Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 Samueri 3:22-39

2 Samueri 3:22-39 SCLB

Pakarepo makurukota okwaDhavhidhi akabva ati tutururu vhe vaina Joabhu vachibva kundopamba vakagukuchira zvinhu zvakawanda kwazvo zvavakanga vapamba. Asi Abhuneru akanga atobva kare pana Dhavhidhi kuHebhuroni nokuti akanga ati aende zvake iyewo ndokuendawo zvake zvakanaka. Pakasvika Joabhu nehondo yose yaaiva nayo, vanhu vakataurira Joabhu kuti, “Abhuneru mwanakomana waNeru auya kuna mambo, ivo vatomurega zvavo akaenda, akatoendawo zvake zvakanaka.” Joabhu akabva aenda kuna mambo akati, “Ko ndochii ichochi chamaita? Abhuneru kutouya zvake kwamuri kuno, sei imi mamurega achienda? Kuendaka kwaatoita ikoku. Zivai kuti Abhuneru mwana waNeru chaichoicho chaanga avinga kuno kuzokunyengedzai nokuongorora mafambiro enyu nokuzivurura zvose zvamuri kuita.” Joabhu paakangoti ibvei pana Dhavhidhi, akatuma nhume kutevera Abhuneru. Dzakadzoka naye kubva kutsime repaSira. Asi Dhavhidhi haana kuzviziva. Pakadzoka Abhuneru kuHebhuroni, Joabhu akamutora akaenda naye parutivi munhandare yesuo guru reguta kuti ambotaurirana zvake kazevezeve naye. Ipapo ndopaakamubhovhora mudumbu akabva afa kuri kutsividza ropa romunun'una wake Asaheri raakadeura. Kuzoti Dhavhidhi paakazvinzwa akati, “Ini nevokwangu tichagara nariini wose tisina mhosva pana Tenzi yokudeura ropa raAbhuneru mwanakomana waNeru. Ngaipfukire iye Joabhu navose vemba yokwababa vake. Mumhuri yokwaJoabhu ngamurege kushayikwa vanhu vanotambura neizvi zvinoti: chirwere chezvinobuda mumuviri, namaperembudzi navanotoda mudonzvo kuti vafambe navanoita zvokuurayiwa nebakatwa kana vanofa nenzara!” Ndozvakaita Joabhu nomunun'una wake Abhishai, vakauraya Abhuneru nokuti Abhuneru akanga auraya munun'una wavo Asaheri muhondo kuGibheoni. Dhavhidhi akati kuna Joabhu nokuvanhu vose vaiva naye, “Bvarurai hanzu dzenyu mupfeke masaga mucheme Abhuneru.” Mambo Dhavhidhi pachavo vakatevera banda raiva nechitunha. Vakaviga Abhuneru kuHebhuroni. Mambo vakaridza mhere vakahwihwidza kuchema vari paguva raAbhuneru, vanhu vose vakahwihwidzawo kuchema. Dhavhidhi akaimba rwiyo rwengondo kuchema Abhuneru achiti: “Abhuneri kufa here chokwadi serema kudai. Haunaka iwe kumbosungwa maoko; makumbo ako ngetani hadzizivi. Mufiro wako ndowa avo chete, vanofa mumaoko avakaipa.” Vanhu vose vakahwihwidza kumuchema. Vanhu vose vakauya kuzonyengetedza Dhavhidhi kuti awane chaangadye zuva risati radoka. Asi Dhavhidhi akatsidza kuti, “Mwari ngaandione asve andiomesera kwazvo kana ndikaruma chingwa mukanwa mangu kana chimwewo zvacho zuva risati radoka!” Vanhu vakazviona zvikavafadza. Zvose zvakaitwa namambo zvakafadza vanhu vose. Naizvozvo vanhu vose nevokwaIsiraeri vose vakazviziva zuva iroro kuti chakanga chisiri chido chamambo chokuti Abhuneru mwanakomana waNeru aurayiwe. Mambo akati kumakurukota ake, “Hamuzive here kuti nhasi uno muIsiraeri tashayikirwa nachangamire chaivo, gamba chairo? Kunyange zvazvo ndakagadzwa umambo, zvanhasi uno izvi ini zvandipedza simba ini. Zvavana Zeruya ava zvandiomera. Tenzi ngaarange munhu wakaipa zvakakodzerana nouipi hwake.”

Verenga chikamu 2 Samueri 3