Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 Madzimambo 18

18
VIII: MAKORE OKUPEDZISIRA OUMAMBO HOKWAJUDHA
A: MAMBO HEZEKIYA NOMUPOROFITA ISAYA NENYIKA YEASIRIA
Hezekiya mambo wokwaJudha (716—687 K.A.A.)
(2 Nhor 29:1–2; 31:1)
1Mugore rechitatu rokutonga kwaHoshea mwanakomana waEra mambo wokwaIsiraeri, Hezekiya mwanakomana waAhazi mambo wokwaJudha akatangisa kutonga. 2Akanga ava namakore makumi maviri namashanu paakatanga kutonga. Akatonga kwamakumi maviri amakore ana makore mapfumbamwe ari muJerusaremu. Zita raamai vake rainzi Abhi mukunda waZekariya. 3Akaita zvakarurama zvinodiwa naTenzi sezvakaitwa naDhavhidhi tateguru wake. 4Akabvisa nzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira akapwanya zvifananidzo zvokunamata akatemera pasi zvifananidzo zvaAshera. Akadimura-dimura nyoka yendarira iya yakanga yaumbwa naMosesi nokuti pamazuva iwayo vaIsiraeri vakanga vava kuipisira rusenzi semupiro ichinzi Nehushitani. 5Hezekiya aivimba naTenzi, Mwari weIsiraeri zvokuti hapana angamboenzaniswa naye pakati pamadzimambo ose okwaJudha vakatevera mushure make kana pane vakamutangira. 6Akaramba akati kwati naTenzi asingatsauki pakumutevera achichengeta mitemo yaTenzi yaakatemera Mosesi kuti ichengetwe. 7Tenzi aiva naye, kwose zvako kwaaienda aibudirira. Akaramba zvokutongwa namambo weAsiria akarega kumushandira. 8Akauraya vaFirisitia kusvikira kuGaza nedunhu rayo kubvira panharire kusvikira muguta rine rusvingo.
Zvokuparara kweSamaria zvinotaurwa rwechipiri
9Zvakazoitika kuti mugore rechina rokutonga kwamambo Hezekiya ipapo makanga muri mugore rechinomwe rokutonga kwaHoshea mambo wokwaIsiraeri mwanakomana waEra, Sharumanesa mambo weAsiria akauya kuzorwisa Samaria ndokurikomba. 10Kurikurira akazorikurira pakupera kwegore rechitatu muri mugore rechitanhatu rokutonga kwaHezekiya izvozvowo muri mugore rechipfumbamwe rokutonga kwaHoshea mambo wokwaIsiraeri, ndopakakurirwa Samaria ipapo. 11Mambo weAsiria akatapa vaIsiraeri akaenda navo kuAsiria. Akandovagarisa kuHara nomuna Habhori rwizi rwokuGozani nomumaguta evaMidhi 12nokuti havana kuteerera zvakanga zvataurwa naTenzi, Mwari wavo, vakatyora chitenderano chake, kunyange zvose zvavakaudzwa naMosesi muranda waTenzi, havana kumbozviteerera kana kuzviita.
Kutyisidzira kwakaitwa Jerusaremu neAsiria
(2 Nhor 32:1–19; Isa 36:1–22)
13Mugore regumi nechina rokutonga kwamambo Hezekiya, Senakeribhu mambo weAsiria akauya kuzorwisa maguta ose okwaJudha akanga akavakirirwa netsvingo akaakurira. 14Hezekiya mambo wokwaJudha akatuma nhume kuna mambo weAsiria kuRakishi achiti, “Ndakatadza. Dai mukachitisiya muende zvenyu. Chamunenge mati ndiite ndinoita.” Mambo weAsiria akapa Hezekiya mambo wokwaJudha mutoro wokubvisa mari yesirivha inorema gumi rezviuru zvamakirogiramu nendarama inorema makirogiramu chiuru. 15Hezekiya akamupa sirivha yose yaiva mumba yaTenzi nomudzimba dzokuchengetera upfumi hwomumuzinda wamambo. 16Panguva iyoyo Hezekiya akakwatanura ndarama yaiva pamagonhi eTemberi yaTenzi napamagwatidziro yaakanga anamirapo, akaipa kuna mambo weAsiria. 17Mambo weAsiria akatumira mutungamiriri mukuru wehondo yake nerimwe jinda rake guru nomutariri mukuru wezvomumuzinda make vaine hondo huru kwazvo kuna mambo Hezekiya kuJerusaremu kubva kuRakishi. Vakakwira vakasvika kuJerusaremu. Pavakasvika vakasvikomira kumugero wemvura wedziva rokumusoro pamugwagwa mukuru wokunhandare yomusuki wamachira.
Mutariri mukuru wezvomuzinda wamambo weAsiria
