Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 Madzimambo 18:1-8

2 Madzimambo 18:1-8 SCLBD

Mugore rechitatu rokutonga kwaHoshea mwanakomana waEra mambo wokwaIsiraeri, Hezekiya mwanakomana waAhazi mambo wokwaJudha akatangisa kutonga. Akanga ava namakore makumi maviri namashanu paakatanga kutonga. Akatonga kwamakumi maviri amakore ana makore mapfumbamwe ari muJerusaremu. Zita raamai vake rainzi Abhi mukunda waZekariya. Akaita zvakarurama zvinodiwa naTenzi sezvakaitwa naDhavhidhi tateguru wake. Akabvisa nzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira akapwanya zvifananidzo zvokunamata akatemera pasi zvifananidzo zvaAshera. Akadimura-dimura nyoka yendarira iya yakanga yaumbwa naMosesi nokuti pamazuva iwayo vaIsiraeri vakanga vava kuipisira rusenzi semupiro ichinzi Nehushitani. Hezekiya aivimba naTenzi, Mwari weIsiraeri zvokuti hapana angamboenzaniswa naye pakati pamadzimambo ose okwaJudha vakatevera mushure make kana pane vakamutangira. Akaramba akati kwati naTenzi asingatsauki pakumutevera achichengeta mitemo yaTenzi yaakatemera Mosesi kuti ichengetwe. Tenzi aiva naye, kwose zvako kwaaienda aibudirira. Akaramba zvokutongwa namambo weAsiria akarega kumushandira. Akauraya vaFirisitia kusvikira kuGaza nedunhu rayo kubvira panharire kusvikira muguta rine rusvingo.

YouVersion inoshandisa macookies kugadzirisa mashandisiro ako. Nekushandisa webhusaiti yedu, unobvuma kushandisa kwedu macookies sekutsanangurwa kwazvakaitwa mu Mutemo wedu weZvakavanzika