Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Maɓasa Aʋaapostora 23:1-10

Maɓasa Aʋaapostora 23:1-10 SUB1949

Ɀino Pauro wakati acitarisisa kumakurukota, akati: Ʋarume, hama, ini ndakafamba pamberi paMŋari nehana yakarurama kuȿikira zuʋa ranhasi. Ipapo Ananiasi, muprista mukuru, akaraira ʋakaŋga ʋamire naye, kuti ʋamuroʋe muromo. Ipapo Pauro akati kwaari: Mŋari ucakuroʋa iwe, ruȿiŋgo rwakaceneswa; ugere’po kuti unditoŋge nomurairo, ɀino woraira kuti ndirobge, uciɗarika murairo here? Ʋakaŋga ʋamire’po ʋakati: Ko unotuka muprista mukuru waMŋari here? Pauro akati: Hama dzaŋgu, ndakaŋga ndisiŋgaziʋi kuti ndiye muprista mukuru; nokuti kwakanyorwa, kucinzi: usataura ɀakaipa pamsoro pomuɓati waʋanhu ʋako. Ɀino Pauro wakati aciʋona kuti ʋamŋe ndiʋaSaduse naʋamŋe ʋaFarise, akaɗanidzira mumakurukota, akati: Ʋarume, hama, ini ndiri muFarise, mŋanakomana waʋaFarise, ndinotoŋgwa pamsoro petariro nokumuka kwaʋakafa. Wakati aɗaro, kupesana kukaʋa’po pakati paʋaFarise naʋaSaduse; ʋuŋgano ikaparadzana. Nokuti ʋaSaduse ʋaiti hapana‐kumuka kwaʋakafa, kana mutumŋa, kana mŋeya; asi ʋaFarise ʋaitenda iɀoɀo ɀose. Ɀino ɓope guru rikaʋa’po; ʋamŋe ʋanyori ʋokuʋaFarise ʋakasimuka, ʋakaita nharo, ʋaciti: Hatiʋoni cinhu cakaipa kumunhu uyu; ɀimŋe mŋeya wakataura naye, kana mutumŋa. Ɀino kupesana kukuru kuciɗa kumuka, mukuru wecuru camazana akatya kuti Pauro uŋgabvamburwa naʋo, akaraira ʋarwi kuti ʋaɓuruke, ʋamubvute pakati paʋo, ʋamuise muimba yaʋarwi.