18Pavaidaidza mambo, kwakabuda Eriakimu mwanakomana waHirikiya aiva mukuru mukuru womumuzinda nasamunyori mukuru Shebhuna nomunyori Joa mwanakomana waAsafu. 19Mutariri mukuru wezvomumuzinda uya akati kwavari, “Itii kuna Hezekiya, zvanzi namambo mukuru, mambo weAsiria, ‘Unovimba neiko?’ 20Unofunga kuti kutaura pamuromo apa ndiko kuronga hondo here ikoko kana kuti simba rokurwa hondo iroro? Ndiani wawava kuinzva naye zvawava kutondipandukira kudai? 21Zvino chinzwa, uri kuvimba norutsanga zvarwo rwakatyoka, Ijipiti, runobaya muchanza munhu anenge ada kuti agamwe narwo. Ndozvakaita Farao mambo weIjipiti kuna vose vanovimba naye.
22“Asi kana zvako ukati kwandiri, ‘Tinovimba naTenzi, Mwari wedu,’ haasi ndiye here ane nzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira neatari dzacho dzakabviswa naHezekiya achitaurira Judha neJerusaremu kuti, ‘Munofanira kunamata muri paatari iyi muJerusaremu umu.’ 23Mupikirane natenzi wangu mambo weAsiria, ndikupeka mabhiza zviuru zviviri. Pakopo ungaawanirewo vachayiri here iwe? 24Kunyange akava mukuru mukuru wehondo pakati pamakurukota okupedzisira chaiwo atenzi wangu ungabva wafemera kumumhanyisawo here iwe, iwe uchidaro kutovimba neIjipiti kuti utowanawo ngoro dzehondo navachairi. 25Uyewo kuuya kwandaita kuzorwisa ndichiparadza nzvimbo ino, ndangouyawo here zvisina Tenzi mukati? Tenzi ndiye akanditi, ‘Vinga nyika iyoyi uiparadze.’ ”
26Eriakimu mwanakomana waHirikiya naShebhuna naJoa vakati kumutariri wezvomumuzinda wacho, “Dai mukataura zvenyu kwatiri isu varanda venyu nechiSiria nokuti tinochinzwa. Murege zvenyu kutaura nesu nechiJudha vanhu vari parusvingo apo vachinzwa.”
27Asi mutariri mukuru wezvomumuzinda uyu akavati, “Munoti tenzi wangu andituma kuzotaura izvozvi kuna tenzi wenyu nokwamuri nhai ndichirega kutaurirawo varume vagere parusvingo apo vapinda nyatwa pamwechete nemi yokudya ndove yavo nemvura yavo.”
28Mutariri mukuru wezvomumuzinda ndopaakasimuka kwazvo odaidzira chaizvo muchiJudha achiti, “Tererai munzwe shoko ramambo mukuru, mambo weAsiria. 29Zvanzi namambo, regai kunyengedzwa naHezekiya nokuti haakwanise kukununurai mumaoko angu. 30Musarege Hezekiya achikutii muvimbe naTenzi achiti Tenzi anonyatsokununurai uye kuti guta rino harimboiswa mumaoko avaAsiria.
31“Musateerere Hezekia nokuti zvanzi namambo weAsiria ngatinzwananei ubude kuno kwandiri. Mukadaro mumwe nomumwe achadya muchero womugirepisi wake, munhu wose achidya michero yomuonde wake; munhu wose uchinwa mvura yomutsime rake, 32kusvikira ndauya kuzokutorai ndoenda nemi kunyika yakangoita senyika yenyu iyi.
“Nyika yembesanwa newaini
nyika yechingwa nemigirepisi
nyika yemiti yemuorivhi nouchi
kuitira kuti murarame murege kufa.
Musateerere Hezekiya achikufurirai achiti, ‘Tenzi achatinunura.’ 33Pamarudzi ose pana mwari here ati ambonunura nyika yake mumaoko amambo weAsiria? ‘Ko vamwari vokuHamati nokuAripadhi varipi?’ 34Ko vamwari vokuSefarivhaimu novokuHena nokuIvha varipiko? Vakanunura Samaria mumaoko angu here? 35Pakati pavamwari vose venyika idzodzo ndivanaani vakanunura nyika dzavo mumaoko angu zvingazonzi Tenzi achanunura Jerusaremu mumaoko angu?”
36Asi vanhu vakati mwiro kunyarara vakarega nokumupindura kwose nokuti chirevo chamambo chaiti, “Regai kumupindura.” 37Ipapo Eriakimu mwanakomana waHirikiya aiva mukuru mukuru womumuzinda naShebhuna samunyori mukuru nomunyori Joa mwanakomana waAsafu vakaenda kuna Hezekiya hanzu vabvarura. Vakamusvitsa zvakanga zvataurwa nomutariri mukuru wezvomumuzinda.

Zvasarudzwa nguva ino

2 Madzimambo 18: SCLB

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda