II Samueri 3
3
1Ɀino kwakaŋga kunokurwa ŋguʋa huru pakati peimba yaSauro neimba yaDavidi; Davidi akaramba aciwedzerwa simba, asi imba yaSauro yakaramba icitorerwa simba.
Ʋana ʋaDavidi.
2Davidi akaɓerekerwa ʋanakomana paHebroni; ɗaŋgwe rake raiʋa Amoni, mŋanakomana waAhinoami muJezreeri; 3wecipiri waiʋa Kireabi, mŋanakomana waAbigairi, waiʋa mukadzi waNabari muKarmeri; wecitatu waiʋa Absaromi, mŋanakomana waMaaka, mukunda waTarmai, mambo weGeshuri; 4wecinna waiʋa Adonia, mŋanakomana waHagiti; wecishanu waiʋa Shefatia, mŋanakomana waAbitari; 5wecitanhatu waiʋa Itreami, mŋanakomana waEgra mukadzi waDavidi. Ndiʋo ʋakaɓerekerwa Davidi paHebroni.
Abineri unoʋurawa naJoabi.
6Ɀino kurwa kwakati kuri’po pakati peimba yaSauro neimba yaDavidi, Abineri akaɀisimbisa paimba yaSauro. 7Ɀino Sauro wakaŋga anomuroŋgo, wainzi Rizpa, mukunda waAya; Ishi‐bosheti akati kunaAbineri: Wapindireiko kumuroŋgo waɓaɓa ʋaŋgu? 8Ipapo Abineri akatsamŋa kwaɀo namashoko aIshi‐bosheti, akati: Ndiri musoro wembga yokwaJuda here? Ikonhasi ndinoitira imba yaSauro, ɓaɓa ʋako, naʋanuŋuna ʋake, nehama dzake, ɀakanaka, newe handina‐kukuisa paruʋoko rwaDavidi; kunyaŋge ɀakaɗaro, unondipomera mhaka nhasi pamsoro pomukadzi uyu. 9Mŋari ŋgaaroʋe Abineri, arambe aciɗaro, kana ndisiŋgaitiri Davidi seɀakapika Jehova kwaari; 10aciti ucatamisa ʋushe paimba yaSauro, amutse cigaro coʋushe caDavidi pakati paIsraeri naJuda, kubva paDani kuȿikira paBeeri‐sheba. 11Akasagona kupindura Abineri kunyaŋge neshoko rimŋe, nokuti wakaŋga acimutya.
12Ɀino Abineri akatuma nhume kunaDavidi kwaakaŋga ari, akati: Nyika iyi ndeyaniko? Akati: Ita suŋgano neni, ruʋoko rwaŋgu ruʋe newe, ndiʋuyise ʋaIsraeri ʋose kwauri. 13Akati: Ɀakanaka, ndicaita suŋgano newe, asi ndinokuʋudza cinhu cimŋe, kuti hauŋgaʋoni ciso caŋgu, kana usiŋgaʋuyi naMikari, mukunda waSauro, kana uciʋuya kuzoʋona ciso caŋgu. 14Davidi akatuma nhume kunaIshi‐bosheti, mŋanakomana waSauro, akati: Ndipe Mikari mukadzi waŋgu, wandakanyeŋga neɀikanda ɀapamberi ɀaʋaFiristia ɀinezana. 15Ipapo Ishi‐bosheti akatuma nhume kundomutora kumurume wake Partieri, mŋanakomana waRaishi. 16Murume wake akamuteʋera aciŋgocema, kuȿikira paBahurimi. Ipapo Abineri akati kwaari: Enda, udzoke; iye akadzoka hake.
17Abineri akaraŋgana naʋakuru ʋaIsraeri, akati: Kare makaŋga mucitȿaka Davidi kuti aʋe mambo wenyu. 18Naiɀoɀo ɀino ciitai henyu kuɗaro, nokuti Jehova wakataura pamsoro paDavidi, akati: Noruʋoko rwomuranda waŋgu Davidi ndicaponesa ʋanhu ʋaŋgu ʋaIsraeri pamaʋoko aʋaFiristia, napamaʋoko aʋaʋeŋgi ʋaʋo ʋose. 19Abineri akataura ʋo naʋaBenjamini, Abineri akaenda akataura ʋo naDavidi, ɀose ɀakaŋga ɀicifadza Israeri neimba yose yaBenjamini. 20Naiɀoɀo Abineri akaȿika kunaDavidi paHebroni, anaʋarume ʋanamakumi maʋiri. Davidi akaitira Abineri naʋanhu ʋakaŋga ʋanaye mutambo. 21Abineri akati kunaDavidi: Ndicasimuka, ndikaenda kundoʋuŋganidzira ishe waŋgu mambo ʋaIsraeri ʋose, kuti ʋaite suŋgano nemi, muɓate ʋushe pose pamunoɗa napo nomŋoyo wenyu. Davidi akaendisa Abineri, akaenda norugare. 22Ɀino ʋaranda ʋaDavidi naJoabi ʋakadzoka pakundopambara, ʋakaʋuya neɀakapambga ɀizhinji; asi Abineri wakaŋga asi’po kunaDavidi paHebroni, nokuti wakaŋga amuendisa, akaenda hake norugare. 23Ɀino Joabi nehondo yose yakaŋga inaye ʋakati ʋaȿika, Joabi akaʋudzwa, ɀicinzi: Abineri, mŋanakomana waNeri, wakaȿika kunamambo, akaendiswa hake norugare. 24Ipapo Joabi akaenda kunamambo, akati: Maiteiko? Tarirai, Abineri wakaŋga aȿika kwamuri, mamuregereiko acienda, ɀino waenda cose? 25Munoziʋa Abineri mŋanakomana waNeri, kuti wakaŋga aʋuya kuzokunyeŋgerai, aziʋe kuɓuɗa kwenyu nokupinda kwenyu, nokuziʋa ɀose ɀamunoita. 26Joabi akati aɓuɗa kunaDavidi, akatuma nhume dziteʋere Abineri, idzo dzikamudzora patsime reSira; asi Davidi wakaŋga asiŋgaɀiziʋi. 27Ɀino Abineri wakati adzoswa Hebroni, Joabi akaenda naye ʋari ʋoga pakati pesuʋo, kuti ataurirane naye ʋari ʋoga, akamuɓaya’po nomuɗumbu, akafa, nokuɗa kweropa romunuŋuna wake Asaheri. 28Pashure Davidi wakati aciɀinzwa, akati: Ini noʋushe bgaŋgu hatinemhoȿa pamberi paJehova nokusiŋgaperi pamsoro peropa raAbineri mŋanakomana waNeri; 29ŋgaɀiʋe pamusoro waJoabi napamsoro peimba yose yaɓaɓa ʋake; imba yaJoabi igare inaʋanhu ʋanehosha yokuyerera, kana ʋanamaperembudzi, kana ʋanoɗonɀa nomuɗonɀo, kana ʋanoʋurawa nomunondo, kana ʋanoshaiwa ɀokudya. 30Naiɀoɀo Joabi naAbishai munuŋuna wake ʋakaʋuraya Abineri, nokuti wakaŋga aʋuraya munuŋuna waʋo Asaheri pakurwa paGibeoni.
31Ɀino Davidi akati kunaJoabi, nokunaʋanhu ʋose ʋakaŋga ʋanaʋo: Bvarurai ŋguʋo dzenyu, musimire magumbu paɀiʋuno ɀenyu, muceme pamberi paAbineri. Mambo Davidi akateʋera bganyanza. 32Ʋakaʋiga Abineri paHebroni, mambo akacema kwaɀo pabgiro bgaAbineri; naʋanhu ʋose ʋakacema. 33Mambo akacema Abineri, akati:
Abineri waifanira kufa nomufire weɓenzi here?
34Maʋoko ako akaŋga asino‐kusuŋgwa, namakumbo ako akaŋga asino‐kupinzwa mumatare;
Iwe wakafa sokufa kwomunhu pamberi paʋana ʋeɀakaipa.
Ʋanhu ʋose ʋakamucema ɀe. 35Ɀino ʋanhu ʋose ʋakaʋuya kuzokurudzira Davidi kudya ɀokudya aciri masikati; asi Davidi wakapika, akati: Mŋari ŋgaandiroʋe, arambe aciɗaro, kana ndikaraʋira ciŋgwa kana cimŋe cinhu zuʋa ricigere kuʋira. 36Ʋanhu ʋose ʋakaɀiʋona, ʋakafara naɀo, nokuti ɀose ɀineŋge ɀakaŋga ɀiciitwa namambo ɀakafadza ʋanhu ʋose. 37Naiɀoɀo ʋanhu ʋose naʋaIsraeri ʋose ʋakaziʋa kuti wakaŋga asi mambo wakaraira kuti Abineri mŋanakomana waNeri aʋurawe. 38Ɀino mambo akati kuʋaranda ʋake: Hamuziʋi here kuti nhasi mucinda nomunhu mukuru wafa pakati paIsraeri? 39Ini nhasi handinesimba, kunyaŋge ndiri mambo wakazodzwa; ʋarume aʋa ʋanakomana ʋaZeruya ʋanondikurira; Jehova ŋgaatsiʋe muiti weɀakaipa ɀakafanira kuipa kwake.
Zvasarudzwa nguva ino
II Samueri 3: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018