Zvino varanda vaDhavhidhi naJoabhu vakadzoka pakundopambara, vakauya nezvakapambwa zvizhinji; asi Abhineri wakanga asipo kuna Dhavhidhi paHebhuroni, nokuti wakanga amuendisa, akaenda hake norugare.
Zvino Joabhu nehondo yose yakanga inaye vakati vasvika, Joabhu akaudzwa, zvichinzi, “Abhineri, mwanakomana waNeri, wakasvika kuna mambo, akaendiswa hake norugare.” Ipapo Joabhu akaenda kuna mambo, akati, “Maiteiko? Tarirai, Abhineri wakanga asvika kwamuri, mamuregereiko achienda, zvino waenda chose?
“Munoziva Abhineri mwanakomana waNeri, kuti wakanga auya kuzokunyengerai, azive kubuda kwenyu nokupinda kwenyu, nokuziva zvose zvamunoita.” Joabhu akati abuda kuna Dhavhidhi, akatuma nhume dzitevere Abhineri, idzo dzikamudzora patsime reSira; asi Dhavhidhi wakanga asingazvizivi.
Zvino Abhineri wakati adzoswa Hebhuroni, Joabhu akaenda naye vari voga pakati peSuo, kuti ataurirane naye vari voga, akamubayapo nomudumbu, akafa, nokuda kweropa romunun’una wake Ashaheri. Pashure Dhavhidhi wakati achizvinzwa, akati, “Ini noushe hwangu hatine mhosva pamberi paJehovha nokusingaperi pamusoro peropa raAbhineri mwanakomana waNeri; ngazvive pamusoro waJoabhu napamusoro peimba yose yababa vake; imba yaJoabhu igare ina vanhu vane hosha yokuyerera, kana vane maperembudzi, kana vanodonzva nomudonzvo, kana vanourawa nomunondo, kana vanoshaiwa zvokudya.”
Naizvozvo Joabhu naAbhishai nomunun’una wake vakauraya Abhineri, nokuti wakanga auraya munun’una wavo Ashaheri pakurwa paGibheoni.
Zvino Dhavhidhi akati kuna Joabhu, nokuna vanhu vose vakanga vanavo, “Bvarurai nguo dzenyu, musimire magumbu pazviuno zvenyu, mucheme pamberi paAbhineri.” Mambo Dhavhidhi akatevera hwanyanza. Vakaviga Abhineri paHebhuroni, mambo akachema kwazvo pahwiro hwaAbhineri; navanhu vose vakachema. Mambo akachema Abhineri, akati,
“Abhineri waifanira kufa nomufiro webenzi here?
Maoko ako akanga asina
kusungwa, namakumbo ako akanga asina kupinzwa mumatare;
Iwe wakafa sokufa kwomunhu pamberi pavana vezvakaipa.”
Vanhu vose vakamuchemazve.
Zvino vanhu vose vakauya kuzokuridzira Dhavhidhi kudya zvokudya achiri masikati; asi Dhavhidhi wakapika, akati, “Mwari ngaandirove, arambe achidaro, kana ndikaravira chingwa kana chimwe chinhu zuva richigere kuvira. Vanhu vose vakazviona, vakafara nazvo, nokuti zvose zvinenge zvakanga zvichiitwa namambo zvakafadza vanhu vose.” Naizvozvo vanhu vose navaIsiraeri vose vakaziva kuti wakanga asi mambo wakaraira kuti Abhineri mwanakomana waNeri aurawe. Zvino mambo akati kuvaranda vake, “Hamuzivi here kuti nhasi muchinda nomunhu mukuru wafa pakati paIsiraeri?
“Ini nhasi handine simba, kunyange ndiri mambo wakazodzwa; varume ava vanakomana vaZeruya vanondikurira; Jehovha ngaatsive muiti wezvakaipa zvakafanira kuipa kwake.”