Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

II Samueri 17:1-17

II Samueri 17:1-17 SUB1949

Ɀino Ahitoferi wakati kunaAbsaromi: Nditenderei ɀino nditsaure ʋarume ʋaneɀuru ɀinegumi neɀiʋiri, ndisimuke, nditeʋerere Davidi ʋusiku bguno; ndimuʋambe akaneta, asinesimba, ndimutyise, ʋanhu ʋose ʋaanaʋo ʋatize; ini ndicaʋuraya mambo oga. Ipapo ndicadzosera ʋanhu ʋose kwamuri; kana mawana munhu mumŋe wamunotȿaka, ʋanhu ʋose ʋacadzoka; naiɀoɀo ʋanhu ʋose ʋacaʋa norugare. Shoko iro rikafadza Absaromi naʋakuru ʋose ʋaIsraeri. Ipapo Absaromi akati: Ƌanai Hushai muArki ʋo, tinzwe ɀaanotaura. Hushai wakati aȿika kunaAbsaromi, Absaromi akataura naye akati: Ahitoferi wataura ɀokuti neɀokuti; ɀino toita seɀaakataura here? Kana tisiŋgafaniri kuɗaro, taura iwe. Hushai akati kunaAbsaromi: Zano ramapiwa ŋguʋa ino naAhitoferi harina‐kunaka. Hushai akawedzera, akati: Munoziʋa ɓaɓa ʋenyu naʋanhu ʋaʋo, kuti ʋanhu ʋoʋumhare, ɀino ʋaneshuŋgu pamŋoyo paʋo, seɓere ratorerwa ʋana ʋaro kusaŋgo; ɓaɓa ʋenyu munhu wokurwa, haʋaŋgaʋati naʋanhu. Tarirai, ɀino ʋandoʋanda paɓako, kana pamŋe; ɀino kana ʋamŋe ʋakataŋga kuʋurawa, aninani unoɀinzwa ucati: Ʋanhu, ʋanoteʋera Absaromi, ʋoʋurawa. Ipapo kunyaŋge munhu wemhare, unomŋoyo wakafanana noweshumba, ucaʋora mŋoyo, nokuti ʋaIsraeri ʋose ʋanoziʋa kuti ɓaɓa ʋenyu imhare, naiʋo ʋaʋanaʋo ʋanhu ʋoʋumhare ʋo. Ɀino zano raŋgu ndiro, kuti ʋaIsraeri ʋose ʋaʋuŋganidzwe kwamuri, kubva paDani kuȿikira paBeeri‐sheba, ʋawande sejeca riri paguŋgwa; nemi ʋo muende mumene kuhondo. Naiɀoɀo ticamuʋamba paaneŋge aciwanikwa, tigomhara pamsoro pake somumharire weʋeta pasi; hatiŋgasiyi kunyaŋge mumŋe waʋo, kunyaŋge iʋo kunyaŋge ʋanhu ʋaʋanaʋo. Ʋuye, kana ʋakapinda muguta, ʋaIsraeri ʋose ʋaŋgaʋuya namaɓote kuguta iro, tirikweʋere murwizi, kuȿikira pacishaikwa kunyaŋge ibge rimŋe ɗuku. Ipapo Absaromi naʋarume ʋose ʋaIsraeri ʋakati: Zano raHushai muArki rakanaka kukunda zano raAhitoferi. Nokuti Jehova wakaŋga atema kuti zano rakanaka raAhitoferi rikoneswe, kuti Jehova apinze Absaromi panjodzi. Ɀino Hushai akati kunaZadoki nokunaAbiatari ʋaprista: Ahitoferi wakapa Absaromi naʋakuru ʋaIsraeri zano rokuti nerokuti, asi ini ndakaʋapa zano rokuti nerokuti. Naiɀoɀo ɀino, tumai munhu pakarepo, aʋudze Davidi, ati: Regai kuʋata ʋusiku bguno kumazambuko erenje, asi munofanira kuyambuka, kuti mambo arege kumedzwa naʋanhu ʋose ʋaanaʋo. Ɀino Jonatani naAhimazi ʋakaŋga ʋari paEni‐rogeri, murandakadzi akaenda kundoʋaʋudza; iʋo ʋakandoʋudza mambo Davidi, nokuti haʋazaifanira kuʋonekwa ʋacipinda paguta.