, ndiyo nhaka yemhuri yaJakobho. Naizvozvo Tenzi akava mambo muIsiraeri, muJeshuruni, paye pakaungana vatungamiriri vavanhu, pamwechete namadzinza aIsiraeri. “Rubheni ngaararame arege kufa, kunyange vanhu vake vachiverengeka zvavo.” Akakomborera Judha achiti, “Tenzi inzwai waro chichemo chaJudha. Mumuunze kwakare kuvanhu vokwake. Murwirei imi Tenzi noruoko rwenyu.” Revhi akamukomborera achiti, “Ipai Tumimu neUrimu kuvaRevhi, vanhu venyu vakatendeka vamakaedza paMasa vamakaita mapitse navo pamvura yepaMeribha. Pakuchengeta chirevo chenyu nechitenderano chenyu havana kumbokatara kuti ava ndiamai kana baba vavo kana zvokuti ava vakoma kana vanun'una vavo kunyange vana vavo chaivo. Vachadzidzisa mhuri yaJakobho mirao yenyu, vachidzidzisa mhuri yaIsiraeri mutemo wenyu. Vachapisira rusenzi imi Mwari, vachikupirai chibayiro chinopiswa chose zvacho paatari. Tenzi komborerai dzinza rake kuti risimbe, mufadzwe nebasa ramaoko ake; mutyore misana yavavengi vake, vavengi vake varege kumukazve.” Akakomborera Bhenjamini achiti, “Iri ndiro dzinza raTenzi repamwoyo, muswerandakaringa wake chaiye. Anomuchengeta sezai regondo, asingambosuduruki zvake pakati pavo.”