2 Samueri 3:22-39
2 Samueri 3:22-39 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Panguva iyoyo varanda vaDhavhidhi naJoabhu vakadzoka kubva kundopamba uye vakauya nezvakawanda zvavakanga vapamba. Asi Abhineri akanga achisiri pamwe naDhavhidhi muHebhuroni, nokuti Dhavhidhi akanga amutendera kuenda, uye akanga aenda norugare. Joabhu paakasvika navarwi vose vaaiva navo, akaudzwa kuti Abhineri mwanakomana waNeri akanga auya kuna mambo uye kuti mambo akanga amutendera kuti aende, uye akanga aenda norugare. Naizvozvo Joabhu akaenda kuna mambo akati, “Ko, chii chamaita? Tarirai, Abhineri akauya kwamuri. Ko, makaregerei achienda? Zvino atoenda zvake! Munomuziva imi Abhuneri mwanakomana waNeri; anga auya kuzokunyengerai uye kuzoongorora mafambiro enyu nokusora zvose zvamuri kuita.” Ipapo Joabhu akabva pana Dhavhidhi ndokutumira nhume kuti dzitevere Abhineri, uye vakadzoka naye kubva patsime reSira. Asi Dhavhidhi haana kuzviziva. Kuzoti Abhineri adzoka paHebhuroni, Joabhu akamutora akaenda naye parutivi, pakati pesuo sokunge aida kutaura naye muchivande. Zvino ipapo, kuti atsive ropa raAsaheri mununʼuna wake, Joabhu akamubaya padumbu, ndokubva afa. Shure kwokunge Dhavhidhi anzwa nezvazvo, akati, “Ini noushe hwangu hatina mhosva nokusingaperi pamberi paJehovha pamusoro peropa raAbhuneri mwanakomana waNeri. Ropa rake ngarive pamusoro waJoabhu nepaimba yababa vake yose! Imba yaJoabhu ngairege kushaya munhu ane ronda risingapori, kana ana maperembudzi, kana anofamba nomudonzvo, kana anourayiwa nomunondo, kana anoshayiwa zvokudya.” (Joabhu nomununʼuna wake Abhishai vakaponda Abhineri nokuti akanga auraya Asaheri mununʼuna wavo muhondo paGibheoni.) Ipapo Dhavhidhi akati kuna Joabhu navanhu vose vaiva naye, “Bvarurai nguo dzenyu mupfeke masaga mufambe muchiungudza pamberi paAbhineri.” Mambo Dhavhidhi pachake akafamba ari shure kwengoro yaiva nechitunha. Vakaviga Abhineri paHebhuroni, uye mambo akaridza mhere paguva raAbhineri. Vanhu vose vakachemawo. Mambo akaimba rwiyo urwu rwokuchema Abhineri: “Ko, Abhineri aifanira kufa nomufiro webenzi here? Maoko ako akanga asina kusungwa, makumbo ako akanga asina kuiswa mumatare. Wakafa sokufa kwomunhu anofira pamberi pavanyangadzi.” Uye vanhu vose vakamuchemazve. Ipapo vose vakauya vakagombedzera Dhavhidhi kuti awane chaangadya achiri masikati; asi Dhavhidhi akaita mhiko, achiti, “Mwari ngaandirove, uye zvakanyanyisa, kana ndikaravira chingwa kana chimwe chinhu zuva risati ravira!” Vanhu vose vakazviona uye vakafara; zvirokwazvo, chose chakaitwa namambo chakavafadza. Naizvozvo musi uyu vanhu vose neIsraeri yose, vakaziva kuti mambo akanga asingatenderani nokuurayiwa kwaAbhineri mwanakomana waNeri. Ipapo mambo akati kuvaranda vake, “Hamuzivi here kuti nhasi kwafa jinda uye munhu anokosha muIsraeri? Uye kuti nhasi, kunyange ndiri mambo akazodzwa, handina simba, uye vanakomana vaZeruya ava vava nesimba kupfuura ini. Jehovha ngaaripire munyangadzi zvinoenderana nokuipa kwamabasa ake!”

2 Samueri 3:22-39 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino varanda vaDhavhidhi naJoabhu vakadzoka pakundopambara, vakauya nezvakapambwa zvizhinji; asi Abhineri wakanga asipo kuna Dhavhidhi paHebhuroni, nokuti wakanga amuendisa, akaenda hake norugare. Zvino Joabhu nehondo yose yakanga inaye vakati vasvika, Joabhu akaudzwa, zvichinzi, “Abhineri, mwanakomana waNeri, wakasvika kuna mambo, akaendiswa hake norugare.” Ipapo Joabhu akaenda kuna mambo, akati, “Maiteiko? Tarirai, Abhineri wakanga asvika kwamuri, mamuregereiko achienda, zvino waenda chose? “Munoziva Abhineri mwanakomana waNeri, kuti wakanga auya kuzokunyengerai, azive kubuda kwenyu nokupinda kwenyu, nokuziva zvose zvamunoita.” Joabhu akati abuda kuna Dhavhidhi, akatuma nhume dzitevere Abhineri, idzo dzikamudzora patsime reSira; asi Dhavhidhi wakanga asingazvizivi. Zvino Abhineri wakati adzoswa Hebhuroni, Joabhu akaenda naye vari voga pakati peSuo, kuti ataurirane naye vari voga, akamubayapo nomudumbu, akafa, nokuda kweropa romunun’una wake Ashaheri. Pashure Dhavhidhi wakati achizvinzwa, akati, “Ini noushe hwangu hatine mhosva pamberi paJehovha nokusingaperi pamusoro peropa raAbhineri mwanakomana waNeri; ngazvive pamusoro waJoabhu napamusoro peimba yose yababa vake; imba yaJoabhu igare ina vanhu vane hosha yokuyerera, kana vane maperembudzi, kana vanodonzva nomudonzvo, kana vanourawa nomunondo, kana vanoshaiwa zvokudya.” Naizvozvo Joabhu naAbhishai nomunun’una wake vakauraya Abhineri, nokuti wakanga auraya munun’una wavo Ashaheri pakurwa paGibheoni. Zvino Dhavhidhi akati kuna Joabhu, nokuna vanhu vose vakanga vanavo, “Bvarurai nguo dzenyu, musimire magumbu pazviuno zvenyu, mucheme pamberi paAbhineri.” Mambo Dhavhidhi akatevera hwanyanza. Vakaviga Abhineri paHebhuroni, mambo akachema kwazvo pahwiro hwaAbhineri; navanhu vose vakachema. Mambo akachema Abhineri, akati, “Abhineri waifanira kufa nomufiro webenzi here? Maoko ako akanga asina kusungwa, namakumbo ako akanga asina kupinzwa mumatare; Iwe wakafa sokufa kwomunhu pamberi pavana vezvakaipa.” Vanhu vose vakamuchemazve. Zvino vanhu vose vakauya kuzokuridzira Dhavhidhi kudya zvokudya achiri masikati; asi Dhavhidhi wakapika, akati, “Mwari ngaandirove, arambe achidaro, kana ndikaravira chingwa kana chimwe chinhu zuva richigere kuvira. Vanhu vose vakazviona, vakafara nazvo, nokuti zvose zvinenge zvakanga zvichiitwa namambo zvakafadza vanhu vose.” Naizvozvo vanhu vose navaIsiraeri vose vakaziva kuti wakanga asi mambo wakaraira kuti Abhineri mwanakomana waNeri aurawe. Zvino mambo akati kuvaranda vake, “Hamuzivi here kuti nhasi muchinda nomunhu mukuru wafa pakati paIsiraeri? “Ini nhasi handine simba, kunyange ndiri mambo wakazodzwa; varume ava vanakomana vaZeruya vanondikurira; Jehovha ngaatsive muiti wezvakaipa zvakafanira kuipa kwake.”
