2 VaKorinde 4:1-12
2 VaKorinde 4:1-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Naizvozvo, sezvo tine ushumiri uhu kubudikidza netsitsi dzaMwari, hatiori mwoyo. Asi takaramba zvinhu zvakavanzika uye nenzira dzinonyadzisa; hatishandisi unyengeri, uye hatiminamisi shoko raMwari. Asi pakuratidza kwedu zvokwadi, tinozvireverera muhana yomunhu wose pamberi paMwari. Uye kunyange zvazvo vhangeri redu rakafukidzwa, rakafukidzwa kuna avo vari kuparara. Vasingatendi vakapofumadzwa ndangariro dzavo namwari wenyika ino, kuti varege kuona chiedza chevhangeri rokubwinya kwaKristu, anova mufananidzo waMwari. Nokuti hatizviparidzi isu, asi Jesu Kristu saShe, uye isu savaranda venyu nokuda kwaJesu. Nokuti Mwari akati, “Chiedza ngachipenye murima,” akaita kuti chiedza chake chipenye mumwoyo yedu kuti tiwane chiedza choruzivo rwokubwinya kwaMwari muchiso chaKristu. Asi pfuma iyi tinayo mumidziyo yevhu kuratidza kuti simba iri rinopfuura zvose rinobva kuna Mwari kwete kwatiri. Tinomanikidzwa kumativi ose, asi hatipwanyiwi; tinokanganiswa, asi hatina kuora mwoyo; tinotambudzwa, asi hatina kusiyiwa; takawisirwa pasi, asi hatina kuparadzwa. Tinoramba tichitakura nguva dzose mumuviri wedu kufa kwaJesu, kuti upenyu hwaJesu huratidzwewo mumuviri wedu. Nokuti isu vapenyu tinoramba tichiiswa kurufu nokuda kwaJesu, kuti upenyu hwake huratidzwe mumuviri wedu unofa. Saka naizvozvo kufa kunobata matiri, asi upenyu hunobata mamuri.
2 VaKorinde 4:1-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Naizvozvo, Mwari, nenyasha dzake, zvaakatipa basa iri hatirasi mwoyo. Takasarudza kusamboita zvinhu zvinonyadzisa nezvomuchivandevande. Takaramba kuita zvoujarijari kana kushatisa shoko raMwari. Asi tinozviratidza zvatiri kuhana yomunhu wose zvake takamira pachokwadi chizere pamberi paMwari. Kunyange zvazvo Shoko redu Rakanaka rakafukidzwa, rakafukidzwa chete kuna vari kuparara. Pane zvaivava, mwari wapasi pano akapofomadza pfungwa dzavasingatendi kuti varege kuona mwenje weShoko Rakanaka rembiri yaKristu, iye akatodzana naMwari. Isu hatizviparidzi asi watinoparidza ndiJesu Kristu saTenzi, isu tiri varanda venyu pamusana paJesu, nokuti iye Mwari ndiye akati, “Chiedza ngachivheneke murima,” ndiye akavhenekawo mumwoyo yedu, kuti atipe mwenje woruzivo rwembiri yaMwari iri muuso hwaKristu. Asi upfumi uhu tinaho huri muhari dzevhu, kuratidza kuti simba ramasimba ose nderaMwari, kwete redu. Tinotambudzwa nenzira dzakasiyana–siyana asi hatishai pokupunyuka napo, tinoshaiswa mazano asi hatirasi mwoyo; tinoshushwa asi hatisiiwi tiri toga; tinorigirwa pasi asi hatiparadzwi. Tinogara takaberekana narwo rufu rwaJesu kuti upenyu hwaJesu huratidzwewo mumiviri yedu. Paupenyu hwedu, tinogara takangotarisana narwo rufu pamusana paJesu kuti upenyu hwaJesu huratidzwe munyama yedu inofa. Naizvozvo, isu tinogara takafudzwa narwo rufu asi imi muri muupenyu.
2 VaKorinde 4:1-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)

2 VaKorinde 4:1-12 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Saka, zvatinako kushumira uku, patakanzwirwa ngoni napo, hatineti; asi takaramba zvinhu zvakavanzika zvinonyadza, tisingafambi nokunyengera, tisingashatisi shoko raMwari; asi pakuratidza kwedu zvokwadi, tinozvitendisa kuhana dzavanhu vose pamberi paMwari. Zvino kana Vhangeri yedu yakafukidzwa, yakafukidzwa kuna vanorasika; kuna vasingatendi vakapofumadzirwa ndangariro namwari wenyika ino, kuti varege kuvhenekerwa nechiedza cheVhangeri yokubwinya kwaKristu, uri mufananidzo waMwari. Nokuti hatizviparidzi isu, asi Kristu Jesu kuti ndiye Ishe; nesu kuti tiri varanda venyu nokuda kwaJesu. Nokuti Mwari, akareva kuti, “Chiedza chibude parima,” ndiye akavhenekera mumwoyo yedu, kuti atipe chiedza chokuziva kubwinya kwaMwari kunoonekwa pachiso chaJesu Kristu. Asi pfuma iyi tinayo mumidziyo yevhu, kuti ukuru hwesimba huve hwaMwari, hurege kuva hwedu. Tinotambudzika pamativi ose, asi hatimanikidzwi; tinokanganiswa, asi hatina kurasa mwoyo; tinotambudzwa, asi hatina kusiyiwa; takawisirwa pasi, asi hatina kuparadzwa; tinoramba tichitakura nguva dzose mumuviri wedu kufa kwaJesu, kuti noupenyuwo hwaJesu huratidzwe mumuviri wedu. Nokuti isu vapenyu tinogara tichingoiswa pakufa nokuda kwaJesu, kuti noupenyuwo hwaJesu huratidzwe munyama yedu inofa. Saizvozvo kufa kunobata matiri, asi upenyu mamuri.
2 VaKorinde 4:1-12 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Saka, ɀatinako kushumira uku, patakanzwirwa ŋgoni napo, hatineti; asi takaramba ɀinhu ɀakaʋanzika ɀinonyadza, tisiŋgafambi nokunyeŋgera, tisiŋgashatisi shoko raMŋari; asi pakuratidza kweɗu ɀokwaɗi, tinoɀitendisa kuhana dzaʋanhu ʋose pamberi paMŋari. Ɀino kana Evaŋgeri yeɗu yakafukidzwa, yakafukidzwa kunaʋanorashika; kunaʋasiŋgatendi ʋakapofumadzirwa ndaŋgariro namŋari wenyika ino, kuti ʋarege kuvenekerwa neciedza ceEvaŋgeri yokubginya kwaKristu, uri mufananidzo waMŋari. Nokuti hatiɀiparidzi isu, asi Kristu Jesu kuti ndiye Ishe; nesu kuti tiri ʋaranda ʋenyu nokuɗa kwaJesu Nokuti Mŋari, wakareʋa kuti ciedza ciɓuɗe parima, ndiye wakavenekera mumŋoyo yeɗu, kuti atipe ciedza cokuziʋa kubginya kwaMŋari kunoʋonekwa paciso caJesu Kristu. Asi fuma iyi tinayo mumidziyo yevu, kuti ʋukuru bgesimba bguʋe bgaMŋari, bgurege kuʋa bgeɗu. tinotambudzika pamatiʋi ose, asi hatimanikidzwi; tinokaŋganiswa, asi hatina‐kurasha mŋoyo; tinotambudzwa, asi hatinakusiyiwa; takawisirwa pasi, asi hatinakuparadzwa; tinoramba ticitakura ŋguʋa dzose mumuʋiri weɗu kufa kwaJesu, kuti noʋupenyu ʋo bgaJesu bguratidzwe mumuʋiri weɗu. Nokuti isu ʋapenyu tinogara ticiŋgoiswa pakufa nokuɗa kwaJesu, kuti noʋupenyu ʋo bgaJesu bguratidzwe munyama yeɗu inofa. Saiɀoɀo kufa kunoɓata matiri, asi ʋupenyu mamuri.