2 Madzimambo 18:1-8
2 Madzimambo 18:1-8 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino negore rechitatu raHoshea mwanakomana waEra mambo weIsiraeri, Hezekia mwanakomana waAhazi mambo waJudha wakatanga ushe. Akatanga kubata ushe ava namakore ana makumi maviri namashanu; akabata ushe paJerusaremu makore makumi maviri namapfumbamwe; zita ramai vake rakanga riri Abhi mukunda waZekariya. Akaita zvakarurama pamberi paJehovha, sezvakaita baba vake Dhavhidhi. Akabvisa matunhu akakwirira, akaputsa shongwe, akaparadza matanda okunamata nawo; akaputsa-putsa nyoka yendarira yakanga yakaitwa naMosesi; nokuti kusvikira pamazuva iwayo vana veIsiraeri vaiipisira zvinonhuwira; akaitumidza Nehushitani. Akatenda kuna Jehovha Mwari weIsiraeri; naizvozvo hakuna wakanga akafanana naye pakati pamadzimambo ose aJudha, kuna vakamutevera, kana vakamutangira. Nokuti wakanamatira Jehovha, haana kutsauka pakumutevera; asi wakachengeta mirairo yake, yakarairwa Mosesi naJehovha. Jehovha akava naye; kwose kwaakaenda wakafambiswa zvakanaka; akamukira mambo weAsiria, akasamushumira. Akakunda vaFirisitia kusvikira paGaza nenyika yaro, kubva pachirindo chomurindi kusvikira pamaguta akakombwa norusvingo.
2 Madzimambo 18:1-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mugore rechitatu raHoshea mwanakomana waEra Mambo weIsraeri, Hezekia mwanakomana waAhazi mambo weJudha akatanga kutonga. Akanga ava namakore makumi maviri namashanu paakava mambo, uye akatonga muJerusarema kwamakore makumi maviri namapfumbamwe. Zita ramai vake rainzi Abhiya mwanasikana waZekaria. Akaita zvakanaka pamberi paJehovha, sezvakanga zvaita baba vake Dhavhidhi. Akabvisa matunhu akakwirira, akaputsa matombo okunamata, uye akatema matanda aAshera. Akaputsa nyoka yendarira yakanga yaitwa naMozisi, nokuti kusvikira panguva iyoyo vaIsraeri vakanga vachipisira zvinonhuhwira kwairi. (Yakanga ichinzi Nehushitani.) Hezekia akanga achivimba naJehovha, Mwari waIsraeri. Kwakanga kusina akafanana naye pakati pamadzimambo ose eJudha, vakamutangira kana vakamutevera. Akanamatira kuna Jehovha uye haana kurega kumutevera; akachengeta mirayiro yakapiwa Mozisi naJehovha. Uye Jehovha aiva naye; akabudirira pane zvose zvaakaita. Akamukira mambo weAsiria akasazomushandira. Akakunda vaFiristia, kubva pachirindo chavarindi kusvikira kuguta rakakomberedzwa, zvichienda kuGaza nenyika yayo.
2 Madzimambo 18:1-8 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino negore rechitatu raHoshea mwanakomana waEra mambo weIsiraeri, Hezekia mwanakomana waAhazi mambo waJudha wakatanga ushe. Akatanga kubata ushe ava namakore ana makumi maviri namashanu; akabata ushe paJerusaremu makore makumi maviri namapfumbamwe; zita ramai vake rakanga riri Abhi mukunda waZekariya. Akaita zvakarurama pamberi paJehovha, sezvakaita baba vake Dhavhidhi. Akabvisa matunhu akakwirira, akaputsa shongwe, akaparadza matanda okunamata nawo; akaputsa-putsa nyoka yendarira yakanga yakaitwa naMosesi; nokuti kusvikira pamazuva iwayo vana veIsiraeri vaiipisira zvinonhuwira; akaitumidza Nehushitani. Akatenda kuna Jehovha Mwari weIsiraeri; naizvozvo hakuna wakanga akafanana naye pakati pamadzimambo ose aJudha, kuna vakamutevera, kana vakamutangira. Nokuti wakanamatira Jehovha, haana kutsauka pakumutevera; asi wakachengeta mirairo yake, yakarairwa Mosesi naJehovha. Jehovha akava naye; kwose kwaakaenda wakafambiswa zvakanaka; akamukira mambo weAsiria, akasamushumira. Akakunda vaFirisitia kusvikira paGaza nenyika yaro, kubva pachirindo chomurindi kusvikira pamaguta akakombwa norusvingo.
