Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa 23:1-10

Mabasa 23:1-10 SCLB

Pauro akanyatsotarisana nedare akati, “Hama ndakagara nehana yakachena pamberi paMwari kusvikira pari nhasi.” Mupristi mukuru Ananiya akati kune vakanga vamire pedyo naye vamurove pamuromo. Pauro akati kwaari, “Mwari achakurova, iwe chidziro zvacho chadzururwa kuchena nesuko. Ndozvawakagarira ipapo kuti unditonge zviri pamutemo asi uchityora mutemo nhai? Uri kuti ndinofanira kurohwa.” Vakanga vamire padyo naye vakati, “Unoda kushora mupristi mukuru waMwari here?” Pauro akati, “Handina kuziva, hama dzangu, kuti mupristi mukuru nokuti zvakanyorwa zvichinzi, ‘Haufaniri kutaura zvakaipa nezvemutongi wavanhu vako.’ ” Pauro, paakaona kuti chimwe chikamu chaiva chiri chavaSadhusei, chimwe chiri chavaFarisei akadaidzira mudare achiti, “Varume hama ini ndiri muFarisei, mwana womuFarisei. Ini ndiri kupinzirwa dare pamusana pechitarisiro uye kumuka kwavakafa.” Paakataura izvi pakabva pava nokupesana pakati pavaFarisei navaSadhusei. Musangano wakabva wakamukana. Chiripo ndechokuti, vaSadhusei vanoti zvokumuka kwavafi hapana kana mutumwa kana mweya asi vaFarisei vanoti zvose izvozvo zviriko. Pakabva pamuka bopoto guru. Dzimwe nyanzvi dzomutemo webato ravaFarisei vakasimuka vachipikisa vachiti, “Hapana chatinoona chakaipa nomunhu uyu. Ko, zvichida mumwe mweya kana kuti mumwe mutumwa akataura naye!” Kupikisana uku zvakwakasvika pokuti bata wabata, mukuru mukuru wamasoja, nokutya kuti Pauro angangodamburwa damburwa navo, akati masoja adzike andomutora nechisimba pakati pavo vamuunze munzvimbo inogara masoja.

Verenga chikamu Mabasa 23