Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 Samueri 17:1-17

2 Samueri 17:1-17 SCLB

Zvimwewo zvakataurwa naAhitoferi kuna Abhusharomu ndezvokuti, “Regai ndisarudze varume zviuru gumi nezviviri ndiende usiku hwanhasi kundoronda Dhavhidhi, ndimusvikire akaneta arasa mwoyo ndigomupazamisa musoro, vanhu vose vaanavo vamudzvamuke kutiza. Iye mambo wacho chete ndiye wandichapfuudza, ndigodzoka navanhu vacho vose kwamuri somuroora ari kuuya kumusha kwomurume wake. Chenyu imimika kupfuudza munhu mumwechete chete, vanhu vose vobva vapinda zvavo murunyararo.” Zano iri rakafadza Abhusharomu navakuru vakuru vokwaIsiraeri. Abhusharomu akabva ati, “Chimbotidaidziraiwo Hushai wokuAriki tinzwewo zvaanoreva.” Pakauya Hushai kuna Abhusharomu, Abhusharomu akati kwaari, “Zano ratapiwa naAhitoferi nderiri toritevera here? Kana risiri iro, ko iwe unotiwo kudii?” Hushai akati kuna Abhusharomu, “Zano rapiwa naAhitoferi rwendo runo harina kunaka.” Hushai akatizve, “Inga kana nemiwo munongozvizivawo wani kuti baba venyu navanhu vavo magamba chaiwo ehondo uye kuti izvozvi vane ukasha seingwe yatorerwa vana vayo musango. Izvozvi, usiku havamborara vaya pamwechete navamwe. Kutaura kuno, izvozvi vakatohwanda mune rimwe gomba kana kuti pane imwe nzvimbowo. Baba venyu vakazongotanga kuvarwisa, ani naani anozvinzwa anobva ati, ‘Hakuzi kuurayiwa ikoko kwaitwa vanhu vokwaAbhusharomu.’ Pakadaro apo kunyange gamba chairo rine mwoyo weshumba rinobva rava mbwende chaiyo achibweka nokutya. Chandinodariro ndechokuti Isiraeri yose inozviziva kuti baba venyu igamba chairo rehondo uye kuti vavanavo vacho magambawo chaiwo ehondo. Saka zvino zano rangu nderokuti, Isiraeri yose ngaikokorodzwe kubvira kuDhani kusvikira kuBheerisheba vaite sejecha repamahombekombe egungwa kuwanda, imimi pachenyu muendewo kuhondo, tigomusvikira paanenge ari ipapo toti paari ware ware sedova riri kudonhera pasi zvokuti iye navanhu vose vaanavo parege kuwanikwa kunyange nomumwe anopunyuka. Kana akapotera mune rimwe guta, pakadaro apo Isiraeri yose inoti tambo kokoto kuvinga guta racho torikwekweretsera mubani kudzamara pasara pasisina kunyange katombo zvako.” Abhusharomu navarume vose vokwaIsiraeri vakatoti, “Zano raHushai wokuAriki riri nani pane raAhitoferi,” nyamba izvozvo Tenzi akanga aronga zvokupazanisa zano raAhitoferi kuti apinze Abhusharomu munyatwa. Hushai akazonyevera Zadhoki naAbhiatari vapristi achiti, “Zano ranga rapiwa naAhitoferi kuna Abhusharomu navakuru vakuru vokwaIsiraeri nderiri, iniwo randazopa nderiri. Naizvozvo chikurumidzai kutumira Dhavhidhi shoko rokuti usiku hwanhasi ngaarege kurara pokuyambuka napo kurenje, asi kutoti napose paanogonera ayambuke. Mambo navanhu vaanavo vangadaro vakamedzwa.” Izvozvo Jonatani naAhimaazi vakanga vakamira kuEnirogeri. Mumwe muranda wechikadzi ndiye aitopota achindovanyevera, ivowo vachindozvisvitsa kuna mambo Dhavhidhi nokuti ivo havaifanira kuonekwa vachipinda muguta.