Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 Samueri 17:1-17

2 Samueri 17:1-17 SNA2002

Zvino Ahitoferi wakati kuna Abhusaromu, “Nditenderei zvino nditsaure varume vane zviuru zvine gumi nezviviri, ndisimuke, nditeverere Dhavhidhi usiku hwuno; ndimuvambe akaneta, asine simba, ndimutyise, vanhu vose vaanavo vatize; ini ndichauraya mambo oga. Ipapo ndichadzosera vanhu vose kwamuri; kana mawana munhu mumwe wamunotsvaka, vanhu vose vachadzoka; naizvozvo vanhu vose vachava norugare.” Shoko iro rakafadza Abhusaromu navakuru vose vaIsiraeri. Ipapo Abhusaromu akati, “Danai Hushai muArikiwo, tinzwe zvaanotaura.” Hushai wakati asvika kuna Abhusaromu, Abhusaromu akataura naye akati, “Ahitoferi wataura zvokuti nezvokuti; zvino toita sezvaakataura here? Kana tisingafaniri kudaro, taura iwe.” Hushai akati kuna Abhusaromu, “Zano ramapiwa nguva ino naAhitoferi harina kunaka.” Hushai akawedzera, akati, “Munoziva baba venyu navanhu vavo, kuti vanhu voumhare, zvino vane shungu pamwoyo pavo, sebere ratorerwa vana varo kusango; baba venyu munhu wokurwa, havangavati navanhu. Tarirai, zvino vandovanda pabako, kana pamwe; zvino kana vamwe vakatanga kuurawa, ani naani unozvinzwa uchati, ‘Vanhu, vanotevera Abhusaromu, vourawa.’ Ipapo kunyange munhu wemhare, ano mwoyo wakafanana noweshumba, uchawora mwoyo, nokuti vaIsiraeri vose vanoziva kuti baba venyu imhare, naivo vavanavo vanhu voumharewo. Zvino zano rangu ndiro, kuti vaIsiraeri vose vaunganidzwe kwamuri, kubva paDhani kusvikira paBheerishebha, vawande sejecha riri pagungwa; nemiwo muende mumene kuhondo. Naizvozvo tichamuvamba paanenge achiwanikwa, tigomhara pamusoro pake somumharire weveta pasi; hatingasiyi kunyange mumwe wavo, kunyange ivo kunyange vanhu vavanavo. Uye, kana vakapinda muguta, vaIsiraeri vose vangauya namabote kuguta iro, tirikwevere murwizi, kusvikira pachishaikwa kunyange ibwe rimwe duku.” Ipapo Abhusaromu navarume vose vaIsiraeri vakati, “Zano raHushai muAriki rakanaka kukunda zano raAhitoferi.” Nokuti Jehovha wakanga atema kuti zano rakanaka raAhitoferi rikoneswe, kuti Jehovha apinze Abhusaromu panjodzi. Zvino Hushai akati kuna Zadhoki nokuna Abhiatari vapristi, “Ahitoferi wakapa Abhusaromu navakuru vaIsiraeri zano rokuti nerokuti, asi ini ndakavapa zano rokuti nerokuti. Naizvozvo zvino, tumai munhu pakarepo, audze Dhavhidhi, ati, ‘Regai kuvata usiku hwuno kumazambuko erenje, asi munofanira kuyambuka, kuti mambo arege kumedzwa navanhu vose vaanavo.’ ” Zvino Jonatani naAhimazi vakanga vari paEnirogeri; murandakadzi akaenda kundovaudza ivo vakandoudza mambo Dhavhidhi, nokuti havazaifanira kuonekwa vachipinda paguta.