Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Kutsinhira Mutemo 33

33
Mosesi anokumbirira madzinza aIsiraeri kuti akomborerwe
1Ichi ndicho chikomborero chakakumbirirwa vaIsiraeri naMosesi munhu waMwari asati afa. Akati;
2“Tenzi akabva kuSinai
akanyuka patiri achibva Seiri.
Akazviratidza ari paGomo reParani.
Akanga ane zviuru nezviuru zvevatsvene,
kurudyi kwake kuine rimi romoto.
3Honguka Tenzi anoda vanhu vake.
Vose vatsvene vaiva muruoko rwake,
saka vakatevera mutsoka dzake,
zvokuita vachitozvitaurirwa nemi.
4Mosesi akatipa mutemo,
ndiyo nhaka yemhuri yaJakobho.
5Naizvozvo Tenzi akava mambo muIsiraeri, muJeshuruni,#33:5 Jeshuruni: ndiyo Isiraeri yakare.
paye pakaungana vatungamiriri vavanhu,
pamwechete namadzinza aIsiraeri.
6“Rubheni ngaararame arege kufa,
kunyange vanhu vake vachiverengeka zvavo.”
7Akakomborera Judha achiti,
“Tenzi inzwai waro chichemo chaJudha.
Mumuunze kwakare kuvanhu vokwake.
Murwirei imi Tenzi noruoko rwenyu.”
8Revhi akamukomborera achiti,
“Ipai Tumimu neUrimu kuvaRevhi,
vanhu venyu vakatendeka vamakaedza paMasa
vamakaita mapitse navo pamvura yepaMeribha.
9Pakuchengeta chirevo chenyu nechitenderano chenyu
havana kumbokatara kuti ava ndiamai kana baba vavo
kana zvokuti ava vakoma kana vanun'una vavo
kunyange vana vavo chaivo.
10Vachadzidzisa mhuri yaJakobho mirao yenyu,
vachidzidzisa mhuri yaIsiraeri mutemo wenyu.
Vachapisira rusenzi imi Mwari,
vachikupirai chibayiro chinopiswa chose zvacho paatari.
11Tenzi komborerai dzinza rake kuti risimbe,
mufadzwe nebasa ramaoko ake;
mutyore misana yavavengi vake,
vavengi vake varege kumukazve.”
12Akakomborera Bhenjamini achiti,
“Iri ndiro dzinza raTenzi repamwoyo,
muswerandakaringa wake chaiye.
Anomuchengeta sezai regondo,
asingambosuduruki zvake pakati pavo.”
13Akakomborera Josefi achiti,
“Nyika yake ngaikomborerwe naTenzi,
matenga ngaamupe mvura inonaya zvakanaka,
neimwe inobvinina ichibva pasi.
14Ngaawane zvose zvakanaka zvinoibviswa nezuva,
nezvinoibva mwedzi nomwedzi.
15Ngaawane gomborero remichero yokutanga mumakomo ekare,
zvakanakisisa zvechinyakare.
16Ngaakomborerwe nezvose zvakanyanya
kunaka zvinowanika panyika.
Mwoyochena wouya aitaura ari mugwenzi.
Makomborero aya ngaadurururukire pana Josefi,
nokuti aiva mutungamiriri pakati pavakoma vake.
17Achava mukono wenzombe pakati pavo,
nyanga dzake dzichinge dzenyati,
imwe yacho ndizvo zviuru nezviuru zvedzinza raManase,
imwe yacho ndiwo mazana akazanirana edzinza raEfuremu;
nadzo achatunga marudzi avanhu
kusvikira kwakaperera nyika.”
18Akakomborera Zebhuruni achiti,
“Zebhuruni pembera ufare zvako pane zvaunoita,
newewo Isakari fara zvako uri pamatendhe ako.
19Vachakokera ndudzi dzavanhu kugomo,
kuzopira zvibayiro zviri pamutemo,
nokuti vachawana upfumi huzhinji hwomugungwa,
noupfumi hwuzhinji hwakavanzwa mujecha.”
20Akakomborera Gadhi achiti,
“Akakomborerwa zvake Gadhi akawana nyika huru!
Achagaramo akati hwatata seshumba,
achibvambura ruoko nokutsemura dehenya.
21Akazvisarudzira pachake nyika yakanakisisa,
yakanga yakachengeterwa mutungamiriri wehondo;
akauya somutungamiriri wavanhu,
achinyatsochengeta zvirevo
nemitemo yaTenzi navaIsiraeri.”
22Akakomborera Dhani achiti,
“Dhani mwana weshumba chaiye
anoita zvokuuruka achibva kuBhashani.”
23Akakomborera Nafutari achiti,
“Nafutari akagutsikana nomwoyochena waakaitirwa,
azere namakomborero aTenzi;
gungwa nenyika yokumaodzanyemba ndezvake.”
24Akakomborera Asheri achiti,
“Asheri ngaakomborerwe kupfuura mamwe madzinza ose.
Ngaave wapamwoyo kuvakoma navanun'una vake
aite mafuta okutsika netsoka.
25Zvihuri zvapamisuo yako
ngazvive zvesimbi nezvomundarira kusimba,
urarame upenyu hwako hwose uri chirambakusakara.
26Chinzwa Isiraeri, iyewe Jeshuruni,
hakuna mumwe akaita saMwari anofamba nomumatenga,
anofamba nechiremera chake nomumakore kuzokubatsira.
27Mwari, Nyakugaraaripo ndiye bako rako,
anokutakura mumaoko ake nokusingaperi.
Anofanokudzingira vavengi vako achiti, ‘Vaparadze.’
28Saka Isiraeri agere zvake murugare oga,
vana vaJakobho vagere zvavo pavo voga,
munyika yomaguta embesa newaini,
ina matenga anonayisa dova.
29Zvako iwe Isiraeri wakakomborerwa!
Ndianiwo zvake angaenzaniswe newe,
rudzi rwakaponeswa naTenzi
ndiye nhoo yako inokubatsira,
ndiye bakatwa rinokuita kuti ukunde.
Vavengi vako vachauya vachiteterera kwauri.
Nzvimbo dzavo dzakatunhumara dzokuteurira
uchaita zvokudzitsikirira zvako.”

Zvasarudzwa nguva ino

Kutsinhira Mutemo 33: SCLB

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda