Zvino negore rechitatu raHoshea mwanakomana waEra mambo weIsiraeri, Hezekia mwanakomana waAhazi mambo waJudha wakatanga ushe. Akatanga kubata ushe ava namakore ana makumi maviri namashanu; akabata ushe paJerusaremu makore makumi maviri namapfumbamwe; zita ramai vake rakanga riri Abhi mukunda waZekariya. Akaita zvakarurama pamberi paJehovha, sezvakaita baba vake Dhavhidhi. Akabvisa matunhu akakwirira, akaputsa shongwe, akaparadza matanda okunamata nawo; akaputsa-putsa nyoka yendarira yakanga yakaitwa naMosesi; nokuti kusvikira pamazuva iwayo vana veIsiraeri vaiipisira zvinonhuwira; akaitumidza Nehushitani. Akatenda kuna Jehovha Mwari weIsiraeri; naizvozvo hakuna wakanga akafanana naye pakati pamadzimambo ose aJudha, kuna vakamutevera, kana vakamutangira. Nokuti wakanamatira Jehovha, haana kutsauka pakumutevera; asi wakachengeta mirairo yake, yakarairwa Mosesi naJehovha. Jehovha akava naye; kwose kwaakaenda wakafambiswa zvakanaka; akamukira mambo weAsiria, akasamushumira. Akakunda vaFirisitia kusvikira paGaza nenyika yaro, kubva pachirindo chomurindi kusvikira pamaguta akakombwa norusvingo.
Verenga chikamu 2 Madzimambo 18
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 2 Madzimambo 18:1-8
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo