Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa 23:1-10

Mabasa 23:1-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Pauro akatarisisa kuDare Guru ravaJudha akati kwavari, “Hama dzangu, ini ndakaita basa rangu kuna Mwari nehana yakanaka kusvikira zuva ranhasi.” Ipapo muprista mukuru ainzi Ananiasi akarayira vaya vakanga vamire pedyo naye kuti vamurove pamuromo. Ipapo Pauro akati kwaari, “Mwari achakurova, iwe chidziro chakacheneswa nependi! Ugere ipapo kuti unditonge maererano nomurayiro, asi iwe pachako unodarika murayiro nokurayira kuti ndirohwe!” Vaya vakanga vamire pedyo naPauro vakati, “Iwe uri kutotuka muprista mukuru waMwari nhai?” Pauro akapindura akati, “Hama dzangu, ndanga ndisingazivi kuti ndiye muprista mukuru; nokuti kwakanyorwa kuchinzi: ‘Usataura zvakaipa pamusoro pomubati wavanhu vako.’ ” Ipapo Pauro, achiziva kuti vamwe vavo vakanga vari vaSadhusi uye kuti vamwe vakanga vari vaFarisi, akadanidzira kuDare Guru akati, “Hama dzangu, ini ndiri muFarisi, mwanakomana womuFarisi. Ndimire pano ndichitongwa nokuda kwetariro yangu yokumuka kwavakafa.” Akati ataura izvozvo, nharo dzakamuka pakati pavaFarisi navaSadhusi, nokudaro ungano yakapesana. VaSadhusi vanoti hakuna kumuka kwavakafa, uye kuti hakuna mutumwa kana mweya, asi vaFarisi vanotenda izvozvo zvose. Pakava nebope guru, uye vamwe vadzidzisi vomurayiro vainge vari vaFarisi vakasimuka vakaita nharo zvikuru. Vakati, “Hatina chakaipa chatinoona pamunhu uyu. Ko, kana ari mweya kana mutumwa akataura kwaari?” Kupesana kwakava nemhirizhonga zvokuti mukuru wamauto akatya kuti Pauro angangobvamburwa-bvamburwa navo. Akarayira varwi kuti vaburuke vandomutora vamubvise kwavari nechisimba vagomuendesa kudzimba dzavarwi.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mabasa 23

Mabasa 23:1-10 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino Pauro akati achitarisisa kumakurukota, akati, “Varume, hama, ini ndakafamba pamberi paMwari nehana yakarurama kusvikira zuva ranhasi.” Ipapo Ananiasi, mupristi mukuru, akarayira vakanga vamire naye, kuti vamurove muromo. Ipapo Pauro akati kwaari, “Mwari achakurova iwe, rusvingo rwakacheneswa; ugerepo kuti unditonge nomurayiro, zvino worayira kuti ndirohwe, uchidarika murayiro here?” Vakanga vamirepo vakati, “Ko unotuka mupristi mukuru waMwari here?” Pauro akati, “Hama dzangu, ndakanga ndisingazivi kuti ndiye mupristi mukuru; nokuti kwakanyorwa, kuchinzi, ‘Usataura zvakaipa pamusoro pomubati wavanhu vako.’ ” Zvino Pauro akati achiona kuti vamwe ndivaSadhusi navamwe vaFarisi, akadanidzira mumakurukota, akati, “Varume, hama, ini ndiri muFarisi, mwanakomana wavaFarisi, ndinotongwa pamusoro petariro nokumuka kwavakafa.” Akati adaro, kupesana kukavapo pakati pavaFarisi navaSadhusi; ungano ikaparadzana. Nokuti vaSadhusi vaiti hapana kumuka kwavakafa, kana mutumwa, kana mweya; asi vaFarisi vaitenda izvozvo zvose. Zvino bope guru rikavapo; vamwe vanyori vokuvaFarisi vakasimuka vakaita nharo, vachiti, “Hationi chinhu chakaipa kumunhu uyu; zvimwe mweya akataura naye, kana mutumwa.” Zvino kupesana kukuru kuchida kumuka, mukuru wechiuru chamazana akatya kuti Pauro angabvamburwa navo, akarayira varwi kuti vaburuke, vamubvute pakati pavo, vamuise muimba yavarwi.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mabasa 23

Mabasa 23:1-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Pauro akanyatsotarisana nedare akati, “Hama ndakagara nehana yakachena pamberi paMwari kusvikira pari nhasi.” Mupristi mukuru Ananiya akati kune vakanga vamire pedyo naye vamurove pamuromo. Pauro akati kwaari, “Mwari achakurova, iwe chidziro zvacho chadzururwa kuchena nesuko. Ndozvawakagarira ipapo kuti unditonge zviri pamutemo asi uchityora mutemo nhai? Uri kuti ndinofanira kurohwa.” Vakanga vamire padyo naye vakati, “Unoda kushora mupristi mukuru waMwari here?” Pauro akati, “Handina kuziva, hama dzangu, kuti mupristi mukuru nokuti zvakanyorwa zvichinzi, ‘Haufaniri kutaura zvakaipa nezvemutongi wavanhu vako.’ ” Pauro, paakaona kuti chimwe chikamu chaiva chiri chavaSadhusei, chimwe chiri chavaFarisei akadaidzira mudare achiti, “Varume hama ini ndiri muFarisei, mwana womuFarisei. Ini ndiri kupinzirwa dare pamusana pechitarisiro uye kumuka kwavakafa.” Paakataura izvi pakabva pava nokupesana pakati pavaFarisei navaSadhusei. Musangano wakabva wakamukana. Chiripo ndechokuti, vaSadhusei vanoti zvokumuka kwavafi hapana kana mutumwa kana mweya asi vaFarisei vanoti zvose izvozvo zviriko. Pakabva pamuka bopoto guru. Dzimwe nyanzvi dzomutemo webato ravaFarisei vakasimuka vachipikisa vachiti, “Hapana chatinoona chakaipa nomunhu uyu. Ko, zvichida mumwe mweya kana kuti mumwe mutumwa akataura naye!” Kupikisana uku zvakwakasvika pokuti bata wabata, mukuru mukuru wamasoja, nokutya kuti Pauro angangodamburwa damburwa navo, akati masoja adzike andomutora nechisimba pakati pavo vamuunze munzvimbo inogara masoja.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mabasa 23

Mabasa 23:1-10 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino Pauro wakati acitarisisa kumakurukota, akati: Ʋarume, hama, ini ndakafamba pamberi paMŋari nehana yakarurama kuȿikira zuʋa ranhasi. Ipapo Ananiasi, muprista mukuru, akaraira ʋakaŋga ʋamire naye, kuti ʋamuroʋe muromo. Ipapo Pauro akati kwaari: Mŋari ucakuroʋa iwe, ruȿiŋgo rwakaceneswa; ugere’po kuti unditoŋge nomurairo, ɀino woraira kuti ndirobge, uciɗarika murairo here? Ʋakaŋga ʋamire’po ʋakati: Ko unotuka muprista mukuru waMŋari here? Pauro akati: Hama dzaŋgu, ndakaŋga ndisiŋgaziʋi kuti ndiye muprista mukuru; nokuti kwakanyorwa, kucinzi: usataura ɀakaipa pamsoro pomuɓati waʋanhu ʋako. Ɀino Pauro wakati aciʋona kuti ʋamŋe ndiʋaSaduse naʋamŋe ʋaFarise, akaɗanidzira mumakurukota, akati: Ʋarume, hama, ini ndiri muFarise, mŋanakomana waʋaFarise, ndinotoŋgwa pamsoro petariro nokumuka kwaʋakafa. Wakati aɗaro, kupesana kukaʋa’po pakati paʋaFarise naʋaSaduse; ʋuŋgano ikaparadzana. Nokuti ʋaSaduse ʋaiti hapana‐kumuka kwaʋakafa, kana mutumŋa, kana mŋeya; asi ʋaFarise ʋaitenda iɀoɀo ɀose. Ɀino ɓope guru rikaʋa’po; ʋamŋe ʋanyori ʋokuʋaFarise ʋakasimuka, ʋakaita nharo, ʋaciti: Hatiʋoni cinhu cakaipa kumunhu uyu; ɀimŋe mŋeya wakataura naye, kana mutumŋa. Ɀino kupesana kukuru kuciɗa kumuka, mukuru wecuru camazana akatya kuti Pauro uŋgabvamburwa naʋo, akaraira ʋarwi kuti ʋaɓuruke, ʋamubvute pakati paʋo, ʋamuise muimba yaʋarwi.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mabasa 23

Mabasa 23:1-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)