2 Madzimambo 18:1-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mugore rechitatu rokutonga kwaHoshea mwanakomana waEra mambo wokwaIsiraeri, Hezekiya mwanakomana waAhazi mambo wokwaJudha akatangisa kutonga. Akanga ava namakore makumi maviri namashanu paakatanga kutonga. Akatonga kwamakumi maviri amakore ana makore mapfumbamwe ari muJerusaremu. Zita raamai vake rainzi Abhi mukunda waZekariya. Akaita zvakarurama zvinodiwa naTenzi sezvakaitwa naDhavhidhi tateguru wake. Akabvisa nzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira akapwanya zvifananidzo zvokunamata akatemera pasi zvifananidzo zvaAshera. Akadimura-dimura nyoka yendarira iya yakanga yaumbwa naMosesi nokuti pamazuva iwayo vaIsiraeri vakanga vava kuipisira rusenzi semupiro ichinzi Nehushitani. Hezekiya aivimba naTenzi, Mwari weIsiraeri zvokuti hapana angamboenzaniswa naye pakati pamadzimambo ose okwaJudha vakatevera mushure make kana pane vakamutangira. Akaramba akati kwati naTenzi asingatsauki pakumutevera achichengeta mitemo yaTenzi yaakatemera Mosesi kuti ichengetwe. Tenzi aiva naye, kwose zvako kwaaienda aibudirira. Akaramba zvokutongwa namambo weAsiria akarega kumushandira. Akauraya vaFirisitia kusvikira kuGaza nedunhu rayo kubvira panharire kusvikira muguta rine rusvingo.
2 Madzimambo 18:1-8 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino negore recitatu raHoshea mŋanakomana waEra mambo waIsraeri, Hezekia mŋanakomana waAhazi mambo waJuda wakataŋga kuɓata ʋushe. Akataŋga kuɓata ʋushe aʋa namakore anamakumi maʋiri namashanu; akaɓata ʋushe paJerusarema makore makumi maʋiri namapfumbamŋe; zita ramai ʋake rakaŋga riri Abi mukunda waZekaria. Akaita ɀakarurama pamberi paJehova, seɀakaita ɓaɓa ʋake Davidi. Akabvisa matunhu akakwirira, akaputsa shoŋgwe, akaparadza matanda okunamata nawo; akaputsa‐putsa nyoka yendarira yakaŋga yakaitwa naMosesi; nokuti kuȿikira pamazuʋa iwayo ʋana ʋaIsraeri ʋaiipisira ɀinonhuwira; akaitumidza Nehustani. Akatenda kunaJehova Mŋari waIsraeri; naiɀoɀo hakuna‐wakaŋga akafanana naye pakati pamadzimambo ose aJuda, kunaʋakamuteʋera, kana ʋakamutaŋgira. Nokuti wakanamatira Jehova, haana‐kutsauka pakumuteʋera; asi wakaceŋgeta mirairo yake, yakarairwa Mosesi naJehova. Jehova akaʋa naye; kwose kwaakaenda wakafambiswa ɀakanaka; akamukira mambo weAsiria, akasamushumira. Akakunda ʋaFiristia kuȿikira paGaza nenyika yaro, kubva pacirindo comurindi kuȿikira pamaguta akakombga noruȿiŋgo.
2 Madzimambo 18:1-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)