Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

II Samueri 3:22-39

II Samueri 3:22-39 SUB1949

Ɀino ʋaranda ʋaDavidi naJoabi ʋakadzoka pakundopambara, ʋakaʋuya neɀakapambga ɀizhinji; asi Abineri wakaŋga asi’po kunaDavidi paHebroni, nokuti wakaŋga amuendisa, akaenda hake norugare. Ɀino Joabi nehondo yose yakaŋga inaye ʋakati ʋaȿika, Joabi akaʋudzwa, ɀicinzi: Abineri, mŋanakomana waNeri, wakaȿika kunamambo, akaendiswa hake norugare. Ipapo Joabi akaenda kunamambo, akati: Maiteiko? Tarirai, Abineri wakaŋga aȿika kwamuri, mamuregereiko acienda, ɀino waenda cose? Munoziʋa Abineri mŋanakomana waNeri, kuti wakaŋga aʋuya kuzokunyeŋgerai, aziʋe kuɓuɗa kwenyu nokupinda kwenyu, nokuziʋa ɀose ɀamunoita. Joabi akati aɓuɗa kunaDavidi, akatuma nhume dziteʋere Abineri, idzo dzikamudzora patsime reSira; asi Davidi wakaŋga asiŋgaɀiziʋi. Ɀino Abineri wakati adzoswa Hebroni, Joabi akaenda naye ʋari ʋoga pakati pesuʋo, kuti ataurirane naye ʋari ʋoga, akamuɓaya’po nomuɗumbu, akafa, nokuɗa kweropa romunuŋuna wake Asaheri. Pashure Davidi wakati aciɀinzwa, akati: Ini noʋushe bgaŋgu hatinemhoȿa pamberi paJehova nokusiŋgaperi pamsoro peropa raAbineri mŋanakomana waNeri; ŋgaɀiʋe pamusoro waJoabi napamsoro peimba yose yaɓaɓa ʋake; imba yaJoabi igare inaʋanhu ʋanehosha yokuyerera, kana ʋanamaperembudzi, kana ʋanoɗonɀa nomuɗonɀo, kana ʋanoʋurawa nomunondo, kana ʋanoshaiwa ɀokudya. Naiɀoɀo Joabi naAbishai munuŋuna wake ʋakaʋuraya Abineri, nokuti wakaŋga aʋuraya munuŋuna waʋo Asaheri pakurwa paGibeoni. Ɀino Davidi akati kunaJoabi, nokunaʋanhu ʋose ʋakaŋga ʋanaʋo: Bvarurai ŋguʋo dzenyu, musimire magumbu paɀiʋuno ɀenyu, muceme pamberi paAbineri. Mambo Davidi akateʋera bganyanza. Ʋakaʋiga Abineri paHebroni, mambo akacema kwaɀo pabgiro bgaAbineri; naʋanhu ʋose ʋakacema. Mambo akacema Abineri, akati: Abineri waifanira kufa nomufire weɓenzi here? Maʋoko ako akaŋga asino‐kusuŋgwa, namakumbo ako akaŋga asino‐kupinzwa mumatare; Iwe wakafa sokufa kwomunhu pamberi paʋana ʋeɀakaipa. Ʋanhu ʋose ʋakamucema ɀe. Ɀino ʋanhu ʋose ʋakaʋuya kuzokurudzira Davidi kudya ɀokudya aciri masikati; asi Davidi wakapika, akati: Mŋari ŋgaandiroʋe, arambe aciɗaro, kana ndikaraʋira ciŋgwa kana cimŋe cinhu zuʋa ricigere kuʋira. Ʋanhu ʋose ʋakaɀiʋona, ʋakafara naɀo, nokuti ɀose ɀineŋge ɀakaŋga ɀiciitwa namambo ɀakafadza ʋanhu ʋose. Naiɀoɀo ʋanhu ʋose naʋaIsraeri ʋose ʋakaziʋa kuti wakaŋga asi mambo wakaraira kuti Abineri mŋanakomana waNeri aʋurawe. Ɀino mambo akati kuʋaranda ʋake: Hamuziʋi here kuti nhasi mucinda nomunhu mukuru wafa pakati paIsraeri? Ini nhasi handinesimba, kunyaŋge ndiri mambo wakazodzwa; ʋarume aʋa ʋanakomana ʋaZeruya ʋanondikurira; Jehova ŋgaatsiʋe muiti weɀakaipa ɀakafanira kuipa kwake.