2 Samueri 3:22-39 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Pakarepo makurukota okwaDhavhidhi akabva ati tutururu vhe vaina Joabhu vachibva kundopamba vakagukuchira zvinhu zvakawanda kwazvo zvavakanga vapamba. Asi Abhuneru akanga atobva kare pana Dhavhidhi kuHebhuroni nokuti akanga ati aende zvake iyewo ndokuendawo zvake zvakanaka. Pakasvika Joabhu nehondo yose yaaiva nayo, vanhu vakataurira Joabhu kuti, “Abhuneru mwanakomana waNeru auya kuna mambo, ivo vatomurega zvavo akaenda, akatoendawo zvake zvakanaka.” Joabhu akabva aenda kuna mambo akati, “Ko ndochii ichochi chamaita? Abhuneru kutouya zvake kwamuri kuno, sei imi mamurega achienda? Kuendaka kwaatoita ikoku. Zivai kuti Abhuneru mwana waNeru chaichoicho chaanga avinga kuno kuzokunyengedzai nokuongorora mafambiro enyu nokuzivurura zvose zvamuri kuita.” Joabhu paakangoti ibvei pana Dhavhidhi, akatuma nhume kutevera Abhuneru. Dzakadzoka naye kubva kutsime repaSira. Asi Dhavhidhi haana kuzviziva. Pakadzoka Abhuneru kuHebhuroni, Joabhu akamutora akaenda naye parutivi munhandare yesuo guru reguta kuti ambotaurirana zvake kazevezeve naye. Ipapo ndopaakamubhovhora mudumbu akabva afa kuri kutsividza ropa romunun'una wake Asaheri raakadeura. Kuzoti Dhavhidhi paakazvinzwa akati, “Ini nevokwangu tichagara nariini wose tisina mhosva pana Tenzi yokudeura ropa raAbhuneru mwanakomana waNeru. Ngaipfukire iye Joabhu navose vemba yokwababa vake. Mumhuri yokwaJoabhu ngamurege kushayikwa vanhu vanotambura neizvi zvinoti: chirwere chezvinobuda mumuviri, namaperembudzi navanotoda mudonzvo kuti vafambe navanoita zvokuurayiwa nebakatwa kana vanofa nenzara!” Ndozvakaita Joabhu nomunun'una wake Abhishai, vakauraya Abhuneru nokuti Abhuneru akanga auraya munun'una wavo Asaheri muhondo kuGibheoni. Dhavhidhi akati kuna Joabhu nokuvanhu vose vaiva naye, “Bvarurai hanzu dzenyu mupfeke masaga mucheme Abhuneru.” Mambo Dhavhidhi pachavo vakatevera banda raiva nechitunha. Vakaviga Abhuneru kuHebhuroni. Mambo vakaridza mhere vakahwihwidza kuchema vari paguva raAbhuneru, vanhu vose vakahwihwidzawo kuchema. Dhavhidhi akaimba rwiyo rwengondo kuchema Abhuneru achiti: “Abhuneri kufa here chokwadi serema kudai. Haunaka iwe kumbosungwa maoko; makumbo ako ngetani hadzizivi. Mufiro wako ndowa avo chete, vanofa mumaoko avakaipa.” Vanhu vose vakahwihwidza kumuchema. Vanhu vose vakauya kuzonyengetedza Dhavhidhi kuti awane chaangadye zuva risati radoka. Asi Dhavhidhi akatsidza kuti, “Mwari ngaandione asve andiomesera kwazvo kana ndikaruma chingwa mukanwa mangu kana chimwewo zvacho zuva risati radoka!” Vanhu vakazviona zvikavafadza. Zvose zvakaitwa namambo zvakafadza vanhu vose. Naizvozvo vanhu vose nevokwaIsiraeri vose vakazviziva zuva iroro kuti chakanga chisiri chido chamambo chokuti Abhuneru mwanakomana waNeru aurayiwe. Mambo akati kumakurukota ake, “Hamuzive here kuti nhasi uno muIsiraeri tashayikirwa nachangamire chaivo, gamba chairo? Kunyange zvazvo ndakagadzwa umambo, zvanhasi uno izvi ini zvandipedza simba ini. Zvavana Zeruya ava zvandiomera. Tenzi ngaarange munhu wakaipa zvakakodzerana nouipi hwake.”
