Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa 23:1-10

Mabasa 23:1-10 SNA2002

Zvino Pauro akati achitarisisa kumakurukota, akati, “Varume, hama, ini ndakafamba pamberi paMwari nehana yakarurama kusvikira zuva ranhasi.” Ipapo Ananiasi, mupristi mukuru, akarayira vakanga vamire naye, kuti vamurove muromo. Ipapo Pauro akati kwaari, “Mwari achakurova iwe, rusvingo rwakacheneswa; ugerepo kuti unditonge nomurayiro, zvino worayira kuti ndirohwe, uchidarika murayiro here?” Vakanga vamirepo vakati, “Ko unotuka mupristi mukuru waMwari here?” Pauro akati, “Hama dzangu, ndakanga ndisingazivi kuti ndiye mupristi mukuru; nokuti kwakanyorwa, kuchinzi, ‘Usataura zvakaipa pamusoro pomubati wavanhu vako.’ ” Zvino Pauro akati achiona kuti vamwe ndivaSadhusi navamwe vaFarisi, akadanidzira mumakurukota, akati, “Varume, hama, ini ndiri muFarisi, mwanakomana wavaFarisi, ndinotongwa pamusoro petariro nokumuka kwavakafa.” Akati adaro, kupesana kukavapo pakati pavaFarisi navaSadhusi; ungano ikaparadzana. Nokuti vaSadhusi vaiti hapana kumuka kwavakafa, kana mutumwa, kana mweya; asi vaFarisi vaitenda izvozvo zvose. Zvino bope guru rikavapo; vamwe vanyori vokuvaFarisi vakasimuka vakaita nharo, vachiti, “Hationi chinhu chakaipa kumunhu uyu; zvimwe mweya akataura naye, kana mutumwa.” Zvino kupesana kukuru kuchida kumuka, mukuru wechiuru chamazana akatya kuti Pauro angabvamburwa navo, akarayira varwi kuti vaburuke, vamubvute pakati pavo, vamuise muimba yavarwi.

Verenga chikamu Mabasa 23