Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 Samueri 17:1-17

2 Samueri 17:1-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Ahitoferi akati kuna Abhusaromu, “Regai ndisarudze varume zviuru gumi nezviviri ndigosimuka usiku huno nditevere Dhavhidhi. Uye ndichamurwisa achakaneta uye asina simba. Ndichamutyisidzira, uye ipapo vanhu vose vaanavo vachatiza. Ndichauraya mambo chete. Ndichadzosera vanhu vose kwamuri. Kufa kwomunhu wamunotsvaka kuchareva kudzoka kwavose; ipapo vanhu vose vachava norugare.” Shoko iri rakafadza Abhusaromu navakuru vose veIsraeri. Asi Abhusaromu akati, “Danaiwo Hushai muAriki, kuti tigonzwa kuti anoti kudii.” Hushai akati asvika kwaari, Abhusaromu akati, “Ahitoferi apa zano iri. Toita zvaareva here? Kana zvisizvo, tipewo pfungwa yako.” Hushai akapindura Abhusaromu akati, “Zano ramapiwa naAhitoferi harina kunaka panguva ino. Munoziva baba venyu navanhu vavo; varwi, uye vanotyisa kunge bere rabvutirwa vana varo. Pamusoro pezvo, baba venyu murwi ano ruzivo; havangavati namauto usiku. Kunyange izvozvi vakavanda mubako kana pane imwe nzvimbo. Kana vakatanga kurwa navarwi venyu, ani naani anonzwa nezvazvo achati, ‘Pakati pavarwi vanotevera Abhusaromu paurayiwa vanhu.’ Ipapo kunyange murwi akashinga kwazvo, ane mwoyo wakaita soweshumba, achati rukutu nokutya, nokuti vaIsraeri vose vanoziva kuti baba venyu murwi uye kuti vose vavanavo vakashinga. “Saka zano rangu nderiri: VaIsraeri vose, kubva kuDhani kusvikira kuBheerishebha, vakawanda sejecha rokumhenderekedzo dzegungwa, ngavaungane kwamuri, iyemi pachenyu muchivatungamirira kundorwa. Ipapo tichavarwisa kwose kwavanenge vari, uye tichawira paari sedova rinowira pasi. Hakuna kana mumwe wavo zvake achasara ari mupenyu. Kana akadzokera muguta, ipapo vaIsraeri vose vachauya namabote kuguta iroro, uye ticharizvuzvurudzira pasi kumupata kusvikira pasisina kunyange nechimedu charo chingawanikwa.” Abhusaromu navarume vose veIsraeri vakati, “Zano raHushai muAriki riri nani pane raAhitoferi.” Nokuti Jehovha aida kukonesa zano rakanaka raAhitoferi kuitira kuti auyise njodzi pamusoro paAbhusaromu. Ipapo Hushai akati kuna Zadhoki naAbhiatari, vaprista, “Ahitoferi arayira Abhusaromu navakuru veIsraeri kuti vaite ichi nechocho. Zvino chituma shoko nokukurumidza uye uudze Dhavhidhi kuti, ‘Musavata pamazambuko omurenje usiku huno; yambukai musamborega, nokuti mambo navanhu vose vaanavo vangamedzwa.’ ” Jonatani naAhimaazi vakanga vachigara paEni Rogeri uye mumwe murandakadzi ndiye aifanira kundovazivisa, uye ivo vachienda kundoudza Mambo Dhavhidhi, nokuti havazaifanira kuonekwa vachipinda muguta.

2 Samueri 17:1-17 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino Ahitoferi wakati kuna Abhusaromu, “Nditenderei zvino nditsaure varume vane zviuru zvine gumi nezviviri, ndisimuke, nditeverere Dhavhidhi usiku hwuno; ndimuvambe akaneta, asine simba, ndimutyise, vanhu vose vaanavo vatize; ini ndichauraya mambo oga. Ipapo ndichadzosera vanhu vose kwamuri; kana mawana munhu mumwe wamunotsvaka, vanhu vose vachadzoka; naizvozvo vanhu vose vachava norugare.” Shoko iro rakafadza Abhusaromu navakuru vose vaIsiraeri. Ipapo Abhusaromu akati, “Danai Hushai muArikiwo, tinzwe zvaanotaura.” Hushai wakati asvika kuna Abhusaromu, Abhusaromu akataura naye akati, “Ahitoferi wataura zvokuti nezvokuti; zvino toita sezvaakataura here? Kana tisingafaniri kudaro, taura iwe.” Hushai akati kuna Abhusaromu, “Zano ramapiwa nguva ino naAhitoferi harina kunaka.” Hushai akawedzera, akati, “Munoziva baba venyu navanhu vavo, kuti vanhu voumhare, zvino vane shungu pamwoyo pavo, sebere ratorerwa vana varo kusango; baba venyu munhu wokurwa, havangavati navanhu. Tarirai, zvino vandovanda pabako, kana pamwe; zvino kana vamwe vakatanga kuurawa, ani naani unozvinzwa uchati, ‘Vanhu, vanotevera Abhusaromu, vourawa.’ Ipapo kunyange munhu wemhare, ano mwoyo wakafanana noweshumba, uchawora mwoyo, nokuti vaIsiraeri vose vanoziva kuti baba venyu imhare, naivo vavanavo vanhu voumharewo. Zvino zano rangu ndiro, kuti vaIsiraeri vose vaunganidzwe kwamuri, kubva paDhani kusvikira paBheerishebha, vawande sejecha riri pagungwa; nemiwo muende mumene kuhondo. Naizvozvo tichamuvamba paanenge achiwanikwa, tigomhara pamusoro pake somumharire weveta pasi; hatingasiyi kunyange mumwe wavo, kunyange ivo kunyange vanhu vavanavo. Uye, kana vakapinda muguta, vaIsiraeri vose vangauya namabote kuguta iro, tirikwevere murwizi, kusvikira pachishaikwa kunyange ibwe rimwe duku.” Ipapo Abhusaromu navarume vose vaIsiraeri vakati, “Zano raHushai muAriki rakanaka kukunda zano raAhitoferi.” Nokuti Jehovha wakanga atema kuti zano rakanaka raAhitoferi rikoneswe, kuti Jehovha apinze Abhusaromu panjodzi. Zvino Hushai akati kuna Zadhoki nokuna Abhiatari vapristi, “Ahitoferi wakapa Abhusaromu navakuru vaIsiraeri zano rokuti nerokuti, asi ini ndakavapa zano rokuti nerokuti. Naizvozvo zvino, tumai munhu pakarepo, audze Dhavhidhi, ati, ‘Regai kuvata usiku hwuno kumazambuko erenje, asi munofanira kuyambuka, kuti mambo arege kumedzwa navanhu vose vaanavo.’ ” Zvino Jonatani naAhimazi vakanga vari paEnirogeri; murandakadzi akaenda kundovaudza ivo vakandoudza mambo Dhavhidhi, nokuti havazaifanira kuonekwa vachipinda paguta.

2 Samueri 17:1-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Zvimwewo zvakataurwa naAhitoferi kuna Abhusharomu ndezvokuti, “Regai ndisarudze varume zviuru gumi nezviviri ndiende usiku hwanhasi kundoronda Dhavhidhi, ndimusvikire akaneta arasa mwoyo ndigomupazamisa musoro, vanhu vose vaanavo vamudzvamuke kutiza. Iye mambo wacho chete ndiye wandichapfuudza, ndigodzoka navanhu vacho vose kwamuri somuroora ari kuuya kumusha kwomurume wake. Chenyu imimika kupfuudza munhu mumwechete chete, vanhu vose vobva vapinda zvavo murunyararo.” Zano iri rakafadza Abhusharomu navakuru vakuru vokwaIsiraeri. Abhusharomu akabva ati, “Chimbotidaidziraiwo Hushai wokuAriki tinzwewo zvaanoreva.” Pakauya Hushai kuna Abhusharomu, Abhusharomu akati kwaari, “Zano ratapiwa naAhitoferi nderiri toritevera here? Kana risiri iro, ko iwe unotiwo kudii?” Hushai akati kuna Abhusharomu, “Zano rapiwa naAhitoferi rwendo runo harina kunaka.” Hushai akatizve, “Inga kana nemiwo munongozvizivawo wani kuti baba venyu navanhu vavo magamba chaiwo ehondo uye kuti izvozvi vane ukasha seingwe yatorerwa vana vayo musango. Izvozvi, usiku havamborara vaya pamwechete navamwe. Kutaura kuno, izvozvi vakatohwanda mune rimwe gomba kana kuti pane imwe nzvimbowo. Baba venyu vakazongotanga kuvarwisa, ani naani anozvinzwa anobva ati, ‘Hakuzi kuurayiwa ikoko kwaitwa vanhu vokwaAbhusharomu.’ Pakadaro apo kunyange gamba chairo rine mwoyo weshumba rinobva rava mbwende chaiyo achibweka nokutya. Chandinodariro ndechokuti Isiraeri yose inozviziva kuti baba venyu igamba chairo rehondo uye kuti vavanavo vacho magambawo chaiwo ehondo. Saka zvino zano rangu nderokuti, Isiraeri yose ngaikokorodzwe kubvira kuDhani kusvikira kuBheerisheba vaite sejecha repamahombekombe egungwa kuwanda, imimi pachenyu muendewo kuhondo, tigomusvikira paanenge ari ipapo toti paari ware ware sedova riri kudonhera pasi zvokuti iye navanhu vose vaanavo parege kuwanikwa kunyange nomumwe anopunyuka. Kana akapotera mune rimwe guta, pakadaro apo Isiraeri yose inoti tambo kokoto kuvinga guta racho torikwekweretsera mubani kudzamara pasara pasisina kunyange katombo zvako.” Abhusharomu navarume vose vokwaIsiraeri vakatoti, “Zano raHushai wokuAriki riri nani pane raAhitoferi,” nyamba izvozvo Tenzi akanga aronga zvokupazanisa zano raAhitoferi kuti apinze Abhusharomu munyatwa. Hushai akazonyevera Zadhoki naAbhiatari vapristi achiti, “Zano ranga rapiwa naAhitoferi kuna Abhusharomu navakuru vakuru vokwaIsiraeri nderiri, iniwo randazopa nderiri. Naizvozvo chikurumidzai kutumira Dhavhidhi shoko rokuti usiku hwanhasi ngaarege kurara pokuyambuka napo kurenje, asi kutoti napose paanogonera ayambuke. Mambo navanhu vaanavo vangadaro vakamedzwa.” Izvozvo Jonatani naAhimaazi vakanga vakamira kuEnirogeri. Mumwe muranda wechikadzi ndiye aitopota achindovanyevera, ivowo vachindozvisvitsa kuna mambo Dhavhidhi nokuti ivo havaifanira kuonekwa vachipinda muguta.

2 Samueri 17:1-17 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino Ahitoferi wakati kunaAbsaromi: Nditenderei ɀino nditsaure ʋarume ʋaneɀuru ɀinegumi neɀiʋiri, ndisimuke, nditeʋerere Davidi ʋusiku bguno; ndimuʋambe akaneta, asinesimba, ndimutyise, ʋanhu ʋose ʋaanaʋo ʋatize; ini ndicaʋuraya mambo oga. Ipapo ndicadzosera ʋanhu ʋose kwamuri; kana mawana munhu mumŋe wamunotȿaka, ʋanhu ʋose ʋacadzoka; naiɀoɀo ʋanhu ʋose ʋacaʋa norugare. Shoko iro rikafadza Absaromi naʋakuru ʋose ʋaIsraeri. Ipapo Absaromi akati: Ƌanai Hushai muArki ʋo, tinzwe ɀaanotaura. Hushai wakati aȿika kunaAbsaromi, Absaromi akataura naye akati: Ahitoferi wataura ɀokuti neɀokuti; ɀino toita seɀaakataura here? Kana tisiŋgafaniri kuɗaro, taura iwe. Hushai akati kunaAbsaromi: Zano ramapiwa ŋguʋa ino naAhitoferi harina‐kunaka. Hushai akawedzera, akati: Munoziʋa ɓaɓa ʋenyu naʋanhu ʋaʋo, kuti ʋanhu ʋoʋumhare, ɀino ʋaneshuŋgu pamŋoyo paʋo, seɓere ratorerwa ʋana ʋaro kusaŋgo; ɓaɓa ʋenyu munhu wokurwa, haʋaŋgaʋati naʋanhu. Tarirai, ɀino ʋandoʋanda paɓako, kana pamŋe; ɀino kana ʋamŋe ʋakataŋga kuʋurawa, aninani unoɀinzwa ucati: Ʋanhu, ʋanoteʋera Absaromi, ʋoʋurawa. Ipapo kunyaŋge munhu wemhare, unomŋoyo wakafanana noweshumba, ucaʋora mŋoyo, nokuti ʋaIsraeri ʋose ʋanoziʋa kuti ɓaɓa ʋenyu imhare, naiʋo ʋaʋanaʋo ʋanhu ʋoʋumhare ʋo. Ɀino zano raŋgu ndiro, kuti ʋaIsraeri ʋose ʋaʋuŋganidzwe kwamuri, kubva paDani kuȿikira paBeeri‐sheba, ʋawande sejeca riri paguŋgwa; nemi ʋo muende mumene kuhondo. Naiɀoɀo ticamuʋamba paaneŋge aciwanikwa, tigomhara pamsoro pake somumharire weʋeta pasi; hatiŋgasiyi kunyaŋge mumŋe waʋo, kunyaŋge iʋo kunyaŋge ʋanhu ʋaʋanaʋo. Ʋuye, kana ʋakapinda muguta, ʋaIsraeri ʋose ʋaŋgaʋuya namaɓote kuguta iro, tirikweʋere murwizi, kuȿikira pacishaikwa kunyaŋge ibge rimŋe ɗuku. Ipapo Absaromi naʋarume ʋose ʋaIsraeri ʋakati: Zano raHushai muArki rakanaka kukunda zano raAhitoferi. Nokuti Jehova wakaŋga atema kuti zano rakanaka raAhitoferi rikoneswe, kuti Jehova apinze Absaromi panjodzi. Ɀino Hushai akati kunaZadoki nokunaAbiatari ʋaprista: Ahitoferi wakapa Absaromi naʋakuru ʋaIsraeri zano rokuti nerokuti, asi ini ndakaʋapa zano rokuti nerokuti. Naiɀoɀo ɀino, tumai munhu pakarepo, aʋudze Davidi, ati: Regai kuʋata ʋusiku bguno kumazambuko erenje, asi munofanira kuyambuka, kuti mambo arege kumedzwa naʋanhu ʋose ʋaanaʋo. Ɀino Jonatani naAhimazi ʋakaŋga ʋari paEni‐rogeri, murandakadzi akaenda kundoʋaʋudza; iʋo ʋakandoʋudza mambo Davidi, nokuti haʋazaifanira kuʋonekwa ʋacipinda paguta.

2 Samueri 17:1-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)