Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

II Madzimambo 18:1-8

II Madzimambo 18:1-8 SUB1949

Ɀino negore recitatu raHoshea mŋanakomana waEra mambo waIsraeri, Hezekia mŋanakomana waAhazi mambo waJuda wakataŋga kuɓata ʋushe. Akataŋga kuɓata ʋushe aʋa namakore anamakumi maʋiri namashanu; akaɓata ʋushe paJerusarema makore makumi maʋiri namapfumbamŋe; zita ramai ʋake rakaŋga riri Abi mukunda waZekaria. Akaita ɀakarurama pamberi paJehova, seɀakaita ɓaɓa ʋake Davidi. Akabvisa matunhu akakwirira, akaputsa shoŋgwe, akaparadza matanda okunamata nawo; akaputsa‐putsa nyoka yendarira yakaŋga yakaitwa naMosesi; nokuti kuȿikira pamazuʋa iwayo ʋana ʋaIsraeri ʋaiipisira ɀinonhuwira; akaitumidza Nehustani. Akatenda kunaJehova Mŋari waIsraeri; naiɀoɀo hakuna‐wakaŋga akafanana naye pakati pamadzimambo ose aJuda, kunaʋakamuteʋera, kana ʋakamutaŋgira. Nokuti wakanamatira Jehova, haana‐kutsauka pakumuteʋera; asi wakaceŋgeta mirairo yake, yakarairwa Mosesi naJehova. Jehova akaʋa naye; kwose kwaakaenda wakafambiswa ɀakanaka; akamukira mambo weAsiria, akasamushumira. Akakunda ʋaFiristia kuȿikira paGaza nenyika yaro, kubva pacirindo comurindi kuȿikira pamaguta akakombga noruȿiŋgo.