Dhuteronomi 33
33
Mosesi anorapafadza marudzi avaIsiraeri
1Zvino ndiko kuropafadza kwaMosesi, munhu waMwari, kwaakaropafadza nako vana vaIsiraeri, asati afa. 2Akati,
“Jehovha wakabva Sinai,
Akavabudira achibva Seiri;
Akapenya ari pagomo reParani,
Akauya achibva pazviuru zvine gumi zvavatsvene;
Paruoko rwake rworudyi pakanga
pano murayiro womoto kwavari.
3Zvirokwazvo unoda ndudzi;
Vatsvene vake vose vari paruoko rwenyu;
Vakagara pasi patsoka dzenyu;
Mumwe nomumwe uchagamuchira mashoko enyu.
4Mosesi wakatiraira murayiro,
Ndiyo nhaka yeungano yaJakobho.
5Wakanga ari mambo paJeshuruni,
Pakuungana kwavakuru vavanhu,
Marudzi ose avaIsiraeri pamwechete.
6Rubheni ngaararame, arege kufa,
Asi vanhu vake ngavave vashoma hako.
7Kuropafadzwa kwaJudha ndiko”:
Akati,
“Inzwai Jehovha izwi raJudha,
Mumusvitse kuvanhu vake;
Wakavarwira namaoko ake;
Imi muchamubatsira kurwa navavengi vake.”
8Pamusoro paRevhi wakati,
“Tumimu yenyu neUrimi yenyu ndezva
unodikanwa nemi,
Iye wamakaidza paMasa,
Wamakarwa naye pamvura yeMeribha”;
9Iye wakati pamusoro pababa vake namai vake,
“Handina kumuona;
Nehama dzake haana kudzirangarira,
Kana kuziva vana vake,
Nokuti vakaita shoko renyu,
Nokuchengeta sungano yenyu.
10Vachadzidzisa Jakobho zvamakatonga,
NaIsiraeri murayiro wenyu;
Vachaisa zvinonhuwira pamberi penyu,
Nezvipiriso zvinopiswa
zvakakwana paatari dzenyu.
11Jehovha, ropafadzai simba rake,
Gamuchirai basa ramaoko ake;
Gurai zviuno zvavanomumukira,
Nezvavanomuvenga, kuti varege kusimukazve.”
12Pamusoro paBhenjamini wakati,
“Mudikanwa waJehovha uchagara
kwaari akachengetwa;
Unomufukidza zuva rose,
Unogara pakati pamafudzi ake.”
13Pamusoro paJosefa wakati,
“Nyika yake ngairopafadzwe naJehovha;
Ipiwe zvinhu zvakanakisa zvokudenga, nedova,
Nemvura inogara makadzika;
14Nezvinhu zvakanakisa zvezvibereko zvezuva,
Nezvinhu zvakanakisa zvinomedzwa nomwedzi;
15Nezvinhu zvakanaka zvamakomo ekare,
Nezvinhu zvakanakisa zvezvikomo zvingaperi,
16Nezvinhu zvakanakisa zvenyika
nokuzara kwayo,
Nomwoyo wakanaka waiye wakanga agere mugwenzi;
Kuropafadzwa ngakuuye pamusoro waJosefa,
Napamusoro pomusoro waiye
wakatsaurwa pakati pehama dzake.
17Mwana wemhongora wemombe dzake,
ndihwo umambo hwake;
Nyanga dzake inyanga dzenyati;
Nadzo uchabaya ndudzi dzose dzavo,
namagumisiro enyika;
Ndivo vane zviuru zvamazana
zvine gumi zvaEfuremu,
Ndivo vane zviuru zvaManase.”
18Pamusoro paZebhuruni wakati,
“Chifara, Zebhuruni, pakubuda kwako,
Newe Isakari, pamatende ako.
19Vachadanira vanhu kumakomo;
Ipapo vachauya nezvibayiro zvokururama;
Nokuti vachanwa pfuma zhinji yamakungwa,
Nepfuma zhinji yakavanzwa nejecha.”
20Pamusoro paGadhi wakati,
“Unokurisa Gadhi ngaaropafadzwe;
Iye unogara seshumbakadzi,
Unobvambura ruoko, kunyange nomusoro.
21Wakazvitsaurira mugove wokutanga;
Nokuti ndipapo pakachengetwa mugove womubati;
Wakauya navakuru vavanhu;
Wakaita zvakarurama zvaJehovha,
Nezvaakatonga pamusoro paIsiraeri.”
22Pamusoro paDhani wakati,
“Dhani ndiye mwana weshumba,
Unokwakuka achibva Bhashani.”
23Pamusoro paNafutari wakati,
“Iwe Nafutari, wakaguta nyasha,
Uzere nokuropafadzwa naJehovha;
Tora mavirazuva nenyasi zvive zvako.”
24Pamusoro paAsheri wakati,
“Asheri ngaaropafadzwe apiwe vana;
Ngaadikanwe nehama dzake,
Ngaanyike rutsoka rwake mumafuta.
25Zvipfigiso zvako
zvichava zvamatare nendarira;
Nesimba rako richaenzana namazuva ako.
26Iwe Jeshuruni, hakuna wakafanana naMwari,
Iye unotasva denga kuti akubatsire,
Napamusoro pamakore noukuru hwake.
27Mwari usingaperi ndihwo ugaro hwako,
Pasi pako kuna maoko asingaperi;
Iye wakadzinga vavengi pamberi pako”,
Akati, “Paradzai.
28Isiraeri unogara akachengetwa,
Tsime raJakobho riri roga,
Panyika yezviyo newaini;
Denga rake rose rinonisa dova.
29Isiraeri, iwe wakaropafadzwa;
Ndiani wakatodzana newe,
rudzi rwakachengetwa naJehovha?
Ndiye nhoo inokubatsira,
Nomunondo waunokudzwa nawo!
Vavengi vako vachazviisa pasi pako,
Newe uchatsika panzvimbo dzavo dzakakwirira.”
Zvasarudzwa nguva ino
Dhuteronomi 33: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002