2 Samueri 3:22-39 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ʋaranda ʋaDavidi naJoabi ʋakadzoka pakundopambara, ʋakaʋuya neɀakapambga ɀizhinji; asi Abineri wakaŋga asi’po kunaDavidi paHebroni, nokuti wakaŋga amuendisa, akaenda hake norugare. Ɀino Joabi nehondo yose yakaŋga inaye ʋakati ʋaȿika, Joabi akaʋudzwa, ɀicinzi: Abineri, mŋanakomana waNeri, wakaȿika kunamambo, akaendiswa hake norugare. Ipapo Joabi akaenda kunamambo, akati: Maiteiko? Tarirai, Abineri wakaŋga aȿika kwamuri, mamuregereiko acienda, ɀino waenda cose? Munoziʋa Abineri mŋanakomana waNeri, kuti wakaŋga aʋuya kuzokunyeŋgerai, aziʋe kuɓuɗa kwenyu nokupinda kwenyu, nokuziʋa ɀose ɀamunoita. Joabi akati aɓuɗa kunaDavidi, akatuma nhume dziteʋere Abineri, idzo dzikamudzora patsime reSira; asi Davidi wakaŋga asiŋgaɀiziʋi. Ɀino Abineri wakati adzoswa Hebroni, Joabi akaenda naye ʋari ʋoga pakati pesuʋo, kuti ataurirane naye ʋari ʋoga, akamuɓaya’po nomuɗumbu, akafa, nokuɗa kweropa romunuŋuna wake Asaheri. Pashure Davidi wakati aciɀinzwa, akati: Ini noʋushe bgaŋgu hatinemhoȿa pamberi paJehova nokusiŋgaperi pamsoro peropa raAbineri mŋanakomana waNeri; ŋgaɀiʋe pamusoro waJoabi napamsoro peimba yose yaɓaɓa ʋake; imba yaJoabi igare inaʋanhu ʋanehosha yokuyerera, kana ʋanamaperembudzi, kana ʋanoɗonɀa nomuɗonɀo, kana ʋanoʋurawa nomunondo, kana ʋanoshaiwa ɀokudya. Naiɀoɀo Joabi naAbishai munuŋuna wake ʋakaʋuraya Abineri, nokuti wakaŋga aʋuraya munuŋuna waʋo Asaheri pakurwa paGibeoni. Ɀino Davidi akati kunaJoabi, nokunaʋanhu ʋose ʋakaŋga ʋanaʋo: Bvarurai ŋguʋo dzenyu, musimire magumbu paɀiʋuno ɀenyu, muceme pamberi paAbineri. Mambo Davidi akateʋera bganyanza. Ʋakaʋiga Abineri paHebroni, mambo akacema kwaɀo pabgiro bgaAbineri; naʋanhu ʋose ʋakacema. Mambo akacema Abineri, akati: Abineri waifanira kufa nomufire weɓenzi here? Maʋoko ako akaŋga asino‐kusuŋgwa, namakumbo ako akaŋga asino‐kupinzwa mumatare; Iwe wakafa sokufa kwomunhu pamberi paʋana ʋeɀakaipa. Ʋanhu ʋose ʋakamucema ɀe. Ɀino ʋanhu ʋose ʋakaʋuya kuzokurudzira Davidi kudya ɀokudya aciri masikati; asi Davidi wakapika, akati: Mŋari ŋgaandiroʋe, arambe aciɗaro, kana ndikaraʋira ciŋgwa kana cimŋe cinhu zuʋa ricigere kuʋira. Ʋanhu ʋose ʋakaɀiʋona, ʋakafara naɀo, nokuti ɀose ɀineŋge ɀakaŋga ɀiciitwa namambo ɀakafadza ʋanhu ʋose. Naiɀoɀo ʋanhu ʋose naʋaIsraeri ʋose ʋakaziʋa kuti wakaŋga asi mambo wakaraira kuti Abineri mŋanakomana waNeri aʋurawe. Ɀino mambo akati kuʋaranda ʋake: Hamuziʋi here kuti nhasi mucinda nomunhu mukuru wafa pakati paIsraeri? Ini nhasi handinesimba, kunyaŋge ndiri mambo wakazodzwa; ʋarume aʋa ʋanakomana ʋaZeruya ʋanondikurira; Jehova ŋgaatsiʋe muiti weɀakaipa ɀakafanira kuipa kwake.
2 Samueri 3:22-39 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)